< Ezekieri 20 >
1 Mugore rechinomwe, nomwedzi wechishanu pazuva regumi, vamwe vavakuru vavaIsraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
Katika mwaka wa saba, mwezi wa tano siku ya kumi, baadhi ya wazee wa Israeli wakaja ili kutaka ushauri kwa Bwana, wakaketi mbele yangu.
2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Ndipo neno la Bwana likanijia kusema:
3 “Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
“Mwanadamu, sema na wazee wa Israeli uwaambie, ‘Hili ndilo Bwana Mwenyezi asemalo: Kwa nini mmekuja? Je, ni kutaka ushauri kwangu? Hakika kama niishivyo, sitawaruhusu mtake ushauri toka kwangu, asema Bwana Mwenyezi.’
4 “Ungavatonga here? Ungavatonga here, iwe mwanakomana womunhu? Zvino chivazivisa mabasa anonyangadza amadzibaba avo,
“Je, utawahukumu? Je, mwanadamu, utawahukumu? Basi uwakabili kwa ajili ya machukizo ya baba zao
5 uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
na uwaambie: ‘Hili ndilo Bwana Mwenyezi asemalo: Siku ile nilipochagua Israeli, niliwaapia wazao wa nyumba ya Yakobo kwa mkono ulioinuliwa nami nikajidhihirisha kwao huko Misri. Kwa mkono ulioinuliwa niliwaambia, “Mimi ndimi Bwana, Mungu wenu.”
6 Pazuva iro ndakapika kwavari kuti ndichavabudisa kubva munyika yeIjipiti ndigovapinza munyika yandakavatsvakira, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose.
Siku ile niliwaapia wao kwamba nitawatoa katika nchi ya Misri na kuwaleta katika nchi niliyowachagulia, nchi itiririkayo maziwa na asali, nchi nzuri kupita zote.
7 Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Nami nikawaambia, “Kila mmoja wenu aondolee mbali sanamu za chukizo ambazo mmekazia macho, nanyi msijitie unajisi kwa sanamu za Misri. Mimi ndimi Bwana, Mungu wenu.”
8 “‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti.
“‘Lakini waliniasi na hawakunisikiliza, hawakuondolea mbali sanamu za machukizo ambazo walikuwa wamezikazia macho, wala kuondolea mbali sanamu za Misri. Ndipo nikasema, nitawamwagia ghadhabu yangu na kutimiza hasira yangu dhidi yao huko Misri.
9 Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzamaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa kubva muIjipiti.
Lakini kwa ajili ya Jina langu nilifanya kile ambacho kingelifanya lisitiwe unajisi machoni mwa mataifa waliyoishi miongoni mwao na ambao machoni pao nilikuwa nimejifunua kwa Waisraeli kwa kuwatoa katika nchi ya Misri.
10 Naizvozvo ndakavabudisa kubva muIjipiti ndikaenda navo kugwenga.
Kwa hiyo nikawaongoza watoke Misri na kuwaleta jangwani.
11 Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo.
Nikawapa amri zangu na kuwajulisha sheria zangu, kwa kuwa mtu anayezitii ataishi kwa hizo.
12 Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndakavaita vatsvene.
Pia niliwapa Sabato zangu kama ishara kati yangu nao, ili wapate kujua kuwa Mimi Bwana niliwafanya kuwa watakatifu.
13 “‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga.
“‘Lakini watu wa Israeli waliniasi Mimi jangwani. Hawakufuata amri zangu, bali walikataa sheria zangu, ingawa mtu yule anayezitii ataishi kwa hizo sheria, nao walizinajisi Sabato zangu kabisa. Hivyo nilisema ningemwaga ghadhabu yangu juu yao na kuwaangamiza huko jangwani.
14 Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo.
Lakini kwa ajili ya Jina langu nikafanya kile ambacho kitalifanya Jina langu lisitiwe unajisi machoni mwa mataifa ambao mbele yao nilikuwa nimewatoa Waisraeli.
15 Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose,
Tena kwa mkono ulioinuliwa nikawaapia huko jangwani kwamba nisingewaingiza katika nchi niliyokuwa nimewapa, yaani, nchi itiririkayo maziwa na asali, nchi nzuri kuliko zote,
16 nokuti vakaramba mirayiro yangu uye havana kutevera mitemo yangu, vakasvibisa maSabata angu. Nokuti mwoyo yavo yakanga yakazvipira kuzvifananidzo zvavo.
kwa sababu walikataa sheria zangu na hawakufuata amri zangu na wakazinajisi Sabato zangu. Kwa kuwa mioyo yao iliandama sanamu zao.
