< Ezekieri 28 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
耶和华的话又临到我说:
2 “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako iwe unoti, “Ini ndiri mwari; ndinogara pachigaro choushe chamwari, pakati pomwoyo wamakungwa.” Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari, kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.
“人子啊,你对泰尔君王说,主耶和华如此说: 因你心里高傲,说:我是神; 我在海中坐神之位。 你虽然居心自比神, 也不过是人,并不是神!
3 Wakachenjera kukunda Dhanieri here? Hauna chakavanzika chausingazivi here?
看哪,你比但以理更有智慧, 什么秘事都不能向你隐藏。
4 Wakazviwanira pfuma nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako, uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha muzvivigiro zvepfuma yako.
你靠自己的智慧聪明得了金银财宝, 收入库中。
5 Wakawanza pfuma yako nouchenjeri hwako hwokutengesa, uye nokuda kwepfuma yako mwoyo wako wakazvikudza.
你靠自己的大智慧和贸易增添资财, 又因资财心里高傲。
6 “‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: “‘Nokuti unofunga kuti wakangwara, sokungwara kwamwari,
所以主耶和华如此说: 因你居心自比神,
7 ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose, vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako, vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.
我必使外邦人, 就是列国中的强暴人临到你这里; 他们必拔刀砍坏你用智慧得来的美物, 亵渎你的荣光。
8 Vachakuburutsira kugomba, uye uchafa rufu runorwadza pakati pomwoyo wamakungwa.
他们必使你下坑; 你必死在海中, 与被杀的人一样。
9 Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,” pamberi pavanokuuraya? Uchava munhu chete, kwete mwari, mumaoko aivo vanokuuraya.
在杀你的人面前你还能说“我是神”吗? 其实你在杀害你的人手中, 不过是人,并不是神。
10 Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa pamaoko avatorwa. Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
你必死在外邦人手中, 与未受割礼的人一样, 因为这是主耶和华说的。”
11 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
耶和华的话临到我说:
12 “Mwanakomana womunhu, chemera mambo weTire ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Wakanga uri muenzaniso wokukwana, uzere nouchenjeri wakakwana parunako.
“人子啊,你为泰尔王作起哀歌,说主耶和华如此说: 你无所不备, 智慧充足,全然美丽。
13 Wakanga uri muEdheni, bindu raMwari; wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti: rubhi, tapazi neemeradhi, krisorite, onikisi, jasipa, safuri, turikoise nebheriri. Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe; zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.
你曾在伊甸 神的园中, 佩戴各样宝石, 就是红宝石、红璧玺、金钢石、 水苍玉、红玛瑙、碧玉、 蓝宝石、绿宝石、红玉,和黄金; 又有精美的鼓笛在你那里, 都是在你受造之日预备齐全的。
14 Wakazodzwa sekerubhi rinorinda, nokuti ndiko kugadza kwandakakuita. Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari; wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.
你是那受膏遮掩约柜的基路伯; 我将你安置在 神的圣山上; 你在发光如火的宝石中间往来。
15 Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako, kubva pazuva rawakasikwa kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.
你从受造之日所行的都完全, 后来在你中间又察出不义。
16 Nokuwanda kwokushambadzira kwako wakabva wazara nechisimba, ndokubva watadza. Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari, uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda, kuti ubve pakati pamabwe omoto.
因你贸易很多, 就被强暴的事充满,以致犯罪, 所以我因你亵渎圣地, 就从 神的山驱逐你。 遮掩约柜的基路伯啊, 我已将你从发光如火的宝石中除灭。
17 Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kworunako rwako, uye wakaodza uchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako. Saka ndakakukanda panyika; ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.
你因美丽心中高傲, 又因荣光败坏智慧, 我已将你摔倒在地, 使你倒在君王面前, 好叫他们目睹眼见。
18 Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira, wakazvidza nzvimbo dzako tsvene. Saka ndakaita kuti moto ubude kubva mauri, ukakuparadza, uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika, pamberi pavose vaikuona.
你因罪孽众多, 贸易不公, 就亵渎你那里的圣所。 故此,我使火从你中间发出,烧灭你, 使你在所有观看的人眼前变为地上的炉灰。
19 Ndudzi dzose dzaikuziva dzinoshamiswa newe; wasvika pamagumo akaipisisa uye hauchazovapozve.’”
各国民中,凡认识你的, 都必为你惊奇。 你令人惊恐, 不再存留于世,直到永远。”
20 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
耶和华的话临到我说:
21 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro,
“人子啊,你要向西顿预言攻击她,
22 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni, uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichariranga ndigozviratidza mariri kuti ndiri mutsvene.
说主耶和华如此说: 西顿哪,我与你为敌, 我必在你中间得荣耀。 我在你中间施行审判、显为圣的时候, 人就知道我是耶和华。
23 Ndichatuma denda pamusoro paro ndigoita kuti ropa riyerere munzira dzaro. Vakaurayiwa vachawa mariri, nomunondo uchirirwisa kumativi ose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
我必使瘟疫进入西顿, 使血流在她街上。 被杀的必在其中仆倒, 四围有刀剑临到她, 人就知道我是耶和华。”
24 “‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
“四围恨恶以色列家的人,必不再向他们作刺人的荆棘,伤人的蒺藜,人就知道我是主耶和华。”
25 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.
主耶和华如此说:“我将分散在万民中的以色列家招聚回来,向他们在列邦人眼前显为圣的时候,他们就在我赐给我仆人雅各之地,仍然居住。
26 Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’”
他们要在这地上安然居住。我向四围恨恶他们的众人施行审判以后,他们要盖造房屋,栽种葡萄园,安然居住,就知道我是耶和华—他们的 神。”

< Ezekieri 28 >