< VaGaratia 6 >

1 Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo.
我的朋友们,如果有人被罪引入歧途,拥有灵的你们应该以温柔的精神将它们引导回来。小心不要被诱惑。
2 Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
承担彼此的重负,这样你们就完成了基督的律法。
3 Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera.
有人认为自己非常重要——其实他们什么都不是——只是在自欺欺人。
4 Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo,
仔细检查您的行为。然后你就能对自己感到满意,无需和别人比较。
5 nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.
我们必须对自己负责。
6 Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
受过圣经教导之人应该善待他们的老师,与老师分享一切良善。
7 Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.
不要被愚弄,我们不能蔑视上帝,种瓜得瓜,种豆得豆。
8 Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. (aiōnios g166)
如果你通过有罪的人性播种,就会那种人性中收获自我毁灭。但如果你根据灵撒种,就会从灵获得永生。 (aiōnios g166)
9 Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.
要永不厌倦、永不放弃地行善,最终会获得收获。
10 Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
因此,趁我们还有时间,让我们对所有人行善——尤其是对那些同属信仰大家庭的人。
11 Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu!
注意这些字母有多大,现在我是用自己的手写成!
12 Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
那些只想给人留下好印象的人,它们强迫你们受割礼,这样他们就不会因为基督的十字架而受到迫害。
13 Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu.
即使那些受割礼的人也不会遵守律法,但却希望你们能受割礼,以便他们可以夸赞你们,将你视为他们的追随者。
14 Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika.
希望我除了在我们主耶稣基督的十字架上以外,永不夸口。通过这个十字架,世界对我而言被钉死在十字架上,对世界而言,我已经被钉死在十字架上。
15 Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva.
割礼与否并不重要——重要的是我们已被全新创造!
16 Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari.
愿所有遵守此原则之人以及上帝的以色列人,获得平安和怜悯!
17 Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu.
请不要再有人来打扰我了,因为我身上有耶稣的伤疤。
18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
我的兄弟姐妹们,愿我们主耶稣基督的恩典与你们的灵同在。阿门。

< VaGaratia 6 >