< Ezekieri 33 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
وَأَوْحَى إِلَيَّ الرَّبُّ قَائِلاً:١
2 “Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: ‘Kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo,
«يَا ابْنَ آدَمَ، خَاطِبْ أَبْنَاءَ إِسْرَائِيلَ وَقُلْ لَهُمْ: إِذَا جَلَبْتُ سَيْفاً عَلَى أَرْضٍ كَانَ أَهْلُهَا قَدْ أَقَامُوا لَهُمْ رَقِيباً مِنْ بَيْنِهِمْ.٢
3 uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu,
فَإِذَا رَأَى الأَعْدَاءَ مُقْبِلِينَ لِمُهَاجَمَةِ الأَرْضِ، فَنَفَخَ بِالْبُوقِ تَحْذِيراً لِلشَّعْبِ،٣
4 ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake.
فَمَنْ يَسْمَعُ دَوِيَّ الْبُوقِ وَلا يَحْتَرِسُ، ثُمَّ أَتَى السَّيْفُ وَقَتَلَهُ، فَدَمُهُ يَقَعُ عَلَى رَأْسِهِ.٤
5 Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake.
لأَنَّهُ سَمِعَ دَوِيَّ الْبُوقِ وَلَمْ يَحْتَرِسْ. لِهَذَا يَكُونُ دَمُهُ عَلَى نَفْسِهِ، إِذْ لَوِ احْتَرَسَ لأَنْقَذَ نَفْسَهُ.٥
6 Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’
وَلَكِنْ إِنْ رَأَى الرَّقِيبُ الْعَدُوَّ مُقْبِلاً وَلَمْ يَنْفُخْ بِالْبُوقِ، فَلَمْ يَحْتَرِسِ الشَّعْبُ، فَأَقْدَمَ الْعَدُوُّ وَقَتَلَ نَفْساً مِنْهُمْ، فَالْقَتِيلُ قَدْ لاقَى حَتْفَهُ جَزَاءَ ذَنْبِهِ، أَمَّا دَمُهُ فَمِنْ يَدِ الرَّقِيبِ أَطْلُبُهُ.٦
7 “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri.
وَأَنْتَ يَا ابْنَ آدَمَ، قَدْ أَقَمْتُكَ رَقِيباً لِشَعْبِ إِسْرَائِيلَ، فَتَسْمَعُ قَضَائِي، وَتُحَذِّرُهُمْ مِنْ قِبَلِي.٧
8 Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri.
إِنْ قُلْتُ لِلشِّرِّيرِ: يَا شِرِّيرُ إِنَّكَ حَتْماً تَمُوتُ مِنْ أَجْلِ شَرِّكَ، وَلَمْ تَعْمَدْ إِلَى تَحْذِيرِهِ مِنْ طَرِيقِهِ، فَإِنَّ ذَلِكَ الشِّرِّيرَ يَمُوتُ بِذَنْبِهِ، أَمَّا دَمُهُ فَمِنْ يَدِكَ أَطْلُبُهُ.٨
9 Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.
وَلَكِنْ إِنْ حَذَّرْتَ الشِّرِّيرَ لِيَرْتَدِعَ عَنْ طَرِيقِهِ فَأَبَى فَهُوَ يَمُوتُ بِذَنْبِهِ، أَمَّا أَنْتَ فَتَكُونُ قَدْ خَلَّصْتَ نَفْسَكَ.٩
10 “Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?”’
