< VaGaratia 5 >

1 Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.
For freedom Christ has set us free. Stand firm, therefore, and do not again be put under the control of a yoke of slavery.
2 Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku.
Look, I, Paul, say to you that if you let yourselves be circumcised, Christ will not benefit you in any way.
3 Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose.
I testify again to every man who lets himself be circumcised that he is obligated to obey the whole law.
4 Imi munoedza kururamisirwa nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha.
You are cut off from Christ, you who would be justified by the law; you no longer experience grace.
5 Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya.
For through the Spirit, by faith, we eagerly wait for the hope of righteousness.
6 Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.
In Christ Jesus neither circumcision nor uncircumcision means anything, but only faith working through love.
7 Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi?
You were running well. Who prevented you from obeying the truth?
8 Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai.
This persuasion does not come from him who calls you!
9 Mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose chakakanyiwa.
A little yeast makes the whole batch of dough rise.
10 Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka yake, angava ani zvake.
I have confidence in the Lord that you will take no other view. The one who is troubling you will pay the penalty, whoever he is.
11 Hama dzangu, kana ndichiri kuparidza nezvokudzingiswa, ko, ndichiri kutambudzirwei hangu? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.
Brothers, if I still proclaim circumcision, why am I still being persecuted? In that case the stumbling block of the cross has been removed.
12 Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo.
As for those who are disturbing you, I wish they would castrate themselves!
13 Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.
For you were called to freedom, brothers. But do not use your freedom as an opportunity for the sinful nature; rather, through love serve one another.
14 Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
For the whole law is fulfilled in one command: “You must love your neighbor as yourself.”
15 Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadzana mumwe nomumwe wenyu.
But if you bite and devour one another, watch out that you are not consumed by one another.
16 Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.
But I say, walk by the Spirit and you will not carry out the desires of the sinful nature.
17 Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.
For the desires of the sinful nature are against the Spirit, and the desires of the Spirit are against the sinful nature. For these are in conflict with each other, so that you cannot do the things you want.
18 Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.
But if you are led by the Spirit, you are not under the law.
19 Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere;
Now the works of the sinful nature are evident: sexual immorality, impurity, depravity,
20 kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka
idolatry, sorcery, hostilities, strife, jealousy, outbursts of anger, rivalry, dissension, divisions,
21 nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
envy, drunkenness, drunken celebrations, and things like these. I warn you, as I warned you before, that those who practice such things will not inherit the kingdom of God.
22 Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,
But the fruit of the Spirit is love, joy, peace, patience, kindness, goodness, faith,
23 kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
gentleness, and self-control; against such things there is no law.
24 Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva.
Those who belong to Christ Jesus have crucified the sinful nature with its passions and desires.
25 Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.
If we live by the Spirit, let us also walk by the Spirit.
26 Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.
Let us not become conceited, provoking one another, envying one another.

< VaGaratia 5 >