< Ezira 10 >
1 Ezira paakanga achinyengetera achireurura, achichema uye achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo.
以斯拉禱告,認罪,哭泣,俯伏在上帝殿前的時候,有以色列中的男女孩童聚集到以斯拉那裏,成了大會,眾民無不痛哭。
2 Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro.
屬以攔的子孫、耶歇的兒子示迦尼對以斯拉說:「我們在此地娶了外邦女子為妻,干犯了我們的上帝,然而以色列人還有指望。
3 Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.
現在當與我們的上帝立約,休這一切的妻,離絕她們所生的,照着我主和那因上帝命令戰兢之人所議定的,按律法而行。
4 Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”
你起來,這是你當辦的事,我們必幫助你,你當奮勉而行。」
5 Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko.
以斯拉便起來,使祭司長和利未人,並以色列眾人起誓說,必照這話去行;他們就起了誓。
6 Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.
以斯拉從上帝殿前起來,進入以利亞實的兒子約哈難的屋裏,到了那裏不吃飯,也不喝水;因為被擄歸回之人所犯的罪,心裏悲傷。
7 Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema.
他們通告猶大和耶路撒冷被擄歸回的人,叫他們在耶路撒冷聚集。
8 Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.
凡不遵首領和長老所議定、三日之內不來的,就必抄他的家,使他離開被擄歸回之人的會。
9 Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBhenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya.
於是,猶大和便雅憫眾人,三日之內都聚集在耶路撒冷。那日正是九月二十日,眾人都坐在上帝殿前的寬闊處;因這事,又因下大雨,就都戰兢。
10 Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri.
祭司以斯拉站起來,對他們說:「你們有罪了;因你們娶了外邦的女子為妻,增添以色列人的罪惡。
11 Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.”
現在當向耶和華-你們列祖的上帝認罪,遵行他的旨意,離絕這些國的民和外邦的女子。」
12 Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura.
會眾都大聲回答說:「我們必照着你的話行,
13 Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi.
只是百姓眾多,又逢大雨的時令,我們不能站在外頭,這也不是一兩天辦完的事,因我們在這事上犯了大罪;
14 Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.”
不如為全會眾派首領辦理。凡我們城邑中娶外邦女子為妻的,當按所定的日期,同着本城的長老和士師而來,直到辦完這事,上帝的烈怒就轉離我們了。」
15 Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi.
惟有亞撒黑的兒子約拿單,特瓦的兒子雅哈謝阻擋這事,並有米書蘭和利未人沙比太幫助他們。
16 Nokudaro vakanga vambotapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kuferefeta nyaya idzi,
被擄歸回的人如此而行。祭司以斯拉和些族長按着宗族都指名見派;在十月初一日,一同在座查辦這事,
17 uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.
到正月初一日,才查清娶外邦女子的人數。
18 Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.
在祭司中查出娶外邦女子為妻的,就是耶書亞的子孫約薩達的兒子,和他弟兄瑪西雅、以利以謝、雅立、基大利;
19 (Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondobwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.)
他們便應許必休他們的妻。他們因有罪,就獻群中的一隻公綿羊贖罪。
20 Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadhia.
音麥的子孫中,有哈拿尼、西巴第雅。
21 Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.
哈琳的子孫中,有瑪西雅、以利雅、示瑪雅、耶歇、烏西雅。
22 Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.
巴施戶珥的子孫中,有以利約乃、瑪西雅、以實瑪利、拿坦業、約撒拔、以利亞撒。
23 Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.
利未人中,有約撒拔、示每、基拉雅(基拉雅就是基利他),還有毗他希雅、猶大、以利以謝。
24 Kubva kuvaimbi: Eriashibhi. Kubva kuvarindi vemikova: Sharumi, Teremi naUri.
歌唱的人中有以利亞實。守門的人中,有沙龍、提聯、烏利。
25 Uye pakati pavamwe vaIsraeri: Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi: Ramia, Izia, Marikiya, Mijamini, Ereazari, Marikiya naBhenaya.
以色列人巴錄的子孫中,有拉米、耶西雅、瑪基雅、米雅民、以利亞撒、瑪基雅、比拿雅。
26 Kubva kuzvizvarwa zvaEramu: Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria.
以攔的子孫中,有瑪他尼、撒迦利亞、耶歇、押底、耶利末、以利雅。
27 Kubva kuzvizvarwa zvaZatu: Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza.
薩土的子孫中,有以利約乃、以利亞實、瑪他尼、耶利末、撒拔、亞西撒。
28 Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai: Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai.
比拜的子孫中,有約哈難、哈拿尼雅、薩拜、亞勒。
29 Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti.
巴尼的子孫中,有米書蘭、瑪鹿、亞大雅、雅述、示押、耶利末。
30 Kubva kuzvizvarwa zvaPahati Moabhu: Adhima, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Matania, Bhezareri, Bhinui naManase.
巴哈‧摩押的子孫中,有阿底拿、基拉、比拿雅、瑪西雅、瑪他尼、比撒列、賓內、瑪拿西。
31 Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Eriezeri, Ishiya, Marikiya, Shemaya, Shimeoni,
哈琳的子孫中,有以利以謝、伊示雅、瑪基雅、示瑪雅、西緬、
32 Bhenjamini, Maruki naShemaria,
便雅憫、瑪鹿、示瑪利雅。
33 Kubva kuzvizvarwa zvaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase naShimei.
哈順的子孫中,有瑪特乃、瑪達他、撒拔、以利法列、耶利買、瑪拿西、示每。
34 Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Maadhai, Amurami, Ueri,
巴尼的子孫中,有瑪玳、暗蘭、烏益、
35 Bhenaya, Bhedheya, Keruhi,
比拿雅、比底雅、基祿、
36 Vhania, Meremoti, Eriashibhi,
瓦尼雅、米利末、以利亞實、
37 Matania, Matenai naJaasu.
瑪他尼、瑪特乃、雅掃、
38 Kubva kuzvizvarwa zvaBhinui: Shimei,
巴尼、賓內、示每、
39 Sheremia, Natani, Adhaya,
示利米雅、拿單、亞大雅、
40 Makinadhebhai, Shashai, Sharai,
瑪拿底拜、沙賽、沙賴、
41 Azareri, Sheremia, Shemaria,
亞薩利、示利米雅、示瑪利雅、
42 Sharumi, Amaria naJosefa.
沙龍、亞瑪利雅、約瑟。
43 Kubva kuzvizvarwa zvaNebho: Jeyeri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joere naBhenaya.
尼波的子孫中,有耶利、瑪他提雅、撒拔、西比拿、雅玳、約珥、比拿雅。
44 Vose ava vakanga vawana vakadzi vatorwa, uye vamwe vavo vakanga vava navana navakadzi ava.
這些人都娶了外邦女子為妻,其中也有生了兒女的。