17 Kunyange zvakadaro hazvo, ndakavatarisa ndikavanzwira tsitsi ndikasavaparadza kana kuvapedza chose mugwenga.
Lakini niliwahurumia wala sikuwaangamiza wala hakuwafuta kabisa jangwani.
18 Ndakati kuvana vavo mugwenga, “Regai kutevera mitemo yamadzibaba enyu kana kuchengeta mirayiro yavo kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvavo.
Niliwaambia watoto wao kule jangwani, “Msifuate amri za baba zenu wala kushika sheria zao au kujinajisi kwa sanamu zao.
19 Ndini Jehovha Mwari wenyu; teverai mitemo yangu uye muchenjerere kuchengeta mirayiro yangu.
Mimi ndimi Bwana, Mungu wenu, fuateni amri zangu tena kuweni waangalifu kushika sheria zangu.
20 Chengetai maSabata angu ave matsvene, kuti ave chiratidzo pakati pedu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Zitakaseni Sabato zangu ili ziwe ishara kati yangu nanyi. Ndipo mtakapojua kuwa Mimi ndimi Bwana, Mungu wenu.”
21 “‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga.
“‘Lakini watoto hao wakaniasi: Hawakufuata amri zangu, wala hawakuwa waangalifu kushika sheria zangu, ingawa mtu anayezitii anaishi kwa hizo sheria, nao wakazinajisi Sabato zangu. Hivyo nikasema ningemwaga ghadhabu yangu juu yao na kutimiza hasira yangu dhidi yao huko jangwani.
22 Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo.
Lakini nikauzuia mkono wangu na kwa ajili ya Jina langu nikafanya kile ambacho kingelifanya Jina langu lisitiwe unajisi machoni mwa mataifa ambao mbele yao nilikuwa nimewatoa Waisraeli.
23 Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi uye ndigovadzingira kune dzimwe nyika,
Tena kwa mkono ulioinuliwa nikawaapia huko jangwani kwamba ningewatawanya miongoni mwa mataifa na kuwatawanya katika nchi mbalimbali,
24 nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo.
kwa sababu hawakutii sheria zangu lakini walikuwa wamekataa amri zangu na kuzinajisi Sabato zangu, nayo macho yao yakatamani sanamu za baba zao.
25 Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo,
Pia niliwaacha wafuate amri ambazo hazikuwa nzuri na sheria ambazo mtu hawezi kuishi kwa hizo sheria.
26 ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’
Nikawaacha wanajisiwe kwa matoleo yao, kuwatoa wazaliwa wao wa kwanza kafara kwa sanamu, yaani, kule kuwapitisha wazaliwa wao wa kwanza kwenye moto, nipate kuwajaza na hofu ili wajue kwamba Mimi ndimi Bwana.’
27 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya:
“Kwa hiyo, mwanadamu, sema na watu wa Israeli na uwaambie, ‘Hili ndilo Bwana Mwenyezi asemalo: Katika hili pia, baba zenu walinikufuru kwa kuniacha mimi:
28 Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuhwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo.
Nilipowaleta katika nchi ile ambayo nilikuwa nimeapa kuwapa na kuona kilima chochote kirefu au mti wowote wenye majani mengi, huko walitoa dhabihu zao, wakatoa sadaka ambazo zilichochea hasira yangu, wakafukiza uvumba wenye harufu nzuri na kumimina sadaka zao za kinywaji.
29 Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.)
Ndipo nikawaambia: Ni nini maana yake hapa mahali pa juu pa kuabudia miungu mnapopaendea?’” (Basi jina la mahali pale panaitwa Bama hata hivi leo.)
30 “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza?
“Kwa hiyo iambie nyumba ya Israeli: ‘Hili ndilo Bwana Mwenyezi asemalo: Je, mtajinajisi kama vile baba zenu walivyofanya na kutamani vinyago vyao vya machukizo?
31 Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.
Mnapotoa matoleo yenu, yaani, wana wenu kafara katika moto, mnaendelea kujinajisi na sanamu zenu zote hadi siku hii ya leo. Je, niulizwe neno na ninyi, ee nyumba ya Israeli? Hakika kama niishivyo, asema Bwana Mwenyezi, mimi sitaulizwa neno na ninyi.
32 “‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki.
“‘Lile lililoko mioyoni mwenu kamwe halitatokea, mnaposema, “Tunataka tuwe kama mataifa mengine, kama watu wengine wa dunia, wanaotumikia miti na mawe.”
33 Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutongai nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
Hakika kama niishivyo asema Bwana Mwenyezi, nitatawala juu yenu kwa mkono wa nguvu na kwa mkono ulionyooshwa na kwa ghadhabu iliyomwagwa.
