< Ezekieri 35 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
और ख़ुदावन्द का कलाम मुझ पर नाज़िल हुआ
2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peGomo reSeiri; uprofite pamusoro paro,
कि 'ऐ आदमज़ाद, कोह — ए — श'ईर की तरफ़ मुतवज्जिह हो और उसके ख़िलाफ़ नबुव्वत कर,
3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe iwe Gomo reSeiri, uye ndichatambanudzira ruoko rwangu kuzorwa newe ndigokuita dongo raparadzwa.
और उससे कह, ख़ुदावन्द ख़ुदा यूँ फ़रमाता है: कि देख, ऐ कोह — ए — श'ईर, मैं तेरा मुख़ालिफ़ हूँ और तुझ पर अपना हाथ चलाऊँगा, और तुझे वीरान और बेचराग़ करूँगा।
4 Ndichashandura maguta ako akava matongo uye iwe uchaparadzwa. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.
मैं तेरे शहरों को उजाडूँगा, और तू वीरान होगा और जानेगा कि ख़ुदावन्द मैं हूँ।
5 “‘Nemhaka yokuti wakafundira ruvengo rwako rwakare ukaisa vaIsraeri kumunondo panguva yenjodzi yavo, panguva iyo kurangwa kwavo kwakanga kwasvika pamusoro-soro,
चूँकि तू पहले से 'अदावत रखता है, और तूने बनी — इस्राईल को उनकी मुसीबत के दिन उनकी बदकिरदारी के आख़िर में तलवार की धार के हवाले किया है।
6 naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuisa kukuteura ropa uye richakuteverera. Sezvo usina kuvenga kuteura ropa, kuteura ropa kuchakuteverera.
इसलिए ख़ुदावन्द ख़ुदा फ़रमाता है: कि मुझे अपनी हयात की क़सम, मैं तुझे खू़न के लिए हवाले करूँगा और खू़न तुझे दौड़ाएगा; चूँकि तूने खू़ँरेज़ी से नफ़रत न रख्खी, इसलिए खू़न तेरा पीछा करेगा।
7 Ndichaita kuti Gomo reSeiri rive dongo uye ndichaparadza vose vanopinda napo uye nevanobuda napo.
यूँ मैं कोह — ए — श'ईर को वीरान और बेचराग़ करूँगा, और उसमें से गुज़रने वाले और वापस आने वाले को हलाक करूँगा।
8 Ndichazadza makomo ako navakaurayiwa; vaya vakaurayiwa nomunondo vachawira pazvikomo nomumipata yenyu uye nomunzizi dzenyu dzose.
और उसके पहाड़ों को उसके मक़्तूलों से भर दूँगा, तलवार के मक़्तूल तेरे टीलों और तेरी वादियों और तेरी तमाम नदियों में गिरेंगे।
9 Ndichakuparadza nokusingaperi, maguta ako haachazogarwi. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
मैं तुझे हमेशा तक वीरान रख्खूँगा और तेरी बस्तियाँ फिर आबाद न होंगी, और तुम जानोगे कि मैं ख़ुदावन्द हूँ।
10 “‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Ndudzi mbiri idzi nenyika idzi dzichava dzedu uye tichadzitora,” kunyange dai ini Jehovha ndaivapo,
चूँकि तूने कहा, कि 'यह दो क़ौमें और यह दो मुल्क मेरे होंगे, और हम उनके मालिक होंगे, बावजूद यह कि ख़ुदावन्द वहाँ था।
11 naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuitira zvakafanira kutsamwa negodo rawakaratidza mukuvavenga kwako uye ndichaita kuti vandizive pakati pavo pandichakutonga.
इसलिए ख़ुदावन्द ख़ुदा फ़रमाता है, मुझे अपनी हयात की क़सम, मैं तेरे क़हर और हसद के मुताबिक़, जो तूने अपनी कीनावरी से उनके ख़िलाफ़ ज़ाहिर किया, तुझ से सुलूक करूँगा और जब मैं तुझ पर फ़तवा दूँगा तो उनके बीच मशहूर हूँगा।
12 Ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa zvose zvinonyadza zvawakataura zvinorwisa makomo eIsraeri. Iwe wakati, “Akaparadzwa uye akapiwa kwatiri kuti tiadye.”
और तू जानेगा कि मैं ख़ुदावन्द ने तेरी तमाम हिक़ारत की बातें, जो तूने इस्राईल के पहाड़ों की मुख़ालिफ़त में कहीं, कि 'वह वीरान हुए, और हमारे क़ब्ज़े में कर दिए गए कि हम उनको निगल जाएँ,' सुनी हैं।
13 Wakazvirumbidza pamusoro pangu uye wakataura zvakaipa pamusoro pangu usingazvidzori, uye ini ndakazvinzwa.
इसी तरह तुम ने मेरे ख़िलाफ़ अपनी ज़बान से लाफ़ज़नी की और मेरे सामने बकवास की है, जो मैं सुन चुका हूँ।
14 Zvanzi naIshe Jehovha: Panguva inofara nyika yose, ini ndichakuita dongo.
ख़ुदावन्द ख़ुदा यूँ फ़रमाता है: कि जब तमाम दुनिया खु़शी करेगी, मैं तुझे वीरान करूँगा।
15 Nokuti iwe wakafara panguva yakaparadzwa nhaka yeimba yaIsraeri, ndizvo zvandichakuitirawo iwe. Uchava dongo, iwe Gomo reSeiri, iwe neEdhomu yose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
जिस तरह तूने बनी इस्राईल की मीरास पर, इसलिए कि वह वीरान थी, ख़ुशी की उसी तरह मैं भी तुझ से करूँगा, ऐ कोह — ए — श'ईर, तू और तमाम अदोम बिल्कुल वीरान होगे, और लोग जानेंगे कि मैं ख़ुदावन्द हूँ।

< Ezekieri 35 >