< Ezekieri 32 >

1 Mugore regumi namaviri, mumwedzi wegumi nemiviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mfe dumien mu, ɔsram a ɛto so dumien no da a edi kan no, Awurade asɛm baa me nkyɛn se:
2 “Mwanakomana womunhu, chemera Faro mambo weIjipiti uti kwaari: “‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita sechikara mukati mamakungwa uchibvongodza-bvongodza mukati mehova dzako, uchibvongodza mvura netsoka dzako uye uchiita kuti hova dzive namatope.
“Onipa ba, to kwadwom fa Misraimhene Farao ho na ka kyerɛ no se: “‘Wote sɛ gyata wɔ aman no mu: wote sɛ po mu aboa a ne ho yɛ hu wububu dikyi wɔ wo nsuten mu, wode wo nan boro nsuten no de fono nsu no.
3 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Neboka ravanhu vazhinji ndichakanda mambure angu pamusoro pako, uye vachakukweva mumumbure wangu.
“‘Sɛɛ na Otumfo Awurade se: “‘Mede dɔm bɛba abɛtow mʼasau agu wo so, na wɔbɛtwe wo afi mʼasau mu.
4 Ndichakukanda panyika ndichakurasira pamhene. Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako, uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe.
Mɛtow wo akyene asase no so na mahiri wo ato sare so. Mɛma wim nnomaa nyinaa abesisi wo so na asase so mmoa nyinaa adi wo nam afrɛ so.
5 Ndichayanika nyama yako pamakomo, ndigozadza mipata nezvitunha zvako.
Mɛhata wo nam wɔ mmepɔw no so na mede wo funu ahyɛ aku ma.
6 Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera kusvikira kumakomo, uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.
Mede wo mogya a ɛresen no afɔw asase no de akɔka mmepɔw no na wo nam bɛhyɛ abon nketewa no ma.
7 Pandichakudzima, ndichafukidza matenga uye ndichasvibisa nyeredzi; ndichafukidza zuva mugore, uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.
Sɛ mitwa wo fi hɔ a, mɛkata ɔsoro ani na madunnum wɔn nsoromma; mede omununkum bɛkata owia ani, na ɔsram renhyerɛn.
8 Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ɔsoro akanea a ɛhyerɛn nyinaa mɛma aduru sum wɔ wo so; mɛma sum aduru wʼasase, Otumfo Awurade asɛm ni.
9 Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji, pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi, pakati penyika dzausina kumboziva.
Mɛma nnipa bebree koma atutu bere a mede wo sɛe aba aman no mu, nsase a wunnya nhuu mu.
10 Ndichaita kuti marudzi mazhinji ashamisike pamusoro pako, uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo. Pazuva rokuwa kwako mumwe nomumwe wavo achadedera nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.
Mɛma nnipa bebree ho adwiriw wɔn wɔ wo ho, wo nti, hu bɛma wɔn ahene ho apopo bere a merehim mʼafoa wɔ wɔn anim no. Da a wobɛhwe ase no wɔn mu biara ho bɛwosow bere nyinaa mu wɔ wɔn nkwa nti.
11 “‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: “‘Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kuzokurwisa.
“‘Na sɛɛ na Otumfo Awurade se: “‘Babiloniahene afoa bɛsɔre wɔ wo so.
12 Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vawe nokuda kweminondo yavane simba, vanhu vakaipisisa pandudzi dzose. Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.
Mɛma wo dɔm no atotɔ wɔ dɔmmarima afoa ano, wɔ aman a wɔyɛ anuɔdenfo mu. Wɔbɛsɛe Misraim ahomaso pasaa na ne dɔm no nyinaa bedi nkogu.
13 Ndichaparadza mombe dzayo dzose dziri panhivi dzemvura zhinji, hakuchazova norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza, kana namahwanda emombe achaibvongodza.
Mekunkum nʼanantwi nyinaa afi nsu bebree no ho na onipa nan rentiatia mu bio na anantwi tɔte nso remfono no.
14 Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane, uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Afei mɛma ne nsu ani atew na mama ne nsuten ateɛ sɛ ngo,
15 Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo uye pandichabvisa zvose zviri mairi, pandichauraya vose vanogaramo, ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’
Sɛ mema Misraim da mpan na miyi biribiara fi asase no so, sɛ mikum wɔn a wɔte so nyinaa a, afei na wobehu sɛ mene Awurade no.’
16 “Aya ndiwo mashoko okuchema avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
“Eyi ne kwadwom a wɔbɛto ama no. Amanaman no mmabea bɛto ama Misraim ne ne dɔm nyinaa, Otumfo Awurade asɛm ni.”
