< Ezekieri 42 >

1 Ipapo murume uya akanditungamirira nechokumusoro nechomukati moruvazhe rwokunze ndokundiendesa kumakamuri akanga akatarisana noruvazhe rwetemberi uye pakatarisana namadziro okunze kurutivi rwokumusoro.
ויוצאני אל החצר החיצונה הדרך דרך הצפון ויבאני אל הלשכה אשר נגד הגזרה ואשר נגד הבנין אל הצפון׃
2 Imba yakanga ino mukova wakatarisa kumusoro yakanga yakareba makubhiti zana uye makubhiti makumi mashanu paupamhi.
אל פני ארך אמות המאה פתח הצפון והרחב חמשים אמות׃
3 Pakatarisana namakubhiti makumi maviri oruvazhe rwomukati, uye pakatarisana nenzira yakanga yakavakirwa yoruvazhe rwokunze kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu.
נגד העשרים אשר לחצר הפנימי ונגד רצפה אשר לחצר החיצונה אתיק אל פני אתיק בשלשים׃
4 Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba yakanga ine upamhi makubhiti gumi uye makubhiti zana pakureba. Makonhi ayo akanga ari nechokumusoro.
ולפני הלשכות מהלך עשר אמות רחב אל הפנימית דרך אמה אחת ופתחיהם לצפון׃
5 Zvino makamuri apamusoro akanga ari maduku, nokuti nzvimbo dzokuratidzira dzakanga dzatorera nzvimbo yakawanda kubva paari kupfuura makamuri apasi namakamuri apakati peimba.
והלשכות העליונת קצרות כי יוכלו אתיקים מהנה מהתחתנות ומהתכנות בנין׃
6 Makamuri omuturikidzwa wechitatu akanga asina mbiru, sezvakanga zvakaita ruvazhe; saka akanga ari maduku panzvimbo youriri pane aya akanga ari pasi uye nechapakati.
כי משלשות הנה ואין להן עמודים כעמודי החצרות על כן נאצל מהתחתונות ומהתיכנות מהארץ׃
7 Pakanga pane madziro aitevedzana namakamuri uye noruvazhe rwokunze.
וגדר אשר לחוץ לעמת הלשכות דרך החצר החצונה אל פני הלשכות ארכו חמשים אמה׃
8 Mutsara wamakamuri kurutivi runotevedzana noruvazhe rwokunze wakanga uri makubhiti makumi mashanu pakureba, mutsara waparutivi rwaiva pedyo pedyo nenzvimbo tsvene wakanga una makubhiti zana pakureba kwawo.
כי ארך הלשכות אשר לחצר החצונה חמשים אמה והנה על פני ההיכל מאה אמה׃
9 Makamuri apasi akanga ano mukova kurutivi rwokumabvazuva kana munhu achipinda kwaari achibva nechokuruvazhe rwokunze.
ומתחתה לשכות האלה המבוא מהקדים בבאו להנה מהחצר החצנה׃
10 Parutivi rwezasi zvichitevedzana nokureba kworusvingo rworuvazhe rwokunze, pedyo noruvazhe rwetemberi uye kwakatarisana norusvingo rwokunze, pakanga pane makamuri
ברחב גדר החצר דרך הקדים אל פני הגזרה ואל פני הבנין לשכות׃
11 nenzvimbo yokufamba nayo nechemberi kwawo. Aya akanga akafanana namakamuri okumusoro; akanga akaenzana pakureba noupamhi, akanga akafanana pokubuda napo uye nokuyerwa kwawo. Sezvakanga zvakaita makonhi okumusoro
ודרך לפניהם כמראה הלשכות אשר דרך הצפון כארכן כן רחבן וכל מוצאיהן וכמשפטיהן וכפתחיהן׃
12 ndizvo zvakanga zvakaita mikova yamakamuri ezasi. Pakanga pane mukova paitangira nzvimbo yokufamba nayo pakanga pakangoenzana namadziro akanangana nawo zvichipfuurira zvakananga kumabvazuva, kana munhu achipinda mumakamuri.
וכפתחי הלשכות אשר דרך הדרום פתח בראש דרך דרך בפני הגדרת הגינה דרך הקדים בבואן׃
13 Ipapo akati kwandiri, “Makamuri okumusoro neezasi iwo akatarisana noruvazhe rwetemberi ndeevaprista, ndipo panodyirwa zvipiriso zvitsvene-tsvene navaprista vanoswedera pana Jehovha. Vachaisa ipapo zvipiriso zvitsvene-tsvene, zvipiriso zvezviyo, zvechivi, uye zvemhosva, nokuti nzvimbo yacho itsvene.
ויאמר אלי לשכות הצפון לשכות הדרום אשר אל פני הגזרה הנה לשכות הקדש אשר יאכלו שם הכהנים אשר קרובים ליהוה קדשי הקדשים שם יניחו קדשי הקדשים והמנחה והחטאת והאשם כי המקום קדש׃
14 Kana vaprista vakangopinda panzvimbo tsvene, havachafaniri kubudira kuruvazhe rwokunze kusvikira vasiya nguo dzavanga vachishandisa pakushumira, nokuti idzo itsvene. Vanofanira kupfeka dzimwe nguo vasati vasvika pedyo nenzvimbo dzavanhu.”
בבאם הכהנים ולא יצאו מהקדש אל החצר החיצונה ושם יניחו בגדיהם אשר ישרתו בהן כי קדש הנה ילבשו בגדים אחרים וקרבו אל אשר לעם׃
15 Akati apedza kuyera zvakanga zviri mukati metemberi, akandibudisa kunze nechokusuo rokumabvazuva ndokubva ayera nzvimbo yacho yose.
וכלה את מדות הבית הפנימי והוציאני דרך השער אשר פניו דרך הקדים ומדדו סביב סביב׃
16 Akayera rutivi rwokumabvazuva netsvimbo yokuyeresa; yakanga ina makubhiti mazana mashanu.
מדד רוח הקדים בקנה המדה חמש אמות קנים בקנה המדה סביב׃
17 Akayerawo rutivi rwokumusoro; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo.
מדד רוח הצפון חמש מאות קנים בקנה המדה סביב׃
18 Akayerawo rutivi rwezasi; rwakanga runa makubhiti mazana mashanu nechiyero chetsvimbo.
את רוח הדרום מדד חמש מאות קנים בקנה המדה׃
19 Ipapo akatendeukira kurutivi rwokumavirira ndokuyera; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo.
סבב אל רוח הים מדד חמש מאות קנים בקנה המדה׃
20 Saka akayera nzvimbo kumativi mana ose. Yakanga ino rusvingo rwakaipoteredza, mazana mashanu amakubhiti pakureba uye mazana mashanu paupamhi, kuti zviparadzanise zvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
לארבע רוחות מדדו חומה לו סביב סביב ארך חמש מאות ורחב חמש מאות להבדיל בין הקדש לחל׃

< Ezekieri 42 >