< Ezekieri 38 >
1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
ヱホバの言我にのぞみて言ふ
2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yeMagogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari; uprofite pamusoro pake
人の子よロシ、メセクおよびトバルの君たるマゴグの地の王ゴグに汝の面をむけ之にむかひて預言し
3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi muchinda mukuru weMesheki neTubhari.
言べし主ヱホバかく言たまふロシ、メセク、トバルの君ゴグよ視よ我なんぢを罰せん
4 Ndichakutendeutsa, ndigoisa zvikokovono mushaya dzako ndigokubudisa iwe nehondo yako yose, mabhiza ako, vatasvi vamabhiza vakashonga nguo dzehondo, uye navanhu vazhinji vane nhoo huru neduku, vose vachivheyesa minondo yavo.
我汝をひきもどし汝の腮に鉤をほどこして汝および汝の諸の軍勢と馬とその騎者を曳いだすべし是みな其服粧に美を極め大楯小楯をもち凡て劍を執る者にして大軍なり
5 Pezhia neEtiopia neRibhiya dzinenge dziripowo, vose vaine nhoo nenguwani dzokurwa,
ペルシヤ、エテオピアおよびフテこれとともにあり皆楯と盔をもつ
6 Gomeriwo namauto ayo ose, neBheti Togarima ichibva kumusoro chaiko namauto ayo ose, ndudzi zhinji dzinewe.
ゴメルとその諸の軍隊北の極のトガルマの族とその諸の軍隊など衆多の民汝とともにあり
7 “‘Gadzirira; iva wakagadzirira, iwe pamwe chete navanhu vazhinji vakaungana pauri, iwe uve mukuru wavo.
汝準備をなせ汝と汝にあつまれるところの軍隊みな備をせよ而して汝かれらの保護となれ
8 Shure kwamazuva mazhinji iwe uchadanidzira hondo. Pamakore anotevera, iwe uchakomba nyika yakabva muhondo, ina vanhu vakaunganidzwa kubva kundudzi zhinji kumakomo aIsraeri, akanga ava dongo kwenguva huru. Vakabudiswa kubva kundudzi, zvino vose vachagara zvakanaka.
衆多の日の後なんぢ罰せられん末の年に汝かの劍をのがれてかへり衆多の民の中より集りきたれる者の地にいたり久しく荒ゐたるイスラエルの山々にいたらん是は國々より導きいだされて皆安然に住ふなり
9 Iwe namauto ako ose nendudzi zhinji dzinewe muchakwira, muchienda sedutu; muchaita segore rinofukidza nyika.
汝その諸の軍隊および衆多の民をひきゐて上り暴風のごとく至り雲のごとく地を覆はん
10 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva iro, mwoyo wako uchapindwa nepfungwa dzakaipa, uchafunga zano rakaipa.
主ヱホバかくいひたまふ其日に汝の心に思想おこり惡き謀計をくはだてて
11 Iwe uchati, “Ndichakomba misha isina masvingo; ndicharwisa vanhu vasingafungiri vagere zvavo zvakanaka, vose vanogara vasina masvingo uye vasina masuo namazariro.
言ん我平原の邑々にのぼり穩にして安然に住る者等にいたらん是みな石垣なくして居り關も門もあらざる者なりと
12 Ndichapamba ndigotora nechisimba, ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndirwise matongo ogarwa navanhu uye vanhu vakaungana kubva kundudzi vakapfuma pazvipfuwo nenhumbi, vagere pakati penyika.”
斯して汝物を奪ひ物を掠め汝の手をかへして彼の人の住むにいたれる墟址を攻め又かの國々より集りきたりて地の墺區にすみて群と財寶をもつところの民をせめんとす
13 Shebha neDhedhani navashambadziri vokuTashishi nemisha yaro yose vachati kwauri, “Wauya kuzopamba here? Waunganidza vanhu kuti vatore zvipfuwo nenhumbi uye kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?”’
シバ、デダン、タルシシの商賈およびその諸の小獅子汝に言ん汝物を奪はんとて來れるや汝物を掠めんために軍隊をあつめしや金銀をもちさり群と財寶を取り多くの物を奪はんとするやと
14 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, profita uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: pazuva iro, vanhu vangu vaIsraeri vava kugara zvakanaka, haungazvioni here?
是故に人の子よ汝預言してゴグに言へ主ヱホバかくいひたまふ其日に汝わが民イスラエルの安然に住むを知ざらんや
15 Uchauya uchibva kunzvimbo yako iri kumusoro chaiko, iwe nendudzi zhinji dzinewe, vose vakatasva mabhiza, vanhu vazhinji, hondo ine simba.
汝すなはち北の極なる汝の處より來らん衆多の民汝とともにあり皆馬に乗る其軍隊は大にしてその軍勢は夥多し
16 Uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsraeri segore rinofukidza nyika. Mumazuva anouya, iwe Gogi, ndichakuuyisa kuzorwa nenyika yangu, kuitira kuti ndudzi dzigondiziva pandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
而して汝わが民イスラエルに攻きたり雲のごとくに地を覆はんゴグよ末の日にこの事あらんすなはち我汝をわが地に攻きたらしめ汝をもて我の聖き事を國々の民の目のまへにあらはして彼らに我をしらしむべし
17 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ko, hauziwe wandakataura nezvako pamazuva ekare navaranda vangu ivo vaprofita vaIsraeri here? Panguva iyoyo vakaprofita kwamakore kuti ini ndichakuuyisa kuzovarwisa.
主ヱホバかく言たまふ我の昔日わが僕なるイスラエルの預言者等をもて語りし者は汝ならずや即ち彼ら其頃年ひさしく預言して我汝を彼らに攻きたらしめんと言り
18 Izvi ndizvo zvichaitika pazuva iroro: Nyika yaIsraeri painorwiswa naGogi, hasha dzangu huru dzichamuka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
主ヱホバいひたまふ其日すなはちゴグがイスラエルの地に攻來らん日にわが怒面にあらはるべし
19 Pakushingaira kwangu uye nomoto wehasha dzangu, ndinozivisa kuti panguva iyoyo pachava nokudengenyeka kukuru munyika yaIsraeri.
我嫉妬と燃たつ怒をもて言ふ其日には必ずイスラエルの地に大なる震動あらん
20 Hove dzegungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, nezvose zvinokambaira panyika, navanhu vose vari pamusoro penyika vachadedera pamberi pangu. Makomo achapidiguka, mawere achaondomoka uye rusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
海の魚空の鳥野の獣凡て地に匍ふところの昆蟲凡て地にある人わが前に震へん又山々崩れ嶄巌たふれ石垣みな地に仆れん
21 Ndichadana munondo kuzorwisa Gogi pamusoro pamakomo ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munondo womunhu mumwe nomumwe uchabaya hama yake.
主ヱホバいひたまふ我劍をわが諸の山に召きたりて彼をせめしめん人々の劍その兄弟を撃べし
22 Ndicharanga nedenda nokudeuka kweropa; ndichanayisa mvura zhinji, nechimvuramabwe nesafuri inopfuta pamusoro pake napamusoro pamauto ake uye napamusoro pendudzi dzaanadzo.
我疫病と血をもて彼の罪をたださん我漲ぎる雨と雹と火と硫磺を彼とその軍勢および彼とともなる多の民の上に降すべし
23 Nokudaro ndicharatidza ukuru hwangu noutsvene hwangu, uye ndichazvizivisa pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’
而して我わが大なることと聖きことを明かにし衆多の國民の目のまへに我を示さん彼らはすなはち我のヱホバなることをしるべし