< Ezira 4 >

1 Vavengi veJudha neBhenjamini vakati vanzwa kuti vatapwa vakanga vachivaka temberi yaJehovha, Mwari weIsraeri,
ユダとベニヤミンの敵である者たちは捕囚から帰ってきた人々が、イスラエルの神、主のために神殿を建てていることを聞き、
2 vakauya kuna Zerubhabheri nokuvakuru vedzimba vakati, “Titenderei kuti tikubatsirei kuvaka nokuti tinotsvaka Mwari wenyu, sezvamunoitawo, uye tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo weAsiria, akatisvitsa pano.”
ゼルバベルと氏族の長たちのもとに来て言った、「われわれも、あなたがたと一緒にこれを建てさせてください。われわれはあなたがたと同じく、あなたがたの神を礼拝します。アッスリヤの王エサル・ハドンがわれわれをここにつれて来た日からこのかた、われわれは彼に犠牲をささげてきました」。
3 Asi Zerubhabheri, Jeshua navamwe vose vakuru vedzimba dzeIsraeri vakapindura vakati, “Hamuna mugove nesu mukuvaka temberi yaMwari wedu. Isu pachedu ndisu tichaivakira Jehovha, Mwari waIsraeri, sezvatakarayirwa naMambo Sirasi, mambo wePezhia.”
しかしゼルバベル、エシュアおよびその他のイスラエルの氏族の長たちは、彼らに言った、「あなたがたは、われわれの神に宮を建てることにあずかってはなりません。ペルシャの王クロス王がわれわれに命じたように、われわれだけで、イスラエルの神、主のために建てるのです」。
4 Ipapo marudzi akanga akavakomberedza akauya kuzoodza mwoyo yavanhu veJudha uye nokuvaita kuti vatye kuramba vachivaka.
そこでその地の民はユダの民の手を弱らせて、その建築を妨げ、
5 Vakapa mari vapi vamazano kuti vavapikise uye vavakanganise paurongwa hwavo panguva yose yokutonga kwaSirasi mambo wePezhia uye kusvikira pakutonga kwaDhariasi mambo wePezhia.
その企てを破るために役人を買収して彼らに敵せしめ、ペルシャ王クロスの代からペルシャ王ダリヨスの治世にまで及んだ。
6 Pakutanga kwokubata ushe kwaZekisesi vakapomera mhosva kuvanhu veJudha neveJerusarema.
アハスエロスの治世、すなわちその治世の初めに、彼らはユダとエルサレムの住民を訴える告訴状を書いた。
7 Uye napamazuva aAtazekisesi mambo wePezhia, Bhishirami, Mitiredhati, Tabheeri navamwe vake vose vakanyora tsamba kuna Atazekisesi. Tsamba yacho yakanga yakanyorwa namavara echiAramu uye nomutauro wechiAramu.
またアルタシャスタの世にビシラム、ミテレダテ、タビエルおよびその他の同僚も、ペルシャ王アルタシャスタに手紙を書いた。その手紙の文はアラム語で書かれて訳されていた。
8 Rehumi muchinda mukuru naShimishai munyori vakanyora tsamba kuna mambo Atazekisesi vachipomera Jerusarema vachiti:
長官レホムと書記官シムシャイはアルタシャスタ王にエルサレムを訴えて次のような手紙をしたためた。
9 Rehumi muchinda mukuru naShimishai munyori, pamwe chete navamwe vavo vose, vatongi namakurukota vanotungamirira vanhu veTiriporisi, nevePezhia, neveEreki neBhabhironi, navaEramu veSusa,
すなわち長官レホムと書記官シムシャイおよびその他の同僚、すなわち裁判官、知事、役人、ペルシャ人、エレクの人々、バビロン人、スサの人々すなわちエラムびと、
10 uye navamwe vanhu avo vakadzingwa naAshuribhanipari mukuru uye anokudzwa, uye vakandogara muguta reSamaria nokune dzimwe nzvimbo dziri mhiri kwaYufuratesi.
およびその他の民すなわち大いなる尊いオスナパルが、移してサマリヤの町々および川向こうのその他の地に住ませた者どもが、
11 Aya ndiwo mashoko etsamba yavakatumira kwaari: Kuna Mambo Atazekisesi, Kubva kuvaranda venyu, varume vagere mhiri kwaYufuratesi:
送った手紙の写しはこれである。「アルタシャスタ王へ、川向こうのあなたのしもべども、あいさつを申し上げます。
12 Mambo ngaazvizive kuti vaJudha vakabva kwenyu vakauya kwatiri kuno vakaenda kuJerusarema uye vava kuvakazve guta riya rokumukira uye rakaipa. Vari kuvakazve masvingo aro uye vari kugadziridza nheyo dzayo.