34 Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
Nitawatoa toka katika mataifa na kuwakusanya kutoka nchi mlikotawanywa, kwa mkono wa nguvu na kwa mkono ulionyooshwa na kwa ghadhabu iliyomwagwa.
35 Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso.
Nitawaleta katika jangwa la mataifa na huko nitatekeleza hukumu juu yenu uso kwa uso.
36 Sokutonga kwandakaita madzibaba enyu mugwenga renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Kama nilivyowahukumu baba zenu katika jangwa la nchi ya Misri, ndivyo nitakavyowahukumu ninyi, asema Bwana Mwenyezi.
37 Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano.
Nitawafanya mpite chini ya fimbo yangu, nami nitawaleta katika mkataba wa Agano.
38 Ndichakubvisa pakati penyu vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
Nitawaondoa miongoni mwenu wale wanaohalifu na wale wanaoasi dhidi yangu. Ingawa nitawatoa katika nchi wanazoishi, hawataingia katika nchi ya Israeli. Ndipo mtakapojua kuwa Mimi ndimi Bwana.
39 “‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwaizvozvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu.
“‘Kwa habari zenu ninyi, ee nyumba ya Israeli, hili ndilo Bwana Mwenyezi asemalo: Nendeni mkatumikie sanamu zenu, kila mmoja wenu! Lakini baadaye hakika mtanisikiliza mimi nanyi hamtalinajisi tena Jina langu takatifu, kwa matoleo yenu na sanamu zenu.
40 Nokuti pagomo rangu dzvene, iro gomo refu raIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munyika imomo imba yose yaIsraeri ichashumira ipapo, uye ndichavagamuchira ipapo. Ndipo pandichada zvipiriso zvenyu nezvipo zvenyu zvokuzvisarudzira pamwe chete nezvibayiro zvenyu zvitsvene.
Kwa kuwa katika mlima wangu mtakatifu, mlima mrefu wa Israeli, asema Bwana Mwenyezi, hapo katika nchi nyumba yote ya Israeli itanitumikia mimi, nami huko nitawakubali. Huko nitataka sadaka zenu na matoleo ya malimbuko yenu, pamoja na dhabihu zenu takatifu zote.
41 Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuhwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi.
Nitawakubali ninyi kama uvumba wenye harufu nzuri wakati nitakapowatoa katika mataifa na kuwakusanya kutoka nchi mlipokuwa mmetawanyika, nami nitajionyesha kuwa mtakatifu miongoni mwenu na machoni mwa mataifa.
42 Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakuisai munyika yeIsraeri, nyika yandakapikira kupa madzibaba enyu noruoko rwakasimudzwa.
Ndipo mtakapojua kuwa Mimi ndimi Bwana, nitakapowaleta katika nchi ya Israeli, nchi niliyokuwa nimeapa kwa mkono ulioinuliwa kuwapa baba zenu.
43 Mucharangarira mafambiro enyu ikoko nezviito zvose zvamakazvisvibisa nazvo uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvakaipa zvose zvamakaita.
Hapo ndipo nitakapokumbuka mwenendo wenu na matendo yenu yote ambayo kwayo mlijitia unajisi, nanyi mtajichukia wenyewe kwa ajili ya maovu yote mliyokuwa mmetenda.
44 Muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichakuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu kwete nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa nezvakaora zvamakaita imi imba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
Nanyi mtajua kuwa mimi ndimi Bwana, nitakaposhughulika nanyi kwa ajili ya Jina langu na wala si sawasawa na njia zenu mbaya na matendo yenu maovu, ee nyumba ya Israeli, asema Bwana Mwenyezi.’”
45 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Neno la Bwana likanijia kusema:
46 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi; uparidze pamusoro porutivi rwezasi uye uprofite pamusoro pesango renyika yezasi.
“Mwanadamu, uelekeze uso wako upande wa kusini, hubiri juu ya upande wa kusini na utoe unabii juu ya msitu wa Negebu.
47 Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
Waambie watu wa Negebu: ‘Sikieni neno la Bwana. Hili ndilo Bwana Mwenyezi asemalo: Ninakaribia kukutia moto, nao utateketeza miti yako yote, mibichi na iliyokauka. Miali ya moto haitaweza kuzimwa na kila uso kutoka kusini mpaka kaskazini utakaushwa kwa moto huo.
48 Mumwe nomumwe achaona kuti ini Jehovha ndini ndaubatidza; haungadzimwi.’”
Kila mmoja ataona kuwa mimi Bwana ndiye niliyeuwasha huo moto, nao hautazimwa.’”
49 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, ‘Ko, haasi kungotaura mifananidzo here?’”
Ndipo niliposema, “Aa, Bwana Mwenyezi! Wao hunisema, ‘Huyu si huzungumza mafumbo tu?’”