< Ezekieri 3 >

1 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.”
And he said to me, Son of man, eat that which thou findest; eat this roll, and go, speak to the house of Israel!
2 Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye.
So I opened my mouth, and he gave me the roll to eat.
3 Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu.
And he said to me, Son of man, let thy stomach eat, and fill thy body with this roll which I give thee! Then I ate it, and it was in my mouth as honey for sweetness.
4 Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chienda zvino kuimba yaIsraeri undotaura mashoko angu kwavari.
And he said to me: Son of man, go, get thee to the house of Israel, and speak my words to them!
5 Hausi kutumwa kuvanhu vane mutauro usinganzwisisiki uye norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri,
For not to a people of a dark speech and a hard language art thou sent, but to the house of Israel;
6 kwete kumarudzi mazhinji vane mitauro isinganzwisisiki norurimi rwakagozha, vana mashoko ausingagoni kunzwisisa. Zvirokwazvo dai ndakanga ndakutuma kwavari, vangadai vakakunzwa.
not to many nations of a dark speech and a hard language, whose words thou canst not understand. Truly, had I sent thee to them, they would have hearkened to thee.
7 Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera nokuti haidi kunditeerera, nokuti imba yose yaIsraeri yakaomeswa mwoyo uye yakavangarara.
But the house of Israel will not hearken to thee, for they will not hearken to me. For the whole house of Israel is brazen-faced and stiff-hearted.
8 Tarira ndichaomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo.
Behold, I have made thy face strong against their faces, and thy forehead strong against their foreheads.
9 Ndichaomesa huma yako sebwe rakaomesesa, rakaoma kupfuura romusarasara. Usavatya kana kuvhunduswa navo, kunyange vari imba inomukira.”
As an adamant, harder than flint, have I made thy forehead; fear them not, nor be dismayed at their looks; for they are a rebellious house.
10 Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nditeererese uye uise mashoko ose andinotaura mumwoyo mako.
Moreover, he said to me: Son of man, all my words, which I shall speak to thee, receive in thy heart, and hear with thine ears!
11 Chienda zvino kuvanhu venyika yako vari muutapwa undotaura kwavari. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera.”
And go, get thee to them of the captivity, to the children of thy people, and speak to them, and say to them, Thus saith the Lord Jehovah; whether they will hear, or whether they will forbear.
12 Ipapo mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu inzwi rokuunga kukuru richiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe munzvimbo yaanogara!”
Then the spirit lifted me up, and I heard behind me the sound, as of a great rushing, saying, “Praised be the majesty of Jehovah from his place!”
13 Uye ndakanzwa mubvumo wamapapiro ezvisikwa zvipenyu aigunzvana uye nomubvumo wamavhiri parutivi rwazvo, achirira zvikuru.
I heard also the noise of the wings of the living creatures, that touched one another, and the noise of the wheels beside them, even a noise of a great rushing.
14 Ipapo Mweya wakandisimudza ukandiendesa kure uye ndakaenda ndine shungu ndakatsamwa pamweya wangu, uye ruoko rune simba rwaJehovha rwuri pamusoro pangu.
So the spirit lifted me up, and took me away, and I went in bitterness, in the heat of my spirit; but the hand of Jehovah was strong upon me.
15 Ndakasvika kuna vakatapwa vaigara kuTera Abhibhi pedyo noRwizi rweKebhari. Zvino ipapo pavaigara, ndakagara pakati pavo kwamazuva manomwe, ndichishayiwa mashoko.
Then I came to them of the captivity at Tel-abib, that dwelt by the river Chebar; and I dwelt where they dwelt; I even dwelt astonished among them seven days.
16 Shure kwokupera kwamazuva manomwe, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
And at the end of seven days, the word of Jehovah came to me, and said:
17 “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka chinzwa shoko randinotaura uye uvayambire neyambiro inobva kwandiri.
Son of man, I have set thee as a watchman to the house of Israel; therefore hear the word from my mouth, and warn them from me!
18 Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Uchafa zvirokwazvo,’ iwe ukasamuyambira kana kutaura uchimunyevera panzira dzake dzakaipa kuti uponese mweya wake, munhu uye akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza pamusoro pako.
When I say to the wicked, Thou shalt surely die! and thou givest him not warning, nor speakest to warn the wicked from his wicked way, so that he may live, that wicked man shall die for his iniquity; but his blood will I require at thy hand.
19 Asi kana iwe ukamuyambira asi iye akaramba kutendeuka pazvakaipa zvake kana panzira dzake dzakaipa, iye achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe uchange wazviponesa.
Yet if thou warn the wicked, and he turn not from his wickedness, and from his wicked way, he shall die for his iniquity, but thou hast delivered thy soul.
20 “Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake.
Again, when a righteous man turneth from his righteousness, and committeth iniquity, and I lay a stumbling-block before him, and he shall die because thou hast not given him warning, he will die for his sin; and his righteousness which he hath done will not be remembered; but his blood will I require at thy hand.
21 Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.”
Yet if thou warn the righteous man, that he sin not, and the righteous man doth not sin, he shall surely live, because he hath received warning; and thou hast delivered thy soul.
22 Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu ipapo, uye akati kwandiri, “Simuka uende kubani uye ndichataura newe ikoko.”
And the hand of Jehovah was there upon me, and he said to me, Arise, go forth into the plain, and there will I speak with thee.
23 Saka ndakasimuka ndikaenda kubani. Uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kumire ipapo, kwakaita sokubwinya kwandakamboona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.
Then I arose, and went forth into the plain, and lo, the glory of Jehovah stood there, as the glory which I saw by the river Chebar; and I fell upon my face.
24 Ipapo Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu. Akataura kwandiri akati, “Enda undozvipfigira mumba mako.
Then the spirit entered into me, and set me upon my feet. And he spake with me, and said to me: Go, shut thyself within thy house.
25 Zvino iwe, mwanakomana womunhu, vachakusunga netambo; uchasungwa zvokuti haungabudi uchienda kuvanhu.
And behold, O son of man, bands shall be put upon thee, and thou shalt be bound therewith; and thou shalt not go out among them.
26 Ndichaita kuti rurimi rwako runamire kumusoro kwomuromo wako kuitira kuti unyarare ukonewe kuvatsiura, kunyange vari imba yokumukira.
And I will make thy tongue cleave to the roof of thy mouth, that thou shalt be dumb, and shalt not be to them a reprover; for they are a rebellious house.
27 Asi pandinotaura newe, ndichazarura muromo wako uye uchati kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Ani naani anonzwa ngaanzwe, uye ani naani anoramba ngaarambe hake; nokuti ivo imba yokumukira.
But when I speak with thee, I will open thy mouth, and thou shalt say to them, Thus saith the Lord Jehovah: He that will hear, let him hear, and he that will forbear, let him forbear; for they are a rebellious house.

< Ezekieri 3 >