< Ezekieri 18 >
1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Ilizwi likaThixo lafika kimi lisithi:
2 “Munoreveiko vanhu imi zvamunodzokorora tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana akaita ugugu’?
“Litshoni lina bantu nxa libetha isaga lesi ngelizwe lako-Israyeli lisithi: ‘Oyise badla amavini amunyu, amazinyo abantwana asetshelela’?
3 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazodzokororizve tsumo iyi muIsraeri.
Ngeqiniso elinjengoba ngikhona, kutsho uThixo Wobukhosi, kalisayikusitsho isaga lesi ko-Israyeli.
4 Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.
Ngoba yonke imphefumulo ephilayo ngeyami, uyise kanye lendodana, bobabili ngokufanayo ngabami. Umphefumulo owonayo yiwo ozakufa.
5 “Ngatiti pane munhu akarurama anoita zvinhu nokururamisira uye nokururama.
Kasithi kulomuntu olungileyo owenza okufaneleyo lokuqondileyo.
6 Haadyiri pashongwe dzezvifananidzo mumakomo kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake, kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi.
Kadleli ezindaweni zokukhonzela zasentabeni loba athembe izithombe zendlu ka-Israyeli. Kangcolisi umfazi kamakhelwane wakhe loba alale lowesifazane esemazibukweni.
7 Haamanikidzi mumwe munhu, asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti. Haaiti zvougororo, asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara uye anopfekedza vakashama.
Kancindezeli muntu kodwa uyabuyisela akuthathayo njengesibambiso sokwebolekwayo. Kabenzi ubuphangi kodwa unika abalambileyo ukudla kwakhe labanqunu abanike izigqoko.
8 Haarevi chimbadzo paanokweretesa kana kutora mhindu yakakurisa. Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa, uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu.
Kabolekisi ukuba athole inzuzo loba athathe inzuzo edlulisileyo. Uyasithinta isandla sakhe ekwenzeni okubi njalo ehlulele kuhle phakathi komuntu lomuntu.
9 Anotevera mitemo yangu, uye akatendeka pakuchengeta mirayiro yangu. Munhu uyo akarurama; zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Uyazilandela izimiso zami agcine lemithetho yami ngokuthembeka. Lowomuntu ulungile; ngempela uzaphila, kutsho uThixo Wobukhosi.
10 “Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi
Kasithi ulendodana elodlakela echitha igazi kumbe yenze loba yikuphi kwalezizinto
11 (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo): “Anodya pashongwe dzezvifananidzo mumakomo. Anochinya mukadzi womuvakidzani wake.
(lanxa uyise engenzanga lanye yazo): Idlela ezindaweni zokukhonzela ezisentabeni. Iyamngcolisa umfazi kamakhelwane wayo.
12 Anomanikidza varombo navanoshayiwa. Anoita zvougororo. Haadzoreri zvaakakwereta. Anotarisira kuzvifananidzo. Anoita zvinonyangadza.
Incindezela abayanga labaswelayo. Yenza ubuphangi. Kayibuyiseli eyakuthatha kuyisibambiso. Yethemba izithombe. Yenza izinto ezinengisayo.
13 Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.
Yebolekisa ukuba ithole inzuzo njalo ithatha inzuzo edlulisileyo. Umuntu onjalo uzaphila na? Kasoze aphile! Ngenxa yokuba enze zonke lezizinto ezinengisayo uzabulawa mpela legazi lakhe lizakuba phezu kwekhanda lakhe.
14 “Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ane mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:
Kodwa kasithi indodana le ilendodana ezibonayo zonke izono ezenziwa nguyise, kodwa lanxa izibona, yona kayizenzi izinto ezinje:
15 “Haadyi pashongwe dzamakomo kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.
Kayidleli ezindaweni zokukhonzela ezisentabeni, kumbe yethembe izithombe zendlu ka-Israyeli. Kayimngcolisi umfazi kamakhelwane wayo.
16 Haamanikidzi munhu upi zvake kana kureva rubatso pachikwereti. Haaiti ugororo, asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara, uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.
Kayincindezeli muntu kumbe ifune isibambiso ekwebolekiseni. Kayibenzi ubuphangi kodwa abalambileyo iyabapha ukudla kwayo inike labanqunu izigqoko.
