< Ezekieri 6 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Maganar Ubangiji ta zo mini cewa,
2 “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo
“Ɗan mutum, ka kafa idonka a kan duwatsun Isra’ila; ka yi annabci a kansu
3 uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
ka ce, ‘Ya ku duwatsun Isra’ila, ku ji maganar Ubangiji Mai Iko Duka. Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka ya ce wa duwatsu da tuddai, ga rafuffuka da kuma kwaruruka. Ina shirin kawo takobi a kanku, kuma zan hallaka masujadanku.
4 Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dzichaputswa; uye ndichauraya vanhu venyu pamberi pezvifananidzo zvenyu.
Za a ragargaza bagadanku a kuma farfasa bagadanku na ƙone turare; zan kuma kashe mutanenku a gaban gumakanku.
5 Ndicharadzika zvitunha zvavaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo, uye ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose earitari dzenyu.
Zan shimfiɗa gawawwakin Isra’ilawa a gaban gumakansu, in kuma watsar da ƙasusuwanku kewaye da bagadanku.
6 Pose pamunogara, maguta achaparadzwa uye nzvimbo dzakakwirira dzichakoromorwa, kuitira kuti aritari dzenyu dziparadzwe ave matongo, zvifananidzo zvenyu zvipwanyiwe uye zviparadzwe, aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dziputsirwe pasi, uye zvamakaita zvipedzwe chose.
Duk inda kuke zama, garuruwa za su zama kango, za a kuma ragargaza masujadai, saboda bagadanku su rurrushe su zama kango, a kuma farfasa gumakanku su lalace, za a rurrushe bagadan ƙone turarenku, a kuma shafe dukan abin da kuka yi.
7 Vanhu venyu vachawira pasi ivo vaurayiwa pakati penyu, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
Za a kashe mutanenku a cikinku, za ku kuwa sani ni ne Ubangiji.
8 “‘Asi ndichasiya vamwe, nokuti vamwe venyu vachapunyuka pamunondo pamuchaparadzirwa pakati penyika nendudzi.
“‘Amma zan bar waɗansu, gama waɗansunku za su tsere wa takobi sa’ad da aka watsar da ku a cikin ƙasashe da al’ummai.
9 Ipapo vakapunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose.
Sa’an nan a cikin al’ummai inda aka kai ku zaman bauta, waɗanda suka a tsere za su tuna da ni, yadda raina ya ɓaci ta wurin zukatansu marasa imani, waɗanda suka rabu da ni, da kuma ta wurin idanunsu, waɗanda suka yi sha’awace-sha’awacen gumakansu. Za su ji ƙyamar kansu saboda mugayen abubuwan da suka aikata.
10 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kutaura pasina kuti ndichauyisa njodzi iyi pamusoro pavo.
Za su kuwa san cewa ni ne Ubangiji; ba a banza na ce zan kawo musu wannan masifa ba.
11 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Rovai maoko enyu pamwe chete uye mudzane-dzane netsoka dzenyu mudanidzire muchiti, “Maiwe!” nokuda kwezvakaipa zvose nezvinonyangadza zveimba yaIsraeri, nokuti vachaurayiwa nomunondo, nzara nedenda.
“‘Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka ya ce ku tafa hannuwanku tare ku kuma taka ƙafafunku ku yi ihu ku ce, “Kaito!” Saboda dukan mugaye da kuma abubuwan banƙyama na gidan Isra’ila, gama za su mutu ta wurin takobi, yunwa da annoba.
12 Ari kure achaurayiwa nedenda, uye ari pedyo achaurayiwa nomunondo, uye uyo achapona akararama, achafa nenzara. Saka ndichapedzera hasha dzangu pamusoro pavo.
Wanda yake da nisa zai mutu da annoba, shi da yake kusa kuma zai mutu ta takobi, wanda kuma ya tsira aka kuma bari zai mutu da yunwa. Ta haka zan aukar da fushina a kansu.
13 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo vakaurayiwa vari pakati pezvifananidzo zvavo zvakapoteredza aritari dzavo, napazvikomo zvose zvakakwirira napamusoro pamakomo ose, napasi pemiti yakapfumvutira nemiti yomuouki yose ina mashizha panzvimbo dzavaipira zvinonhuhwira kuzvifananidzo zvavo zvose.
Za su kuwa san cewa ni ne Ubangiji, sa’ad da gawawwakin mutanensu suna kwance a kusa da gumakansu da kewaye da bagadansu, a kowane kan tudu mai tsawo da kuma a kan dukan kan duwatsu, a ƙarƙashin kowane inuwar itace da kuma kowane oak mai ganye, wuraren da suke ƙone turare masu ƙanshi wa dukan gumakansu.
14 Uye ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndivarwise ndigoparadza nyika ndigoiita dongo kubva kugwenga kusvikira kuDhibhira, kwose kwose kwavanogara. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
Zan kuma miƙa hannuna a kansu in mai da ƙasarsu kango daga hamadan Dibila, a duk inda suke zama. Sa’an nan za su san cewa ni ne Ubangiji.’”

< Ezekieri 6 >