< VaGaratia 3 >
1 Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo.
O thoughtless Galatians, who bewitched you, not to obey the truth—before whose eyes [it] was previously written [about] Jesus Christ having been crucified?
2 Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
I only wish to learn this from you: did you receive the Spirit by works of the Law, or by the hearing of faith?
3 Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here?
Are you so thoughtless? Having begun in the Spirit, do you now end in the flesh?
4 Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina?
So many things you suffered in vain! If, indeed, even in vain.
5 Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
He, therefore, who is supplying the Spirit to you and working mighty acts among you—[is it] by works of law or by the hearing of faith?
6 Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.”
According as Abraham believed God, and it was reckoned to him for righteousness;
7 Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama.
know, then, that those of faith—these are sons of Abraham,
8 Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa veDzimwe Ndudzi nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.”
and the Writing, having foreseen that God declares righteous the nations by faith, foretold the good news to Abraham:
9 Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda.
“All the nations will be blessed in you”; so that those of faith are blessed with the believing Abraham,
10 Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.”
for as many as are of works of law are under a curse, for it has been written: “Cursed [is] everyone who is not remaining in all things that have been written in the Scroll of the Law—to do them,”
11 Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.”
and [it] is evident that in law no one is declared righteous with God, because “The righteous will live by faith”;
12 Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.”
and the Law is not by faith, rather, “The man who did them will live in them.”
13 Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.”
Christ redeemed us from the curse of the Law, having become a curse for us, for it has been written: “Cursed is everyone who is hanging on a tree,”
14 Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kune veDzimwe Ndudzi kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya.
that the blessing of Abraham may come to the nations in Christ Jesus, that we may receive the promise of the Spirit through faith.
15 Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pane izvozvi.
Brothers, I say [it] as a man, no one even makes void or adds to a confirmed covenant of man,
16 Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu.
and to Abraham were the promises spoken, and to his Seed; He does not say, “And to seeds,” as of many, but as of one, “And to your Seed,” which is Christ;
17 Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa.
and this I say, a covenant confirmed before by God to Christ, the Law, that came four hundred and thirty years after, does not set aside, to make void the promise,
18 Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa.
for if the inheritance [is] by law, [it is] no longer by promise, but God granted [it] to Abraham through promise.
19 Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri.
Why, then, the Law? It was added on account of the transgressions, until the Seed might come to which the promise has been made, having been set in order through messengers in the hand of a mediator—
20 Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe.
and the mediator is not of one, but God is one.
21 Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro.
[Is] the Law, then, against the promises of God? Let it not be! For if a law was given that was able to make alive, truly there would have been righteousness by law,
22 Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda.
but the Writing shut up the whole under sin, that the promise by faith of Jesus Christ may be given to those believing.
23 Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa.
And before the coming of faith, we were being kept under law, shut up to the faith about to be revealed,
24 Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoruramisirwa nokutenda.
so that the Law became our tutor—to Christ, that we may be declared righteous by faith,
25 Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro.
and faith having come, we are no longer under a tutor,
26 Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu,
for you are all sons of God through faith in Christ Jesus,
27 nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu.
for as many as were immersed into Christ put on Christ;
28 Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
there is neither Jew nor Greek, there is neither servant nor freeman, there is neither male and female, for you are all one in Christ Jesus;
29 Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.
and if you [are] of Christ then you are seed of Abraham, and heirs according to promise.