17 Anodzivisa ruoko rwake kutadza uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura. Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu. Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama.
Iyasithinta isandla sayo ekoneni njalo kayithathi nzuzo loba inzuzo edlulisileyo. Iyagcina imilayo yami ilandele lezimiso zami. Kayiyikufela izono zikayise; izaphila impela.
18 Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba mununʼuna wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo.
Kodwa uyise uzafela izono zakhe yena ngokwakhe, ngoba wabamba ngamandla, waphanga umfowabo wenza okubi ebantwini bakibo.
19 “Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo.
Ikanti liyabuza lithi, ‘Kungani indodana ingabi lecala likayise na?’ Njengoba indodana yenze okufaneleyo lokuqondileyo njalo inaka ukugcina izimiso zami, izaphila impela.
20 Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa.
Umphefumulo owonayo yiwo ozakufa. Indodana kayiyikuba lecala likayise, loba uyise abe lecala lendodana. Ukulunga komuntu olungileyo kuzabalelwa kuye, lobubi bomubi buzamelana laye.
21 “Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu, akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo.
Kodwa nxa umuntu omubi ephenduka kuzozonke izono azenzayo njalo agcine izimiso zami zonke enze okufaneleyo lokuqondileyo, uzaphila impela, akayikufa.
22 Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama.
Akukho kona kwakhe okuzakhunjulwa. Ngenxa yezinto ezilungileyo azenzileyo uzaphila.
23 Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame?
Ngiyathokoza ngokufa komuntu omubi na? kutsho uThixo Wobukhosi. Esikhundleni salokho, kangithabi na nxa bephenduka ezindleleni zabo njalo baphile?
24 “Asi kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita chivi uye akaitawo zvinonyangadza zvinoitwa nomunhu akaipa, angararama here? Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi. Nokuda kwemhosva yokusatendeuka kwaanako uye nokuda kwezvivi zvaakaita, iye achafa zvirokwazvo.
Kodwa nxa umuntu olungileyo eguquka ekulungeni kwakhe enze izono njalo enze zona kanye izinto ezinengayo ezenziwa ngumuntu omubi, kambe uzaphila na? Akukho okwezinto ezilungileyo azenzayo okuzakhunjulwa. Ngenxa yecala lokungathembeki langenxa yezono azenzayo, uzakufa.
25 “Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here?
Kodwa lina lithi, ‘Indlela kaThixo kayilunganga.’ Zwana, wena ndlu ka-Israyeli: Indlela yami kayifanelanga na?
26 Kana munhu akarurama akatsauka akaita chivi, achafa nokuda kwechivi chake; nokuda kwechivi chaakaita achafa.
Nxa umuntu olungileyo eguquka ekulungeni kwakhe enze izono, uzakufela lokho; ngenxa yezono azenzileyo uzakufa.
27 Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake.
Kodwa nxa umuntu omubi ephenduka ebubini abenzileyo enze okufaneleyo lokuqondileyo, uzasilisa ukuphila kwakhe.
28 Nokuti anorangarira kudarika kwake kwose kwaakaita uye anotendeuka kubva panzira dzake, zvirokwazvo achararama; haangafi.
Ngoba ucabanga konke okubi akwenzayo aphenduke kukho, uzaphila impela; akayikufa.
29 Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here?
Ikanti indlu ka-Israyeli ithi, ‘Indlela kaThixo kayilunganga.’ Izindlela zami kazilunganga na, wena ndlu ka-Israyeli?
30 “Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirei pasi.
Ngakho-ke wena ndlu ka-Israyeli, lowo lalowo ngizamahlulela ngokumayelana lezindlela zakhe, kutsho uThixo Wobukhosi. Phendukani! Tshiyani ububi benu bonke; ngalokho isono kasiyikuba yikufa kwenu.
31 Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri?
Zikhululeni kukho konke okubi elikwenzileyo, lizuze inhliziyo entsha lomoya omutsha. Kungani na uzakufa, wena ndlu ka-Israyeli?
32 Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!
Ngoba angithokozi ngokufa loba ngokukabani, kutsho uThixo Wobukhosi. Phendukani liphile!”