< Ezekieri 29 >

1 Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
第十年十月十二日,耶和华的话临到我说:
2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti.
“人子啊,你要向埃及王法老预言攻击他和埃及全地,
3 Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti, iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako. Iwe unoti, “Nairi ndorwangu; ndakazvigadzirira pachangu.”
说主耶和华如此说: 埃及王法老啊, 我与你这卧在自己河中的大鱼为敌。 你曾说:这河是我的, 是我为自己造的。
4 Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako, uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako. Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako, nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.
我—耶和华必用钩子钩住你的腮颊, 又使江河中的鱼贴住你的鳞甲; 我必将你和所有贴住你鳞甲的鱼, 从江河中拉上来,
5 Ndichakusiya mugwenga, iwe nehove dzose dzomuhova dzako. Uchawira pasi pabani pachena zvapo, uye haungaunganidzwi kana kunongwa. Ndichakupa sechokudya kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.
把你并江河中的鱼都抛在旷野; 你必倒在田间, 不被收殓,不被掩埋。 我已将你给地上野兽、空中飞鸟作食物。
6 Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. “‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.
“埃及一切的居民,因向以色列家成了芦苇的杖,就知道我是耶和华。
7 Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka, ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.
他们用手持住你,你就断折,伤了他们的肩;他们倚靠你,你就断折,闪了他们的腰。
8 “‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.
所以主耶和华如此说:我必使刀剑临到你,从你中间将人与牲畜剪除。
9 Ijipiti ichava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “‘Nokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”
埃及地必荒废凄凉,他们就知道我是耶和华。 “因为法老说:‘这河是我的,是我所造的’,
10 naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia.
所以我必与你并你的江河为敌,使埃及地,从色弗尼塔直到古实境界,全然荒废凄凉。
11 Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana.
人的脚、兽的蹄都不经过,四十年之久并无人居住。
12 Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi, ndichavadzingira kunyika zhinji.
我必使埃及地在荒凉的国中成为荒凉,使埃及城在荒废的城中变为荒废,共有四十年。我必将埃及人分散在列国,四散在列邦。”
13 “‘Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira.
主耶和华如此说:“满了四十年,我必招聚分散在各国民中的埃及人。
14 Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko.
我必叫埃及被掳的人回来,使他们归回本地巴忒罗。在那里必成为低微的国,
15 Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi.
必为列国中最低微的,也不再自高于列国之上。我必减少他们,以致不再辖制列国。
16 Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’”
埃及必不再作以色列家所倚靠的;以色列家仰望埃及人的时候,便思念罪孽。他们就知道我是主耶和华。”
17 Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti,
二十七年正月初一日,耶和华的话临到我说:
18 “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro.
“人子啊,巴比伦王尼布甲尼撒使他的军兵大大效劳,攻打泰尔,以致头都光秃,肩都磨破;然而他和他的军兵攻打泰尔,并没有从那里得什么酬劳。
19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake.
所以主耶和华如此说:我必将埃及地赐给巴比伦王尼布甲尼撒;他必掳掠埃及群众,抢其中的财为掳物,夺其中的货为掠物,这就可以作他军兵的酬劳。
20 Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
我将埃及地赐给他,酬他所效的劳,因王与军兵是为我勤劳。这是主耶和华说的。
21 “Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
“当那日,我必使以色列家的角发生,又必使你—以西结在他们中间得以开口;他们就知道我是耶和华。”

< Ezekieri 29 >