< Ezekieri 16 >
1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Ilizwi leNkosi lafika kimi futhi lisithi:
2 “Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro
Ndodana yomuntu, yenza iJerusalema yazi amanyala ayo,
3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti.
uthi: Itsho njalo iNkosi uJehova kuyo iJerusalema: Ukudabuka kwakho lokuzalwa kwakho kungokwelizwe lamaKhanani; uyihlo wayengumAmori lonyoko umHethi.
4 Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka.
Mayelana lokuzalwa kwakho, ngosuku owazalwa ngalo inkaba yakho kayiqunywanga, njalo kawugeziswanga emanzini ukuthi uhlanjululwe, kawugcotshwanga ngetshwayi ngitsho, kawugoqelwanga ngamalembu ngitsho.
5 Hakuna munhu akakunzwira tsitsi kana kuva nengoni newe kuti akuitire chinhu chimwe chezvinhu izvi. Asi, wakarasirwa kusango, nokuti musi wawakaberekwa iwe wakashorwa.
Kakulalihlo elakuhawukelayo, ukuthi lenze yiloba yikuphi kwalezizinto kuwe, ukuthi likuhawukele. Kodwa waphoselwa ebusweni bendle, ekunengekeni kobuntu bakho, ngosuku owazalwa ngalo.
6 “‘Ipapo ndakapfuura napo ndikakuona uchipfakanyika uri muropa rako, uye pawakanga uvete ipapo uri muropa rako, ndakati kwauri, “Rarama!”
Kwathi ngisedlula kuwe ngikubona uqhatsha egazini lakho, ngathi kuwe usegazini lakho: Phila; yebo ngathi kuwe usegazini lakho: Phila.
7 Ndakakuita kuti ukure somuti wesango. Wakakura ukanyatsoumbika ukava ukomba hwakaisvonaka. Mazamu ako akakura nebvudzi rako rikakura, iyewe wakanga wakashama usina chinhu.
Ngikwenzile waba linani elikhulu, waba njengehlumela leganga, wanda, wakhula, wafika emicecisweni emihle; amabele akho abumbekile, lenwele zakho zakhula; kanti wawunqunu uze.
8 “‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu.
Kwathi ngisedlula kuwe ngakubona, khangela-ke, isikhathi sakho sasiyisikhathi sothando; ngasengisendlala umphetho wesembatho sami phezu kwakho, ngembesa ubunqunu bakho; yebo, ngafunga kuwe, ngangena esivumelwaneni lawe, itsho iNkosi uJehova, wasusiba ngowami.
9 “‘Ndakakushambidza nemvura uye ndikakugeza kubvisa ropa rako, ndokukuzodza mafuta.
Ngasengikugezisa ngamanzi, ngahlambulula igazi lakho elinengi kuwe, ngakugcoba ngamafutha.
10 Ndakakufukidza nezvakarukwa zvakanaka ndikakupfekedza shangu dzamatehwe.
Ngakugqokisa ilembu elifekethisiweyo, ngakufaka amanyathela ezikhumba zikamantswane, ngakubhincisa ilembu elicolekileyo kakhulu, ngakwembesa ngesilika.
11 Ndakakufukidza nomucheka wakaisvonaka ndikakufukidza mucheka uno murango unokosha. Ndakakushongedza noukomba: ndikaisa zvishongo zvomumaoko nouketani pamutsipa wako,
Ngakucecisa ngeziceciso, ngafaka amasongo ezandleni zakho, leketane entanyeni yakho.
12 uye ndakaisa mhete pamhuno yako, nemhete panzeve dzako uye nekorona yakanaka pamusoro wako.
Ngafaka isongo emakhaleni akho, lamacici ezindlebeni zakho, lomqhele omuhle ekhanda lakho.
13 Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi.
Ngokunjalo waceciswa ngegolide lesiliva, lesembatho sakho sasingeselembu elicolekileyo kakhulu, lesilika, lelembu elifekethisiweyo; wadla impuphu ecolekileyo, loluju, lamafutha; waba muhle kakhulukazi, waphumelela waba ngumbuso.
14 Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Lodumo lwakho lwaphumela ezizweni ngobuhle bakho, ngoba babuphelele ngenkazimulo yami, engayibeka phezu kwakho, itsho iNkosi uJehova.