وَأَنْتَ يَا ابْنَ آدَمَ، قُلْ لِشَعْبِ إِسْرَائِيلَ: أَنْتُمْ تَقُولُونَ: حَقّاً إِنَّ مَعَاصِينَا وَخَطَايَانَا وَاقِعَةٌ عَلَيْنَا، وَبِهَا نَحْنُ هَالِكُونَ، فَكَيْفَ إِذاً نَحْيَا؟١٠
11 Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’
قُلْ لَهُمْ: حَيٌّ أَنَا يَقُولُ السَّيِّدُ الرَّبُّ، إِنِّي لَا أَبْتَهِجُ بِمَوْتِ الشِّرِّيرِ بَلْ بِأَنْ يَرْتَدِعَ عَنْ غِيِّهِ وَيَحْيَا. ارْجِعُوا، ارْجِعُوا عَنْ طُرُقِكُمِ الرَّدِيئَةِ! لِمَاذَا تَمُوتُونَ يَا شَعْبَ إِسْرَائِيلَ؟١١
12 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’
وَأَنْتَ يَا ابْنَ آدَمَ، قُلْ لأَبْنَاءِ شَعْبِكَ: لَا يَنْجُو الْبَارُّ بِبِرِّهِ فِي يَوْمِ مَعْصِيَتِهِ، وَلا يَعْثُرُ الشِّرِّيرُ بِشَرِّهِ فِي يَوْمِ تَوْبَتِهِ. كَذَلِكَ لَا يَسْتَطِيعُ الْبَارُّ أَنْ يَحْيَا بِبِرِّهِ فِي يَوْمِ اقْتِرَافِهِ لِخَطِيئَتِهِ.١٢
13 Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
وَإِنْ قُلْتَ لِلْبَارِّ إِنَّكَ لَا مَحَالَةَ تَحْيَا، فَاعْتَمَدَ عَلَى بِرِّهِ وَأَثِمَ، فَإِنَّ بِرَّهُ كُلَّهُ لَا يُذْكَرُ لَهُ، بَلْ يَمُوتُ بِمَا ارْتَكَبَ مِنْ إِثْمٍ.١٣
14 Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama,
وَإذَا قُلْتَ لِلشِّرِّيرِ إِنَّكَ لَا مَحَالَةَ مَائِتٌ: فَارْتَدَعَ عَنْ خَطِيئَتِهِ وَمَارَسَ الْعَدْلَ وَالْحَقَّ،١٤
15 kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi.
وَرَدَّ الرَّهْنَ، وَعَوَّضَ عَمَّا اغْتَصَبَهُ، وَسَلَكَ فِي الْفَرَائِضِ الَّتِي تُؤَمِّنُ لَهُ الْحَيَاةَ، مِنْ غَيْرِ أَنْ يَرْتَكِبَ إِثْماً، فَإِنَّهُ لَا مَحَالَةَ يَحْيَا وَلا يَمُوتُ فِي خَطَايَاهُ،١٥
16 Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo.
وَلا تُذْكَرُ كُلُّ خَطِيئَةٍ ارْتَكَبَهَا، لأَنَّهُ عَادَ فَمَارَسَ الْعَدْلَ وَالْحَقَّ. إِنَّهُ حَيَاةً يَحْيَا!١٦
17 “Kunyange zvakadaro, vanhu venyika yako vanoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi nzira yavo ndiyo isina kururama.
وَمَعَ ذَلِكَ يَدَّعِي أَبْنَاءُ شَعْبِكَ أَنَّ طَرِيقَ الرَّبِّ مُعْوَجَّةٌ. بَلْ إِنَّ طَرِيقَهُمْ هُمْ هِيَ الْمُعْوَجَّةُ.١٧
18 Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo.
فَعِنْدَ ارْتِدَادِ الْبَارِّ عَنْ بِرِّهِ وَارْتِكَابِهِ الإِثْمَ فَإِنَّهُ بِهِ يَمُوتُ.١٨
19 Uye munhu akaipa akatendeuka pazvakaipa zvake akaita zvakanaka uye zvakarurama, achararama nazvo.
وَعِنْدَ ارْتِدَاعِ الشِّرِّيرِ عَنْ غِيِّهِ، وَمُمَارَسَتِهِ الْعَدْلَ وَالْحَقَّ، فَإِنَّهُ بِهِمَا يَحْيَا.١٩
20 Kunyange zvakadaro, imi imba yaIsraeri, munoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi ndichatonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.”
