< Ezekieri 18 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
La palabra de Yahvé vino de nuevo a mí, diciendo:
2 “Munoreveiko vanhu imi zvamunodzokorora tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana akaita ugugu’?
“¿Qué quieres decir, que usas este proverbio sobre la tierra de Israel, diciendo, Los padres han comido uvas agrias, y los dientes de los niños se ponen de punta’?
3 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazodzokororizve tsumo iyi muIsraeri.
“Vivo yo — dice el Señor Yahvé — que no usaréis más este proverbio en Israel.
4 Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.
He aquí que todas las almas son mías; como el alma del padre, también el alma del hijo es mía. El alma que peca, morirá.
5 “Ngatiti pane munhu akarurama anoita zvinhu nokururamisira uye nokururama.
“Pero si un hombre es justo, y hace lo que es lícito y correcto,
6 Haadyiri pashongwe dzezvifananidzo mumakomo kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake, kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi.
y no ha comido en las montañas, no ha alzado sus ojos a los ídolos de la casa de Israel, no ha profanado a la mujer de su vecino, no se ha acercado a una mujer en su impureza,
7 Haamanikidzi mumwe munhu, asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti. Haaiti zvougororo, asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara uye anopfekedza vakashama.
y no ha perjudicado a ninguno, sino que ha devuelto al deudor su prenda, no ha tomado nada por robo, ha dado su pan a los hambrientos, y ha cubierto al desnudo con un manto;
8 Haarevi chimbadzo paanokweretesa kana kutora mhindu yakakurisa. Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa, uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu.
el que no les ha prestado con intereses, no ha tomado ningún aumento de ellos, que ha retirado su mano de la iniquidad, ha ejecutado la verdadera justicia entre el hombre y el hombre,
9 Anotevera mitemo yangu, uye akatendeka pakuchengeta mirayiro yangu. Munhu uyo akarurama; zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
ha caminado en mis estatutos, y ha guardado mis ordenanzas, para tratar de verdad; es justo, vivirá ciertamente”, dice el Señor Yahvé.
10 “Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi
“Si engendra un hijo que es un ladrón que derrama sangre, y que hace cualquiera de estas cosas,
11 (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo): “Anodya pashongwe dzezvifananidzo mumakomo. Anochinya mukadzi womuvakidzani wake.
o que no hace ninguna de esas cosas pero ha comido en los santuarios de la montaña y profanó a la mujer de su vecino,
12 Anomanikidza varombo navanoshayiwa. Anoita zvougororo. Haadzoreri zvaakakwereta. Anotarisira kuzvifananidzo. Anoita zvinonyangadza.
ha perjudicado a los pobres y necesitados, ha tomado por robo, no ha restaurado el compromiso, y ha levantado sus ojos hacia los ídolos, ha cometido una abominación,
13 Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.
ha prestado con interés, y ha tomado el aumento de los pobres, ¿vivirá entonces? No vivirá. Ha hecho todas estas abominaciones. Seguramente morirá. Su sangre estará sobre él.
14 “Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ane mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:
“Ahora bien, si el padre engendra un hijo que ve todos los pecados de su padre que ha hecho, y teme, y no hace lo mismo,
15 “Haadyi pashongwe dzamakomo kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.
que no ha comido en las montañas, no ha alzado sus ojos a los ídolos de la casa de Israel, no ha profanado a la mujer de su vecino,
16 Haamanikidzi munhu upi zvake kana kureva rubatso pachikwereti. Haaiti ugororo, asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara, uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.
no ha perjudicado a ninguno, no ha tomado nada para comprometerse, no ha tomado por robo, sino que ha dado su pan a los hambrientos, y ha cubierto al desnudo con un manto;
17 Anodzivisa ruoko rwake kutadza uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura. Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu. Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama.
que ha retirado su mano de los pobres, que no ha recibido interés o aumento, ha ejecutado mis ordenanzas, ha caminado en mis estatutos; no morirá por la iniquidad de su padre. Ciertamente vivirá.
18 Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba mununʼuna wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo.
En cuanto a su padre, porque oprimió cruelmente, robó a su hermano e hizo lo que no es bueno entre su pueblo, he aquí que morirá por su iniquidad.
19 “Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo.
“Sin embargo, ustedes dicen: ‘¿Por qué el hijo no carga con la iniquidad del padre? Cuando el hijo haya hecho lo que es lícito y correcto, y haya guardado todos mis estatutos y los haya cumplido, vivirá ciertamente.
20 Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa.
El alma que peca, morirá. El hijo no llevará la iniquidad del padre, ni el padre llevará la iniquidad del hijo. La justicia del justo recaerá sobre él, y la maldad del impío recaerá sobre él.
21 “Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu, akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo.
“Pero si el impío se aparta de todos sus pecados que ha cometido, y guarda todos mis estatutos, y hace lo que es lícito y correcto, ciertamente vivirá. No morirá.
22 Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama.
Ninguna de sus transgresiones que haya cometido será recordada contra él. En su justicia que ha hecho, vivirá.
23 Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame?
¿Acaso me agrada la muerte del impío?” dice el Señor Yahvé, “¿y no prefiero que se vuelva de su camino y viva?
24 “Asi kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita chivi uye akaitawo zvinonyangadza zvinoitwa nomunhu akaipa, angararama here? Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi. Nokuda kwemhosva yokusatendeuka kwaanako uye nokuda kwezvivi zvaakaita, iye achafa zvirokwazvo.
“Pero cuando el justo se aparta de su justicia y comete iniquidad, y hace conforme a todas las abominaciones que hace el impío, ¿habrá de vivir? Ninguna de sus obras justas que haya hecho será recordada. En su transgresión que ha cometido, y en su pecado que ha cometido, en ellos morirá.
25 “Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here?
“Sin embargo, ustedes dicen: ‘El camino del Señor no es igual’. Escuchad ahora, casa de Israel: ¿Acaso no es igual mi camino? ¿No son desiguales vuestros caminos?
26 Kana munhu akarurama akatsauka akaita chivi, achafa nokuda kwechivi chake; nokuda kwechivi chaakaita achafa.
Cuando el justo se aparta de su justicia y comete iniquidad, y muere en ella, entonces muere en su iniquidad que ha hecho.
27 Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake.
Asimismo, cuando el impío se aparta de su maldad que ha cometido, y hace lo que es lícito y justo, salvará su alma con vida.
28 Nokuti anorangarira kudarika kwake kwose kwaakaita uye anotendeuka kubva panzira dzake, zvirokwazvo achararama; haangafi.
Porque considera, y se aparta de todas sus transgresiones que ha cometido, ciertamente vivirá. No morirá.
29 Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here?
Pero la casa de Israel dice: “El camino del Señor no es justo”. Casa de Israel, ¿no son justos mis caminos? ¿No son justos tus caminos?
30 “Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirei pasi.
“Por eso os juzgaré, casa de Israel, a cada uno según sus caminos”, dice el Señor Yahvé. “Volved, y convertíos de todas vuestras transgresiones, para que la iniquidad no sea vuestra ruina.
31 Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri?
Echad de vosotros todas vuestras transgresiones en las que habéis incurrido; y haceos un corazón nuevo y un espíritu nuevo. ¿Por qué moriréis, casa de Israel?
32 Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!
Porque no me agrada la muerte del que muere, dice el Señor Yahvé. “¡Por tanto, convertíos y vivid!

< Ezekieri 18 >