< Ezekieri 22 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
BOEIPA ol te kai taengla ha pawk tih,
2 “Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokuteura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza
“Nang hlang capa aw, lai na tloek aya? Thii aka long khopuei te lai na tloek aya? Anih te a tueilaehkoi boeih ming sak.
3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo,
Ka Boeipa Yahovah loh a thui he thui pah. Khopuei loh amah tue pai sak ham a laklung ah thii a long sak tih amah aka poeih ham mueirhol a saii.
4 wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose.
Na thii na hawk te na boe tih na mueirhol na saii long te m'poeih. Na khohnin ha tawn uh tih na kum te ha pawk coeng. Te dongah nang te namtom kah kokhahnah neh diklai pum kah soehsalkoi la kang khueh coeng.
5 Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.
Nang lamkah a yoei neh a hla loh nang te n'soehsal uh vetih, rhalawt ming dongah soekloeknah bae ni.
6 “‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake.
Israel khoboei rhoek aih ke, a bantha neh na khuiah thii hawk ham hlang om coeng.
7 Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka.
Manu napa te a vapsa tak uh tih na khuikah yinlai te hnaemtaeknah neh a saii uh. Na khui kah cadah neh nuhmai te namah khui ah na vuelvaek uh.
8 Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu.
Kai kah a cim te na hnaep uh tih ka Sabbath te na poeih uh.
9 Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira kuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzezvifananidzo kumakomo uye vanoita mabasa eunzenza.
Thii hawk sak ham te na khuiah caemtuh hlang rhoek om uh. Na khuikah loh tlang ah a caak tih na khui ah khonuen rhamtat a saii uh.
10 Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena.
Pa kah a yah te na khuiah a poelyoe tih pumom kah a rhalawt neh na khuiah phaep uh.
11 Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wake, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo.
Hlang he a hui yuu taengah tueilaehkoi a saii tih hlang he amah langa khaw khonuen rhamtat la a poeih. Hlang he a napa canu, amah ngannu khaw na khuiah a phaep.
12 Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
A casai thii long sak ham na khuiah kapbaih a loh uh. A puehkan la na loh tih hnaemtaeknah neh na hui te na mueluem dongah kai he nan hnilh. He tah Ka Boeipa Yahovah kah olphong ni.
13 “‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako.
Te dongah na mueluemnah la na saii tih na khui ah na thii a om te ka kut ka paeng pawn ni he.
14 Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazviita.
Na lungbuei om cakhaw na kut a moem uh venim? Te khohnin ah kai loh nang te kan saii ni. Kai BOEIPA loh ka thui he ka saii ni.
15 Ndichakuparadzira pakati pendudzi, ndichakuparadzira kunyika dzakasiyana-siyana; uye ndichagumisa kusachena kwako.
Nang te namtom taengah kan taek kan yak vetih diklai ah nang kan haeh ni. Te vaengah nang kah a tihnai te nang lamloh ka boeih sak ni.
16 Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’”
Nang te namtom mikhmuh ah m'poeih uh vaengah BOEIPA kamah te nan ming bitni,” a ti.
17 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
BOEIPA ol te kai taengla koep ha pawk ol tih,
18 “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha.
“Hlang capa aw, Israel imkhui he a pum la kai taengah aek khuikah aek la poeh uh coeng. Rhohum neh samphae khaw, thicung neh kawnlawk khaw hmai-ulh khui ah cak aek la poeh coeng.
19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema.
Te dongah ka Boeipa Yahovah loh he ni a thui. Nangmih te aek la boeih poeh sak ham ni kai loh nangmih te Jerusalem khui la kan coi tangloeng ne.
20 Sezvinoitwa navarume vanounganidza sirivha, ndarira, simbi, mutobvu netini muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuisai mukati meguta ndigokunyungudisai.
Cak neh rhohum, thi neh kawnlawk neh samphae te hmai-ulh khui la hmuh tih hmai dongah tlae hamla coinah om. Ka thintoek ah kan coi tih ka kosi neh kan tloeng vaengah na tlae uh bitni.
21 Ndichakuunganidzai ndigokufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyungudika mukati maro.
Nangmih te kan calui tih ka thinpom hmai neh nang kang ueng thil vaengah a khui ah na tlae bitni.
22 Sokunyungudika kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyungudika mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’”
Hmai-ulh khui kah cak tlae bangla a khui ah na tlae van ni. Te vaengah BOEIPA kamah loh nangmih soah ka kosi ka hawk te na ming ni,” a ti.
23 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
BOEIPA ol kai taengah ha pawk tih,
24 “Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’
“Hlang capa aw, a taengah thui pah. Khohmuen nang te n'caihcil pawt pai tih kosi khohnin ah khotlan tal.
25 Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dziwande mukati mayo.
A khui ah a tonghma rhoek kah lairhui khaw maeh aka baeh sathueng kah a kawk bangla om. Hinglu neh khohrhang a yoop tih nuhmai kah umponah aka rheth khaw a khui ah a ping sak uh.
26 Vaprista vayo vanoputsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo.
A khosoih rhoek loh ka olkhueng a poe tih ka hmuencim a poeih uh. Cimcaihnah neh rhongingnah te paekboe uh pawh. Rhalawt khaw, a cuemcaih khaw ming sak uh pawh. Ka Sabbath te a mik a him thil uh tih amih khui ah kai m'poeih.
27 Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama.
A khui kah a mangpa rhoek khaw maeh aka nget uithang bangla thii aka hawk ham neh hinglu aka ngawn ham mueluemnah dongah mueluem uh.
28 Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura.
A tonghma rhoek loh amamih ham a rhorhap te a bol uh. Amamih ham a poeyoek la a hmuh uh. Hlang aka bi loh BOEIPA loh a thui pawt khaw ka Boeipa Yahovah kah a thui he laithae ni a ti uh.
29 Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira.
Khohmuen kah pilnam te hnaemtaeknah neh a hnaemtaek uh tih huencannah neh a reth uh. Mangdaeng neh khodaeng a vuelvaek uh tih yinlai a hnaemtaek uh dongah tiktamnah om pawh.
30 “Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo uye agomira pamberi pangu, pakakoromoka, achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe.
Vongtung biing tih khohmuen phae pawt ham a yueng la ka mikhmuh kah a puut ah aka pai hlang khaw amih lakli ah ka tlap dae ka hmu pawh.
31 Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Te dongah ka kosi he amih soah ka hawk vetih ka thinpom hmai neh amih ka khah ni. Amih kah longpuei te amamih lu dongah ka thoeng sak ni. He tah ka Boeipa Yahovah kah olphong ni,” a ti.

< Ezekieri 22 >