وَأَنْتُمْ مَعَ ذَلِكَ تَقُولُونَ إِنَّ طَرِيقَ الرَّبِّ مُعْوَجَّةٌ. إِنَّنِي أَدِينُ كُلَّ وَاحِدٍ مِنْكُمْ بِمُقْتَضَى طُرُقِهِ يَا شَعْبَ إِسْرَائِيلَ».٢٠
21 Mugore regumi namaviri rokutapwa kwedu, mumwedzi wegumi pazuva reshanu, munhu akanga apunyuka paJerusarema akasvika kwandiri achiti, “Guta rawa!”
وَفِي الْيَوْمِ الْخَامِسِ مِنَ الشَّهْرِ الْعَاشِرِ مِنَ السَّنَةِ الثَّانِيَةِ عَشْرَةَ مِنْ سَبْيِنَا، أَقْبَلَ إِلَيَّ نَاجٍ مِنْ أُورُشَلِيمَ وَقَالَ: «قَدْ تَمَّ تَدْمِيرُ الْمَدِينَةِ».٢١
22 Zvino madekwana munhu uya asati asvika, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akashamisa muromo wangu munhu uya asati asvika kwandiri mangwanani. Saka muromo wangu wakazarurwa ndikasazonyararazve.
وَكَانَتْ يَدُ الرَّبِّ عَلَيَّ فِي الْمَسَاءِ قُبَيْلَ مَجِيءِ النَّاجِي، وَفَتَحَ الرَّبُّ فَمِي فِي الصَّبَاحِ عِنْدَ وُصُولِهِ، فَانْفَكَّتْ عُقْدَةُ لِسَانِي وَلَمْ أَعُدْ أَبْكَمَ.٢٢
23 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
فَأَوْحَى إِلَيَّ الرَّبُّ بِكَلِمَتِهِ قَائِلاً:٢٣
24 “Mwanakomana womunhu, vanhu vanogara mumatongo ayo munyika yaIsraeri vari kuti, ‘Abhurahama akanga ari munhu mumwe chete, asi akatora nyika. Asi isu tiri vazhinji; zvirokwazvo nyika yakapiwa kwatiri senhaka yedu.’
«يَا ابْنَ آدَمَ، إِنَّ الْمُقِيمِينَ فِي خَرَائِبِ أَرْضِ إِسْرَائِيلَ يَقُولُونَ إِنَّ إِبْرَاهِيمَ كَانَ فَرْداً وَاحِداً وَمَعَ ذَلِكَ وَرِثَ الأَرْضَ، وَهَكَذَا نَحْنُ كَثِيرُونَ، وَقَدْ وُهِبَتْ لَنَا الأَرْضُ مِيرَاثاً.٢٤
25 Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo muchidya nyama neropa rayo uye muchitarira kuzvifananidzo zvenyu uye muchiteura ropa, zvino mungatora nyika here?
لِذَلِكَ قُلْ لَهُمْ: أَتَأْكُلُونَ اللَّحْمَ بِالدَّمِ وَتَتَعَلَّقُ عُيُونُكُمْ بِأَصْنَامِكُمْ وَتَسْفِكُونَ الدَّمَ، ثُمَّ تَرِثُونَ الأَرْضَ؟٢٥
26 Imi munovimba nomunondo wenyu, muchiita zvinhu zvinonyangadza, uye mumwe nomumwe wenyu achisvibisa mukadzi wehama yake. Zvino mungatora nyika here?’
اعْتَمَدْتُمْ عَلَى سُيُوفِكُمْ، وَارْتَكَبْتُمُ الْمُوبِقَاتِ، وَزَنَى كُلٌّ مِنْكُمْ مَعَ امْرَأَةِ صَاحِبِهِ. فَهَلْ تَرِثُونَ الأَرْضَ؟٢٦
27 “Taura kwavari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, vaya vakasara mumatongo vachaurayiwa nomunondo, vaya vari kumamisha, ndichavapa kuzvikara zvesango kuti zvivadye, uye vaya vari munhare nomumapako vachafa nehosha.
