< VaGaratia 4 >
1 Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose.
But I say, that the heir, as long as he is a minor, differs in no respect from a servant, though he is owner of all;
2 Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake.
but is under guardians and managers till the time appointed by the father.
3 Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika.
So, also, we, when we were minors, were in bondage under the rudiments of the world.
4 Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro,
But when the fullness of the time came, God sent forth his Son, born of a woman, born under the law,
5 kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana.
that he might buy off those who were under the law, that we might receive the adoption.
6 Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.”
And because you are sons, God has sent forth the Spirit of his Son into your hearts, crying, Abba, Father.
7 Saka hamuchisiri nhapwa, asi vanakomana; uye sezvo muri vanakomana, Mwari akakuitaiwo vadyi venhaka.
So, then, you are no longer a servant, but a son; and if a son, an heir also of God, through Christ.
8 Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo.
But, then, because you knew not God, you were enslaved to those who, by nature, are not gods:
9 Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here?
now, however, after having known God, rather indeed having been known by God, how is it that you are turning back to the weak and beggarly rudiments, to which you desire again to be in bondage, as at first?
10 Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore!
You observe days and months and times and years.
11 Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.
fear for you, lest I have bestowed labor upon you in vain.
12 Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira.
Brethren, I beseech you, be as I am; because I was as you are. You have injured me in nothing.
13 Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri.
You know that through weakness of the flesh I preached the gospel to you at the first:
14 Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.
and my trial, which was in my flesh, you did not despise or loathe; but you received me as an angel of God, as Christ Jesus.
15 Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri.
How great, then, was your blessedness! For I testify for you, that, if possible, you would have torn out your eyes, and have given them to me.
16 Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here?
Have I then become your enemy, because I tell you the truth?
17 Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira.
They are ardently attached to you, but not honorably; indeed, they desire to exclude us, that you may be ardently attached to them.
18 Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi.
It is honorable to be ardently attached always, in what is honorable, and not only when I am present with you.
19 Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri,
My little children, for whom I again suffer the pains of gestation, till Christ be formed in you,
20 ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.
I desire to be present with you now, and to change my tone, for I am in doubt concerning you.
21 Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro?
Tell me, you that desire to be under the law, do you not understand the law?
22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka.
For it is written, that Abraham had two sons; one by a bondmaid, and one by a free woman.
23 Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.
But the one by the bondmaid was born according to the flesh; the other, by the free woman, was by promise.
24 Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.
These things are allegorized: for these women are the two covenants; the one from the Mount Sinai that brings forth for bondage, which is Hagar.
25 Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo.
For Hagar represents Mount Sinai in Arabia, and corresponds to the present Jerusalem, for she is in bondage with her children.
26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.
But Jerusalem which is above is free; and she is the mother of us all.
27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Fara iwe mukadzi asingabereki, asingabereki vana; pembera udanidzire, iwe usingarwadziwi nokubereka; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.”
For it is written: Rejoice you barren, that do not bear: break forth and cry aloud, you that travail not: for many more are the children of the deserted, than of her that had the husband of the deserted.
28 Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka.
We, indeed, brethren, like Isaac, are children of promise.
29 Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.
But as then, he that was born according to the flesh persecuted him that was born according to the Spirit, so even now.
30 Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.”
But what says the scripture? Cast out the bondwoman and her son; for the son of the bondwoman shall not be heir with the son of the free-woman.
31 Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.
Therefore, brethren, we are not children of the bondwoman, but of the free-woman.