< Ezekieri 30 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
The word of Yahweh came to me, saying,
2 “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ungudza uti, “Haiwa, zuva iro!”
“Son of man, prophesy and say, 'The Lord Yahweh says this: Wail, “Woe is the coming day.”
3 Nokuti zuva rava pedyo, zuva raJehovha rava pedyo, zuva ramakore, nguva yokuparadzwa kwendudzi.
The day is near. The day is near for Yahweh. It will be a day of clouds, a time of doom for nations.
4 Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.
Then a sword will come against Egypt, and there will be anguish in Cush when the killed people fall in Egypt— when they take her wealth, and when her foundations are ruined.
5 Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.
Cush and Put, Lydia and all Arabia, and Libya, together with the people belonging to the covenant—they will all fall by the sword.
6 “‘Zvanzi naJehovha: “‘Vanotsigira Ijipiti vachawa uye simba rainozvikudza naro richapera. Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, vachaurayiwa nomunondo mukati pake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Yahweh says this: So the ones who support Egypt will fall, and the pride of her strength will go down. From Migdol to Syene their soldiers will fall by the sword—this is the Lord Yahweh's declaration.
7 Vachaparadzwa pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta avo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.
They will be appalled in the midst of the abandoned lands, and their cities will be among all the ruined cities.
8 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.
Then they will know that I am Yahweh, when I set fire in Egypt, and when all of her helpers are destroyed.
9 “‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.
In that day messengers will go out from before me in ships to terrorize a secure Cush, and there will be anguish among them on the day of Egypt's doom. For behold! It is coming.
10 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
The Lord Yahweh says this: I will make an end of the multitudes of Egypt by the hand of Nebuchadnezzar, the king of Babylon.
11 Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyiswa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa.
He and his army with him, the terror of nations, will be brought to destroy the land; they will draw out their swords against Egypt and fill the land with those who have been killed.
12 Ndichaomesa hova dzeNairi, uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa; namaoko avatorwa ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi. Ini Jehovha ndazvitaura.
I will make the rivers into dry ground, and I will sell the land into the hand of wicked men. I will make the land and its fullness desolate by the hand of strangers—I, Yahweh, have spoken.
13 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ndichaparadza zvifananidzo uye ndichagumisa mifananidzo yeMemufisi. MuIjipiti hamuchazovizve nomuchinda, uye ndichaparadzira kutya munyika yose.
The Lord Yahweh says this: I will destroy idols, and I will bring an end to the worthless idols of Memphis. There will no longer be a prince in the land of Egypt, and I will put terror on the land of Egypt.
14 Ndichaita kuti Patirosi ive dongo, ndichapisa Zoani, uye ndicharanga Tebhesi.
Then I will make Pathros desolate and set fire in Zoan, and I will execute acts of judgment on Thebes.
15 Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami, iyo nhare yeIjipiti, uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.
For I will pour out my fury on Pelusium, the stronghold of Egypt, and cut off the multitude of Thebes.
16 Ndichapisa Ijipiti; Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa. Tebhesi richakukurwa nedutu; Memufisi ichagara iri munhamo.
Then I will set fire in Egypt; Pelusium will be in great agony, Thebes will be broken up, and Memphis will face enemies every day.
17 Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi achaurayiwa nomunondo, uye maguta achatapwa.
The young men in Heliopolis and Bubastis will fall by the sword, and their cities will go into captivity.
18 Zuva iroro richava rerima paTapanhesi, pandichavhuna joko reIjipiti; kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo. Richafukidzwa namakore, uye misha yaro ichatapwa.
In Tahpanhes, the day will hold back its light when I break the yoke of Egypt there, and the pride of her strength will be finished. There will be a cloud covering her, and her daughters will walk into captivity.
19 Saka ndicharanga Ijipiti, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
I will execute acts of judgment in Egypt, so they will know that I am Yahweh.'”
20 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Then it came about in the eleventh year, in the first month, in the seventh day of the month, that the word of Yahweh came to me, saying,
21 “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo.
“Son of man, I have broken the arm of Pharaoh, the king of Egypt. Behold! It has not been bound up, or set to heal with a bandage, so that it will become strong enough to grasp a sword.
22 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake.
Therefore the Lord Yahweh says this, 'Behold, I am against Pharaoh, the king of Egypt. For I will break his arm, both the strong one and the broken one, and I will make the sword fall from his hand.
23 Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose.
Then I will scatter Egypt among the nations and disperse them among the lands.
24 Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa.
I will strengthen the arms of the king of Babylon and place my sword in his hand so that I might destroy Pharaoh's arms. He will groan before the king of Babylon with the groans of a dying man.
25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.
For I will strengthen the arms of the king of Babylon, while Pharaoh's arms will fall. Then they will know that I am Yahweh, when I put my sword into the hand of the king of Babylon; for he will attack the land of Egypt with it.
26 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
So I will scatter Egypt among the nations and disperse them through the lands. Then they will know that I am Yahweh.'”

< Ezekieri 30 >