قُلْ لَهُمْ، هَذَا مَا يُعْلِنُهُ السَّيِّدُ الرَّبُّ: حَيٌّ أَنَا، إِنَّ الَّذِينَ يُقِيمُونَ فِي الْخَرَائِبِ يُقْتَلُونَ بِالسَّيْفِ، وَالَّذِينَ يَسْكُنُونَ فِي الْعَرَاءِ أَبْذِلُهُمْ قُوتاً لِلْوُحُوشِ، وَالْمُتَمَنِّعُونَ فِي الْحُصُونِ وَالْمَغَاوِرِ يَمُوتُونَ بِالْوَبَاءِ.٢٧
28 Nyika ndichaiita dongo rakaparadzwa, uye simba rokuzvikudza kwayo richasvika kumagumo, uye makomo aIsraeri achaparadzwa zvokuti hakuna achaadarika.
فَأَجْعَلُ الأَرْضَ أَطْلالاً مُقْفِرَةً وَتَبْطُلُ كِبْرِيَاءُ عِزَّتِهَا، وَتُصْبِحُ جِبَالُ إِسْرَائِيلَ جَرْدَاءَ لَا يَجْتَازُ بِها عَابِرٌ.٢٨
29 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichashandura nyika ikava dongo rakaparadzwa nokuda kwezvinonyangadza zvavakaita.’
فَيُدْرِكُونَ أَنِّي أَنَا الرَّبُّ حِينَ أَجْعَلُ الأَرْضَ خَرِبَةً مُقْفِرَةً مِنْ جَرَّاءِ مَا ارْتَكَبُوهُ مِنْ رَجَاسَاتٍ.٢٩
30 “Asi kana uriwe, mwanakomana womunhu, vanhu venyika yako vanotaurirana pamwe chete pamusoro pako pamasvingo uye napamikova yedzimba, vachiti kuno mumwe nomumwe wavo, ‘Uyai munzwe shoko rabva kuna Jehovha.’
أَمَّا أَنْتَ يَا ابْنَ آدَمَ فَإِنَّ أَبْنَاءَ شَعْبِكَ يَتَحَدَّثُونَ عَنْكَ بِجُوَارِ الْجُدْرَانِ وَفِي مَدَاخِلِ أَبْوَابِ الْبُيُوتِ، وَيُخَاطِبُ أَحَدُهُمُ الآخَرَ، وَالرَّجُلُ أَخَاهُ قَائِلِينَ: هَيَّا تَعَالَوْا اسْمَعُوا كَلامَ الْوَحْيِ الصَّادِرِ مِنْ عِنْدِ الرَّبِّ.٣٠
31 Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama.
وَيُقْبِلُونَ إِلَيْكَ مِثْلَ سَائِرِ الشَّعْبِ وَيَجْلِسُونَ فِي حَضْرَتِكَ نَظِيرَ شَعْبِي، وَيُصْغُونَ إِلَى كَلامِكَ وَلا يَعْمَلُونَ بِهِ. إِنَّهُمْ يُعْرِبُونَ عَنْ أَشْوَاقِهِمْ بِكَلامِهِمْ، أَمَّا قَلْبُهُمْ فَقَدْ غَوَى وَرَاءَ مَكْسَبِهِمْ.٣١
32 Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka uye achiridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti.
وَهَا أَنْتَ لَهُمْ كَقَصِيدَةِ حُبٍّ يَتَغَنَّى بِها ذُو صَوْتٍ عَذْبٍ، يُحْسِنُ الْعَزْفَ، فَيُصْغُونَ إِلَى كَلامِكَ وَلا يَعْمَلُونَ بِهِ.٣٢
33 “Panoitika izvi zvose, uye zvichaitika zvirokwazvo, ipapo vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.”
وَإذَا تَحَقَّقَ هَذَا، وَهُوَ لابُدَّ أَنْ يَتِمَّ، يُدْرِكُونَ أَنَّ نَبِيًّا كَانَ بَيْنَهُمْ».٣٣

< Ezekieri 33 >