< Ezira 10 >

1 Ezira paakanga achinyengetera achireurura, achichema uye achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo.
Ezira paakanga achinyengetera achireurura, achichema uye achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo.
2 Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro.
Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro.
3 Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.
Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.
4 Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”
Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”
5 Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko.
Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko.
6 Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.
Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.
7 Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema.
Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema.
8 Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.
Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.
9 Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBhenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya.
Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBhenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya.
10 Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri.
Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri.
11 Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.”
Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.”
12 Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura.
Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura.
13 Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi.
Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi.
14 Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.”
Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.”
15 Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi.
Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi.
16 Nokudaro vakanga vambotapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kuferefeta nyaya idzi,
Nokudaro vakanga vambotapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kuferefeta nyaya idzi,
17 uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.
uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.
18 Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.
Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.
19 (Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondobwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.)
(Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondobwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.)
20 Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadhia.
Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadhia.
21 Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.
Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.
22 Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.
Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.
23 Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.
Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.
24 Kubva kuvaimbi: Eriashibhi. Kubva kuvarindi vemikova: Sharumi, Teremi naUri.
Kubva kuvaimbi: Eriashibhi. Kubva kuvarindi vemikova: Sharumi, Teremi naUri.
25 Uye pakati pavamwe vaIsraeri: Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi: Ramia, Izia, Marikiya, Mijamini, Ereazari, Marikiya naBhenaya.
Uye pakati pavamwe vaIsraeri: Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi: Ramia, Izia, Marikiya, Mijamini, Ereazari, Marikiya naBhenaya.
26 Kubva kuzvizvarwa zvaEramu: Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria.
Kubva kuzvizvarwa zvaEramu: Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria.
27 Kubva kuzvizvarwa zvaZatu: Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza.
Kubva kuzvizvarwa zvaZatu: Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza.
28 Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai: Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai.
Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai: Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai.
29 Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti.
Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti.
30 Kubva kuzvizvarwa zvaPahati Moabhu: Adhima, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Matania, Bhezareri, Bhinui naManase.
Kubva kuzvizvarwa zvaPahati Moabhu: Adhima, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Matania, Bhezareri, Bhinui naManase.
31 Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Eriezeri, Ishiya, Marikiya, Shemaya, Shimeoni,
Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Eriezeri, Ishiya, Marikiya, Shemaya, Shimeoni,
32 Bhenjamini, Maruki naShemaria,
Bhenjamini, Maruki naShemaria,
33 Kubva kuzvizvarwa zvaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase naShimei.
Kubva kuzvizvarwa zvaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase naShimei.
34 Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Maadhai, Amurami, Ueri,
Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Maadhai, Amurami, Ueri,
35 Bhenaya, Bhedheya, Keruhi,
Bhenaya, Bhedheya, Keruhi,
36 Vhania, Meremoti, Eriashibhi,
Vhania, Meremoti, Eriashibhi,
37 Matania, Matenai naJaasu.
Matania, Matenai naJaasu.
38 Kubva kuzvizvarwa zvaBhinui: Shimei,
Kubva kuzvizvarwa zvaBhinui: Shimei,
39 Sheremia, Natani, Adhaya,
Sheremia, Natani, Adhaya,
40 Makinadhebhai, Shashai, Sharai,
Makinadhebhai, Shashai, Sharai,
41 Azareri, Sheremia, Shemaria,
Azareri, Sheremia, Shemaria,
42 Sharumi, Amaria naJosefa.
Sharumi, Amaria naJosefa.
43 Kubva kuzvizvarwa zvaNebho: Jeyeri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joere naBhenaya.
Kubva kuzvizvarwa zvaNebho: Jeyeri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joere naBhenaya.
44 Vose ava vakanga vawana vakadzi vatorwa, uye vamwe vavo vakanga vava navana navakadzi ava.
Vose ava vakanga vawana vakadzi vatorwa, uye vamwe vavo vakanga vava navana navakadzi ava.

< Ezira 10 >