< Ezekieri 6 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Und Jehovahs Wort geschah an mich, sprechend:
2 “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo
Menschensohn, richte dein Angesicht gegen die Berge Israels und weissage wider sie.
3 uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
Und sprich: Ihr, Berge Israels, höret das Wort des Herrn Jehovahs. So spricht der Herr Jehovah zu den Bergen und zu den Hügeln, zu den Flußbetten und zu den Schluchten: Siehe, Ich bringe über euch das Schwert und zerstöre eure Opferhöhen.
4 Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dzichaputswa; uye ndichauraya vanhu venyu pamberi pezvifananidzo zvenyu.
Und verwüstet werden eure Altäre und zerbrochen eure Sonnensäulen, und eure Erschlagenen lasse Ich fallen vor eure Götzen.
5 Ndicharadzika zvitunha zvavaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo, uye ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose earitari dzenyu.
Und die Leichen der Söhne Israels gebe Ich hin vor eure Götzen und zersprenge euer Gebein rings um eure Altäre.
6 Pose pamunogara, maguta achaparadzwa uye nzvimbo dzakakwirira dzichakoromorwa, kuitira kuti aritari dzenyu dziparadzwe ave matongo, zvifananidzo zvenyu zvipwanyiwe uye zviparadzwe, aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dziputsirwe pasi, uye zvamakaita zvipedzwe chose.
In allen euren Wohnsitzen sollen die Städte verödet und die Opferhöhen verwüstet sein, auf daß verödet und verwüstet seien eure Altäre, und zerbrochen seien und feiern eure Götzen, und niedergehauen eure Sonnensäulen, und euer Machwerk ausgewischt.
7 Vanhu venyu vachawira pasi ivo vaurayiwa pakati penyu, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
Und fallen soll der Erschlagene in eurer Mitte, und ihr sollt wissen, daß Ich Jehovah bin.
8 “‘Asi ndichasiya vamwe, nokuti vamwe venyu vachapunyuka pamunondo pamuchaparadzirwa pakati penyika nendudzi.
Und Ich will übriglassen, so daß seien für euch Entkommene in den Völkerschaften, wenn ihr zersprengt seid in den Ländern.
9 Ipapo vakapunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose.
Und eure Entkommenen werden Mein gedenken unter den Völkerschaften, wohin sie gefangen geführt werden, wenn Ich gebrochen ihr buhlerisches Herz, das von Mir gewichen, und ihre Augen, die ihren Götzen nachgebuhlt, und sie ob ihnen verdrossen werden, wegen der Bosheiten, die sie getan ob aller ihrer Greuel.
10 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kutaura pasina kuti ndichauyisa njodzi iyi pamusoro pavo.
Und sollen wissen, daß Ich, Jehovah, nicht umsonst geredet habe, daß Ich all dieses Böse an ihnen tun werde.
11 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Rovai maoko enyu pamwe chete uye mudzane-dzane netsoka dzenyu mudanidzire muchiti, “Maiwe!” nokuda kwezvakaipa zvose nezvinonyangadza zveimba yaIsraeri, nokuti vachaurayiwa nomunondo, nzara nedenda.
So spricht der Herr Jehovah: Schlage in deine Hände und stampfe mit deinem Fuß und sprich: Ach! über all die bösen Greuel des Hauses Israels, darum sie durch das Schwert, durch Hunger und durch Pest fallen.
12 Ari kure achaurayiwa nedenda, uye ari pedyo achaurayiwa nomunondo, uye uyo achapona akararama, achafa nenzara. Saka ndichapedzera hasha dzangu pamusoro pavo.
Wer ferne ist, stirbt an der Pest, und der Nahe fällt durch das Schwert, wer aber verbleibt und bewahrt wird, der wird Hungers sterben. Und Ich vollende Meinen Grimm an ihnen.
13 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo vakaurayiwa vari pakati pezvifananidzo zvavo zvakapoteredza aritari dzavo, napazvikomo zvose zvakakwirira napamusoro pamakomo ose, napasi pemiti yakapfumvutira nemiti yomuouki yose ina mashizha panzvimbo dzavaipira zvinonhuhwira kuzvifananidzo zvavo zvose.
Daß ihr wisset, daß Ich Jehovah bin, wenn ihre Erschlagenen liegen in ihrer Götzen Mitte rings um ihre Altäre her, auf jedem erhabenen Hügel, auf allen Häuptern der Berge, und unter jedem belaubten Baum und unter jeder dichtverzweigten Eiche, am Orte, wo sie den Geruch der Ruhe allen ihren Götzen gaben.
14 Uye ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndivarwise ndigoparadza nyika ndigoiita dongo kubva kugwenga kusvikira kuDhibhira, kwose kwose kwavanogara. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
Und Ich strecke Meine Hand aus wider sie, und mache das Land zur Verwüstung und Wüstenei, von der Wüste bis nach Diblath an allen ihren Wohnsitzen, und sie sollen wissen, daß Ich Jehovah bin.

< Ezekieri 6 >