< Ezekieri 31 >

1 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Kum hlaibun, thapa yung thum, hnin pasuek nah BAWIPA e lawk kai koe a pha teh,
2 “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?
tami capa, Izip siangpahrang Faro hoi tamihunaw koe dei pouh. Na bawilennae a len teh, api hoi maw na kâvan,
3 Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakanga wakareba kwazvo, manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.
Assiria na meihawi teh, a bu ka rung e a kang, ka rasang e hmuen, ratu a tâhlip kahawie, akangnaw hoi ka kuep e a som kaawm e Lebanon doeh.
4 Mvura zhinji yakaupa zvokudya, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe; hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde, uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.
Tui kathounge ni ahni teh a roung sak teh, talai thung e tui ni a rasang sak teh a ungnae hmuen petkâkalup lah ka lawng e palang ni a lawng sin teh, ram dawk e thing pueng a kawk nahanelah a lawng sak.
5 Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji.
Hot patetlah kahrawngum e thingnaw hah ka tapuet lah a roung teh, hoehoe a rasang, akangnaw a roung teh a saw awh, tui moikapap hoi a kawk e doeh.
6 Shiri dzose dzedenga dzakavakira matendere adzo pamatavi awo, mhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pamatavi awo; ndudzi dzose huru dzakagara pamumvuri wawo.
Kalvan e tava pueng ni a kangnaw dawk a tabu a tuk awh. Kahrawngum e saringnaw ni a kangnaw e a rahim vah a ca khe awh. Hote thingkung a tâhlip dawkvah, kalenpounge miphunnaw pueng khosak awh.
7 Wakanga uchiyevedza parunako, namatavi awo akatandavara, nokuti midzi yawo yaidzika pasi kune mvura zhinji.
Hottelah, tui apapnae hmuen koe a tangpha a pabo dawkvah, a len teh, a kangnaw a saw teh, a meihawinae hoi a kuep.
8 Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipurani hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka.
Cathut e takha dawk Sidar thingnaw ni hote thingkung teh ngue thai awh hoeh. Hmaica thing hoi Aramonkung naw hai hot patetlae a kang hoi kuep awh hoeh. Cathut e takha dawk e thingkung buet touh ni hote thingkung ka phat e awm hoeh.
9 Ndakauita muti unoyevedza una matavi akawanda, muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni mubindu raMwari.
Eden hmuen Cathut e takha dawk kaawm e thingkungnaw teh hote thingkung hah a ut awh totouh, a kang apap e lahoi ahnie meihawinae kai ni ka poe.
10 “‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,
Bawipa Jehovah ni hettelah a dei, hote Sidar thing teh, a rasangpoung teh a kangnaw hai tâmai totouh a pha dawkvah, a lungthin a kârasang.
11 ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,
Miphunnaw dawk bahu a len teh, ka patawpoung lah lawkcengkung e a kut dawk kai ni ka poe toe. Ahni ni a sak e hno kecu dawk ka hrek han.
12 uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.
Miphunnaw thung dawk hoi taki ka tho poung e naw ni a tâtueng awh vaiteh, a tâkhawng awh han. Mon dawk thoseh, tanghling dawk thoseh, a kangnaw be a bo han. Hote ram dawk tui lawngnae ravo dawk a kangnaw be ka khoe han. Talai tami pueng a tâhlip dawk hoi a tâco awh vaiteh, a ceitakhai awh han.
13 Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo.
Kalvan e tavanaw hoi kahrawngum e saringnaw teh ka kâkhoe e a kangnaw van ao awh han.
14 Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.
Bangkongtetpawiteh, tui teng vah kaawm e thingkungnaw thung dawk a rasangnae a kâoupkhai hoeh nahane doeh. Talai rahim a rahnoumnae tangkom thung hoi, ka kum e tami capanaw koe cei hanelah, duenae be a kâman sak e lah ao toe.
15 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. (Sheol h7585)
BAWIPA Jehovah ni hettelah a dei, ahni teh duenae kho koe a ceinae hnin dawk kadungpoung e hmuen koe, ahni hanelah rohni hoi ka khu han, tuipui kaman teh, ka lenpoung e tuipui ka ban sak, ahni teh Lebanon hanelah rohni ka kho sak teh, kahrawngum e thing pueng ahni kecu dawk a lung a pout awh. (Sheol h7585)
16 Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi. (Sheol h7585)
A rawpnae a pawlawk dawk, miphun hoi ka pâyaw sak teh, tangkom thung ka kum tangcoung e naw koe sheol ka pabo hnin vah, Eden thing pueng Lebanon thing kahawinaw hoi tui ka net e pueng hah talai rahim vah karoumcalah ao awh. (Sheol h7585)
17 Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo. (Sheol h7585)
Tahloi hoi thei e koe, ahnimouh hai sheol koe lah a kum awh van teh, miphunnaw koe a tâhlip rahim kho ouk kasaknaw a thasainae kutnaw hoi, (Sheol h7585)
18 “‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
Eden thingnaw thung dawk, bawilennae hoi lentoenae dawk apimaw nang patetlah kaawm. Hateiteh, Eden thingnaw hoi adungpoungnae koe tâkhawng e lah na o han, hetheh Faro hoi a tamihupuinaw doeh, telah BAWIPA ni a dei.

< Ezekieri 31 >