< Ezira 5 >

1 Zvino muprofita Hagai naZekaria muprofita, chizvarwa chaIdho, vakaprofita kuvaJudha vakanga vari muJudha muJerusarema, vakaprofita muzita raMwari akanga ari pamusoro pavo, Mwari waIsraeri.
Now the prophets, Haggai the prophet, and Zechariah the son of Iddo, prophesied to the Jews who were in Judah and Jerusalem, in the name of the God of Israel, to them.
2 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka kuti vaite basa rokuvakazve imba yaMwari muJerusarema. Uye vaprofita vaMwari vakanga vanavo, vachivabatsira.
Then Zerubbabel the son of Shealtiel, and Jeshua the son of Jozadak, rose up and began to build the house of God which is at Jerusalem, and with them were the prophets of God, helping them.
3 Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?”
At the same time Tattenai, the governor beyond the River, and Shethar-bozenai, and their companions, came to them, and said thus to them, Who gave you a decree to build this house, and to finish this wall?
4 Vakabvunzazve vakati, “Mazita avarume vari kuvaka imba iyi ndivanaani?”
Then we told them after this manner, namely, what the names of the men were who were making this building.
5 Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira pamusoro pavakuru vavaJudha, uye havana kuvaregesa basa kusvikira nyaya iyi yaziviswa kuna Dhariasi uye mhinduro yake yakanyorwa yagamuchirwa.
But the eye of their God was upon the elders of the Jews, and they did not make them cease till the matter should come to Darius, and then answer should be returned by letter concerning it.
6 Aya ndiwo mashoko etsamba yakanyorerwa mambo Dhariasi naTatenai, mubati mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai, neshamwari dzavo, namakurukota vakanga vari mhiri kwaYufuratesi.
The copy of the letter that Tattenai, the governor beyond the River, and Shethar-bozenai, and his companions the Apharsachites, who were beyond the River, sent to Darius the king;
7 Tsamba yavakatumira kwaari yakanga ina mashoko anoti: Kuna Mambo Dhariasi: Tinokukwazisai.
they sent a letter to him, in which was written thus: To Darius the king, all peace.
8 Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha, kutemberi yaMwari mukuru. Vanhu vari kuivaka namabwe makuru uye vachiisa matanda mumasvingo. Basa riri kuitwa nokushingaira uye riri kupfuurira mberi nokukurumidza mumaoko avo.
Be it known to the king, that we went into the province of Judah to the house of the great God, which is built with great stones, and timber is laid in the walls. And this work goes on with diligence and prospers in their hands.
9 Takabvunza vakuru vavo tikati kwavari, “Ndiani akakupai mvumo yokuti muvakezve temberi iyi uye mumisezve masvingo aya?”
Then we asked those elders, and said to them thus: Who gave you a decree to build this house, and to finish this wall?
10 Takavabvunzawo kuti mazita avo vainzi vanaani, tichiitira kuti tingonyora mazita avatungamiri vavo kuti tigokuzivisai.
Also, we asked them their names, to certify to thee, that we might write the names of the men who were at the head of them.
11 Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa: “Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza.
And thus they returned us an answer, saying, We are the servants of the God of heaven and earth. And are building the house that was built these many years ago, which a great king of Israel built and finished.
12 Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi.
But after that our fathers had provoked the God of heaven to wrath. He gave them into the hand of Nebuchadnezzar king of Babylon, the Chaldean, who destroyed this house, and carried the people away into Babylon.
13 “Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve.
But in the first year of Cyrus king of Babylon, Cyrus the king made a decree to build this house of God.
14 Akabvisawo midziyo yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari yakanga iri mutemberi yeBhabhironi, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kubva kutemberi muJerusarema akaiuyisa kutemberi yomuBhabhironi. “Ipapo mambo Sirasi akaipa kumurume ainzi Sheshibhazari, waakanga agadza kuti ave mubati,
And also the gold and silver vessels of the house of God, which Nebuchadnezzar took out of the temple that was in Jerusalem, and brought into the temple of Babylon, those Cyrus the king took out of the temple of Babylon, and they were delivered to one whose name was Sheshbazzar whom he had made governor.
15 uye akamuudza kuti, ‘Tora midziyo iyi uende nayo undoiisa mutemberi muJerusarema, uye ugovakazve imba yaMwari panzvimbo yayo.’
And he said to him, Take these vessels. Go put them in the temple that is in Jerusalem, and let the house of God be built in its place.
16 Naizvozvo Sheshibhazari uyu akauya akateya nheyo dzeimba yaMwari muJerusarema. Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi yanga ichingovakwa, asi haisati yapera.”
Then the same Sheshbazzar came, and laid the foundations of the house of God which is in Jerusalem. And since that time even until now it has been in building, and yet it is not completed.
17 “Zvino kana zvichifadza mambo, ngavatsvakisise mumabhuku amadzimambo eBhabhironi kuti vaone kana Mambo Sirasi zvirokwazvo vakamboisa chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve muJerusarema. Naizvozvo mambo ngaatizivise kuda kwake pamusoro penyaya iyi.”
Now therefore, if it seems good to the king, let there be search made in the king's treasure-house, which is there at Babylon, whether it be so, that a decree was made from Cyrus the king to build this house of God at Jerusalem, and let the king send his pleasure to us concerning this matter.

< Ezira 5 >