< Ezekieri 47 >

1 Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari.
The man took me back to the Temple entrance. I saw water coming out from under the threshold of the Temple and flowing east (because the Temple faced east). The water was coming from under the south side of the Temple and ran south of the altar.
2 Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi.
Then he took me out through the north gate and led me around the outside to the outer gate that faced east. I saw water was trickling out from the south side of the gate.
3 Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chete ndokubva ipapo andiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo.
The man walked east holding a measuring line He measured a thousand cubits and led me through the water which came up to my ankles.
4 Akayerazve chimwe chiuru chamakubhiti akandifambisa nomumvura yaisvika mumabvi. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete akandiyambutsa nomumvura yaisvika muchiuno.
He measured another thousand cubits and led me through water which came up to my knees. He measured another thousand cubits and led me through water that came up to my waist.
5 Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka.
He measured another thousand cubits, but this was a river I couldn't cross. The water had risen so high you could swim in it. It was a river that couldn't be crossed on foot.
6 Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, unoona izvi here?” Ipapo akadzokera neni kumahombekombe orwizi.
“Son of man, have you observed all this?” he asked. Then he took me back to the riverbank.
7 Ndakati ndasvikako ndakaona miti mizhinji kurutivi rumwe norumwe rworwizi.
When I got there, I saw a large number of trees on both sides of the river.
8 Iye akati kwandiri, “Mvura iyi inoyerera yakananga kunyika yokumabvazuva ichiburukira kuArabha kwainodira mugungwa. Painongodira mugungwa, mvura yomo inobva yanaka.
He told me, “This water flows out into the land to the east and into the Arabah. When it arrives at the Dead Sea, it turns the saltwater fresh.
9 Zvose zvipenyu zvinokambaira zvichagara kwose nokunoyerera rwizi. Pachava nehove zhinji zhinji, nokuti mvura iyi inoyereramo ichiita kuti mvura yomunyu inatswe; saka kwose kunoyerera rwizi zvinhu zvose zvinorarama.
There will be many animals and fish wherever the river flows. Because the river turns the saltwater fresh wherever it flows, everything will be able to live there.
10 Varedzi vehove vachamira vakatevedza mahombekombe; kubvira kuEni Gedhi kusvikira kuEni Egiraimu kuchava nenzvimbo dzokuteya mumbure. Pachava nemhando zhinji dzehove, kufanana nehove dzeGungwa Guru.
Fishermen will stand on the shore of the Dead Sea. They will be able to spread their nets from En-gedi to En-eglaim and catch many kinds of fish. There will be plenty of fish just like the Mediterranean Sea.
11 Asi matoro namachakwi haangavi nemvura yakanaka; zvichasarira munyu.
However, the marshes and swampy areas won't become fresh; they will remain salty.
12 Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu.”
All types of fruit trees will grow on both sides of the river. Their leaves won't wither, and they won't fail to produce fruit. They will produce fruit every month, because the river flowing from the sanctuary comes to water them. Their fruit will be eaten as food and their leaves will be used for healing.”
13 Zvanzi naIshe Jehovha: “Iyi ndiyo miganhu yaunofanira kuganhura nyika kuti ive nhaka pakati pamarudzi gumi namaviri aIsraeri, nemigove miviri yaJosefa.
This is what the Lord God says: “These are the boundaries you are to use when allocating ownership of the land to the twelve tribes of Israel (Joseph is to receive two allocations.)
14 Unofanira kuiganhura zvakaenzana pakati pavo. Nokuti ndakapika noruoko rwakasimudzwa kuti ndichaipa kumadzitateguru enyu, nyika iyi ichava nhaka yenyu.
You are to allocate the land to them equally. I held up my hand and made a solemn promise to give it to your forefathers, so this land will come to you to own and to pass on as an inheritance.
15 “Iyi ndiyo inofanira kuva miganhu yenyika: “Kurutivi rwokumusoro uchabvira kuGungwa Guru nenzira yeHetironi uchipfuura nepaRebho Hamati kusvikira kuZedhadhi,
These shall be the country's boundaries: On the northern side it runs from the Mediterranean Sea along the Hethlon road and through Lebo-hamath to Zedad;
16 Bherota neSibhiraimu (iri pamuganhu weDhamasiko neHamati), kusvika kuHazeri Hatikoni riri pamuganhu weHaurani.
then on to Berothah, and Sibraim on the border between Damascus and Hamath, and all the way to Hazer-hatticon, on the border of Hauran.
17 Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro.
So the border is from the Mediterranean Sea to Hazar-enan, along the northern border with Damascus, with the border of Hamath to the north. This is the northern boundary.
18 Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva.
The eastern boundary runs from Hauran and Damascus, down along the Jordan between Gilead and the land of Israel, to the Dead Sea and on to Tamar. This is the eastern boundary.
19 Kurutivi rwezasi, uchabvira paTamari uchindosvika kumvura yeMeribha Kadheshi, ipapo wogotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Uyu ndiwo uchava muganhu wezasi.
The southern boundary runs from Tamar to the waters of Meribath-kadesh, then along the Wadi of Egypt to the Mediterranean Sea. This is the southern boundary.
20 Kurutivi rwokumavirira, Gungwa Guru richava muganhu kusvikira pakatarisana neRebho Hamati. Uyu ndiwo uchava muganhu wokumavirira.
The Mediterranean Sea is the western boundary all the way up to a location opposite Lebo-hamath. This is the western boundary.
21 “Munofanira kugovana nyika iyi pakati penyu zvakaenzanirana namarudzi aIsraeri.
You are to allocate this land for you to own according to the tribes of Israel.
22 Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri.
You are to allocate land to own and to pass on as an inheritance for yourselves, and for the foreigners who live among you who have children. You shall treat them in the same way as Israelites born in the country. They are to be given a land allocation to own among the Israelite tribes in the same way as you.
23 Murudzi rupi norupi mugere mutorwa, munofanira kumupa nhaka yake imomo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Foreigners are to be allocated land to own among the tribe where they live, declares the Lord God.”

< Ezekieri 47 >