王よ、ご承知ください。あなたのもとから、わたしたちの所に上って来たユダヤ人らはエルサレムに来て、かのそむいた悪い町を建て直し、その城壁を築きあげ、その基礎をつくろっています。
13 Pamusoro pezvo, mambo ngaazive kuti kana guta iri rikavakwa uye masvingo aro akavakwazve, hakuchazova nemhando dzose dzemitero, mutero womunhu mumwe nomumwe, kana mutero wokumuganhu kwenyika, uye mari inoripwa kuna mambo ichava shoma.
王よ、いまご承知ください。もしこの町を建て、城壁を築きあげるならば、彼らはみつぎ、関税、税金を納めなくなります。そうすれば王の収入が減るでしょう。
14 Zvino isu zvatinokudza imba yamambo, taona zvisina kufanira kuona mambo achininipiswa, naizvozvo tatumira mashoko aya kuti tizivise mambo,
われわれは王宮の塩をはむ者ですから、王の不名誉を見るに忍びないので、人をつかわして王にお聞かせするのです。
15 kuitira kuti kutsvagisiswe mumabhuku enhoroondo avakakutangirai. Mumabhuku aya muchaona kuti guta iri iguta rinomukira, rinotambudza madzimambo namatunhu, inzvimbo inomukira kubva kare. Ndokusaka guta iri rakaparadzwa.
歴代の記録をお調べください。その記録の書において、この町はそむいた町で、諸王と諸州に害を及ぼしたものであることを見、その中に古来、むほんの行われたことを知られるでしょう。この町が滅ぼされたのはこれがためなのです。
16 Tinozivisa mambo kuti kana guta iri rikavakwa uye masvingo aro akamiswazve, muchasara musina chinhu mhiri kwaYufuratesi.
われわれは王にお知らせいたします。もしこの町が建てられ、城壁が築きあげられたなら、王は川向こうの領地を失うに至るでしょう」。
17 Mambo akatumira mhinduro iyi: Kuna Rehumi muchinda mukuru, naShimishai munyori navamwe vavo vose vagere muSamaria uye navagere mune dzimwe nzvimbo mhiri kwaYufuratesi: Kwaziwai.
王は返書を送って言った、「長官レホム、書記官シムシャイ、その他サマリヤおよび川向こうのほかの所に住んでいる同僚に、あいさつをする。いま、
18 Tsamba yamakatitumira yakaverengwa uye ikadudzirwa pamberi pangu.
あなたがたがわれわれに送った手紙を、わたしの前に明らかに読ませた。
19 Ndakarayira uye zvikatsvakwa, zvikaonekwa kuti guta iri rine nhoroondo yokumukira madzimambo kubva kare uye raiva nzvimbo yokumukira madzimambo nokurangana zvakaipa.
わたしは命令を下して調査させたところ、この町は古来、諸王にそむいた事、その中に反乱、むほんのあったことを見いだした。
20 Jerusarema rakanga rine madzimambo ane simba akanga achitonga nzvimbo yose iri mhiri kwaYufuratesi, uye mitero, nemhando dzose dzemitero, mutero womunhu mumwe nomumwe, kana mutero wokumuganhu kwenyika, yairipirwa kwavari.
またエルサレムには大いなる王たちがあって、川向こうの地をことごとく治め、みつぎ、関税、税金を納めさせたこともあった。
21 Zvino rayirai vanhu ava kuti varege basa, kuti guta iri rirege kuvakwa, kusvikira ini ndazorayira kuti zviitwe.
それであなたがたは命令を伝えて、その人々をとどめ、わたしの命令の下るまで、この町を建てさせてはならない。
22 Chenjererai kuti musarega nyaya iyi. Mungaregereiko chakaipa ichi chichikura, kuti chigokanganisa zvido zvamambo?
あなたがたは慎んでこのことについて怠ることのないようにしなさい。どうして損害を増して、王に害を及ぼしてよかろうか」。
23 Pakangoverengwa tsamba yaMambo Atazekisesi kuna Rehumi naShimishai munyori navamwe vavo, vakabva vaenda pakarepo kuvaJudha vaiva muJerusarema vakavamanikidza nechisimba kuti varege kuvaka.
アルタシャスタ王の手紙の写しがレホムおよび書記官シムシャイとその同僚の前に読み上げられたので、彼らは急いでエルサレムのユダヤ人のもとにおもむき、腕力と権力とをもって彼らをやめさせた。
24 Nokudaro basa reimba yaMwari rakamira kuitwa muJerusarema kusvikira gore rechipiri rokutonga kwaDhariasi mambo wePezhia.
それでエルサレムにある神の宮の工事は中止された。すなわちペルシャ王ダリヨスの治世の二年まで中止された。

< Ezira 4 >