17 Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Afe a ɛto so dumien no ne sram da a ɛto so dunum no, Awurade asɛm baa me nkyɛn se:
18 “Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
“Onipa ba, twa adwo ma Misraim dɔm na ma ɔne amanaman akɛse no mmabea nsian nkɔ asase ase nkɔka wɔn a wɔasian kɔ amoa mu no ho.
19 Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai munoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’
Ka kyerɛ wɔn se, ‘Wadom mo dodo sen wɔn a aka no ana? Munsian nkɔ na mo ne momonotofo no nkɔda.’
20 Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji.
Wɔbɛka wɔn a wowuwuu wɔ afoa ano no ho. Wɔatwe afoa no, ma wɔntwe ne nnipadɔm no ase nkɔ.
21 Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’ (Sheol h7585)
Akannifo akɛse a wɔwɔ ɔda mu bɛka afa Misraim ne ne dɔm ho se, ‘Wɔasian aba na wɔdeda momonotofo mu, wɔn a wowuwuu wɔ afoa ano no.’ (Sheol h7585)
22 “Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo.
“Asiria ne nʼasraafo nyinaa wɔ hɔ, wɔn a wɔakunkum wɔn no nna atwa ne ho ahyia, wɔn a wɔatotɔ wɔ afoa ano no.
23 Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo.
Wɔn nna no wɔ amoa no ase tɔnn na nʼasraafo deda ne nna ho nyinaa. Wɔn a na wohunahuna afoforo wɔ ateasefo asase so no nyinaa awuwu, wɔatotɔ wɔ afoa ano.
24 “Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba.
“Elam wɔ hɔ, ne nnipadɔm nyinaa atwa ne da ho ahyia. Wɔn nyinaa awuwu, wɔatotɔ wɔ afoa ano. Wɔn a na wohunahuna afoforo wɔ ateasefo asase so nyinaa sian kɔɔ asase ase sɛ momonotofo. Wɔde wɔn animguase kɔka wɔn a wosian kɔ amoa mu no ho.
25 Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.
Wɔato mpa ama no wɔ atɔfo no mu, na ne dɔm atwa ne da ho ahyia. Wɔn nyinaa yɛ momonotofo a wɔatotɔ wɔ afoa ano. Esiane sɛ wɔn ahunahuna trɛw wɔ ateasefo asase so no nti, wɔne wɔn a wosian kɔ amoa mu no nyinaa anim agu ase. Wɔadeda wɔn wɔ atɔfo no mu.
26 “Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu.
“Mesek ne Tubal wɔ hɔ a wɔn dɔm atwa wɔn nna ho ahyia. Wɔn nyinaa yɛ momonotofo a wɔatotɔ wɔ afoa ano efisɛ wɔtrɛtrɛw wɔn ahunahuna mu wɔ ateasefo asase so.
27 Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu. (Sheol h7585)
Ɛnyɛ wɔn ne akofo momonotofo foforo a wɔatotɔ na wɔdeda hɔ no ana? Wɔn a wɔne wɔn akode sian kɔɔ nna mu na wɔn ti deda wɔn afoa so no. Wɔn amumɔyɛ so asotwe daa wɔn nnompe so, mmom saa akofo yi ahunahuna atrɛtrɛw wɔ ateasefo asase so. (Sheol h7585)
28 “Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.
“Farao, wo nso wobebubu wo mu na woakɔda momonotofo mu, wo ne wɔn a wɔtotɔɔ wɔ afoa ano no.
29 “Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.
“Edom wɔ hɔ, nʼahemfo ne ne mmapɔmma nyinaa deda wɔn a wɔatotɔ wɔ afoa ano no mu, wɔn tumi nyinaa akyi. Wɔdeda momonotofo mu, wɔne wɔn a wosian kɔ amoa mu no.
30 “Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
“Mmapɔmma a wofi atifi fam nyinaa ne Sidonfo nyinaa wɔ hɔ, wɔne atɔfo kɔɔ wɔ animguase mu, wɔn tumi a wɔde hunahuna no nyinaa akyi. Wɔdeda hɔ sɛ momonotofo, wɔne wɔn a wokum wɔn wɔ afoa ano, na wɔne wɔn a wosian kɔ amoa mu no asoa wɔn animguase.
31 “Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“Farao, ɔne nʼasraafo nyinaa behu wɔn na ne werɛ bɛkyekye wɔ ne dɔm a wokunkum wɔn wɔ afoa ano no ho, Otumfo Awurade asɛm ni.
32 Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Mmom me na memaa Farao ne ne nnipadɔm de ahunahuna trɛtrɛw wɔ ateasefo asase so de, nanso wɔbɛdeda momonotofo mu, wɔn a wɔde afoa kunkum wɔn, Otumfo Awurade asɛm ni.”

< Ezekieri 32 >