< Ezekieri 4 >

1 “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora chidhina chevhu, uchiise pamberi pako ugodhirowa Jerusarema pamusoro pacho.
“人子啊,你要拿一块砖,摆在你面前,将一座耶路撒冷城画在其上,
2 Ipapo ugorikomba: Umise nhare dzokurwa naro, uvake dhunduru revhu rokusvitsa pariri, udzike misasa ugorikomberedza nezvokuparadza nazvo masvingo.
又围困这城,造台筑垒,安营攻击,在四围安设撞锤攻城,
3 Ipapo utore pani yesimbi, ugoimisa sorusvingo rwesimbi pakati pako iwe neguta ugorinzira chiso chako kwariri. Richakombwa, uye iwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsraeri.
又要拿个铁鏊,放在你和城的中间,作为铁墙。你要对面攻击这城,使城被困;这样,好作以色列家的预兆。
4 “Ipapo iwe ugovata norutivi rwako rworuboshwe ugoisa chivi cheimba yaIsraeri pamusoro pako. Iwe unofanira kutakura chivi chavo kwamazuva aunovata norutivi rwako.
“你要向左侧卧,承当以色列家的罪孽;要按你向左侧卧的日数,担当他们的罪孽。
5 Ndakakutarira mazuva mamwe chetewo zvakaenzana namakore echivi chavo. Saka uchatakura chivi cheimba yaIsraeri kwamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
因为我已将他们作孽的年数定为你向左侧卧的日数,就是三百九十日,你要这样担当以色列家的罪孽。
6 “Kana uchinge wapedza izvi, uvatezve pasi, panguva ino, norutivi rwako rworudyi, ugotakura chivi cheimba yaJudha. Ndakakutarira mazuva makumi mana, zuva rimwe pagore roga roga.
再者,你满了这些日子,还要向右侧卧,担当犹大家的罪孽。我给你定规侧卧四十日,一日顶一年。
7 Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusarema uye noruoko rwako rwakashama uprofite pamusoro paro.
你要露出膀臂,面向被困的耶路撒冷,说预言攻击这城。
8 Ndichakusunga netambo kuitira kuti ukonewe kutendeukira kune rumwe rutivi uchibva kune rumwe kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
我用绳索捆绑你,使你不能辗转,直等你满了困城的日子。
9 “Utore gorosi nebhari, bhinzi nenyemba, mapfunde nesipereti; uzviise mumudziyo wokuchengetera uzvibikire chingwa. Unofanira kuchidya pamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe wakavata norutivi.
“你要取小麦、大麦、豆子、红豆、小米、粗麦,装在一个器皿中,用以为自己做饼;要按你侧卧的三百九十日吃这饼。
10 Uyere mashekeri makumi maviri ezvokudya kuti udye zuva rimwe nerimwe uye udye nenguva dzakatarwa.
你所吃的要按分两吃,每日二十舍客勒,按时而吃。
11 Uyezve, uyere chikamu chimwe chete muzvitanhatu chehini yemvura ugoinwa nenguva dzakatarwa.
你喝水也要按制子,每日喝一欣六分之一,按时而喝。
12 Udye chokudya chakaita sekeke rebhari sapaunoda; uzvibike pamberi pavanhu, uchishandisa ndove yavanhu sehuni dzokubikisa.”
你吃这饼像吃大麦饼一样,要用人粪在众人眼前烧烤。”
13 Jehovha akati, “Nenzira iyi, vanhu veIsraeri vachadya zvokudya zvakasvibiswa pakati pendudzi uko kwandichavadzingira.”
耶和华说:“以色列人在我所赶他们到的各国中,也必这样吃不洁净的食物。”
14 Ipapo ndakati, “Kwete, Ishe Jehovha! Handina kumbozvisvibisa. Kubva pauduku hwangu kusvikira zvino handina kumbodya chinhu chipi zvacho chakawanikwa chakafa kana chakabvamburwa nezvikara. Hapana nyama yakasvibiswa yakambopinda mumukanwa mangu.”
我说:“哎!主耶和华啊,我素来未曾被玷污,从幼年到如今没有吃过自死的,或被野兽撕裂的,那可憎的肉也未曾入我的口。”
15 Iye akati, “Zvakanaka, ndichakutendera kuti ubike chingwa chako nendove yemombe pachinzvimbo chetsvina yavanhu.”
于是他对我说:“看哪,我给你牛粪代替人粪,你要将你的饼烤在其上。”
16 Zvino akazoti kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ndichamisa kupiwa kwezvokudya muJerusarema. Vanhu vachadya zvokudya zvakayerwa vachifunganya uye vachanwa mvura yakayerwa vapererwa,
他又对我说:“人子啊,我必在耶路撒冷折断他们的杖,就是断绝他们的粮。他们吃饼要按分两,忧虑而吃;喝水也要按制子,惊惶而喝;
17 nokuti zvokudya nemvura zvichashayikwa. Mumwe achavhunduka achiona mumwe uye vachaonda nokuda kwechivi chavo.
使他们缺粮缺水,彼此惊惶,因自己的罪孽消灭。”

< Ezekieri 4 >