15 “‘Asi iwe wakavimba norunako rwako ukashandisa mbiri yako kuti uve chifeve. Wakazadza munhu wose akapfuura napauri noufeve uye nokuda kworunako rwako ukava wake.
Kodwa wathembela ebuhleni bakho, wawula ngenxa yebizo lakho, wathululela ukuwula kwakho kuye wonke odlulayo, kwaba ngokwakhe.
16 Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa.
Wathatha ezembathweni zakho, wazenzela indawo eziphakemeyo ngemibala, wawulela phezu kwazo; izinto ezinje kaziyikuza, njalo kakuyikwenzeka.
17 Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo.
Wathatha futhi izitsha zakho ezinhle egolideni lami lesiliveni sami engangikunike khona, wazenzela izithombe zabesilisa, wawula lazo.
18 Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuhwira pamberi pazvo.
Wathatha izembatho zakho ezifekethisiweyo, wazisibekela; wabeka amafutha ami lempepha yami phambi kwazo.
19 Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuhwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Lokudla kwami engakunika khona, impuphu ecolekileyo lamafutha loluju engangikondla ngakho, wakubeka phambi kwazo kwaba liphunga elimnandi; kwaba njalo, itsho iNkosi uJehova.
20 “‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here?
Wasuthatha amadodana akho lamadodakazi akho, owawungizalele wona, wawahlabela zona ukuze adliwe. Ukuphinga kwakho kwakukuncinyane yini,
21 Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo.
ukuze ubulale abantwana bami, ubanikela ukuba ubadabuliseemlilweni kuzo?
22 Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako.
Lakuwo wonke amanyala akho lokuwula kwakho kawukhumbulanga insuku zobutsha bakho, lapho wawunqunu uze, uqhatsha egazini lakho.
23 “‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose,
Kwasekusithi emva kwayo yonke inkohlakalo yakho (maye, maye kuwe! itsho iNkosi uJehova),
24 wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha.
wazakhela idundulu, wazenzela indawo ephakemeyo kuso sonke isitalada.
25 Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kuna ani zvake aipfuura napauri.
Kuyo yonke inhloko yendlela wakhile indawo yakho ephakemeyo, wenza ubuhle bakho banengeka, wavulela bonke abedlulayo izinyawo zakho, wandisa ukuwula kwakho.
26 Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako.
Njalo waphinga labantwana bamaGibhithe, omakhelwane bakho, abakhulu ngenyama, wandisa ukuwula kwakho, ukuze ungithukuthelise.
27 Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako.
Ngakho, khangela, ngelulele isandla sami phezu kwakho, nganciphisa isabelo sakho esimisiweyo, ngakunikela entandweni yabakuzondayo, amadodakazi amaFilisti, alenhloni ngendlela yakho embi.
28 Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo.
Uwulile futhi labantwana bamaAsiriya ngoba ungasuthiseki; yebo, uwulile lawo, kube kanti kawusuthisekanga.
29 Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana.
Wandisa futhi ukuwula kwakho elizweni leKanani kuze kube seKhaladiya; kodwa langalokhu kawusuthisekanga.
30 “‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari.
Ibuthakathaka kangakanani inhliziyo yakho, itsho iNkosi uJehova, ekwenzeni kwakho zonke lezizinto, umsebenzi wowesifazana ophingayo, obusayo,
31 Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo.
ekwakheni kwakho idundulu lakho enhlokweni yayo yonke indlela, wenza indawo yakho ephakemeyo kuso sonke isitalada, kanti kawubanga njengewule ngoba wadelela iholo lewule.
32 “‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako!
Umfazi ofebayo, endaweni yendoda yakhe uthatha abemzini!
33 Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu.
Bapha isipho kuwo wonke amawule. Kodwa wena unika isipho sakho kuzo zonke izithandwa zakho, uzithenga ukuze zize kuwe enhlangothini zonke ngokuwula kwakho.
34 Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa.
Ngakho kuwe kulokuphambene labesifazana ekuwuleni kwakho, ngoba kakho olandela wena ukuyawula; lekunikeni kwakho iholo lewule, njalo unganikwanga iholo lewule, ngakho usube ngophambeneyo.
35 “‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha!
Ngakho, wena wule, zwana ilizwi leNkosi.
36 Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako,
Itsho njalo iNkosi uJehova: Ngoba ukuwula kwakho kuthululiwe, lobunqunu bakho bembulwa ngokuwula kwakho lezithandwa zakho, langazo zonke izithombe zezinengiso zakho, langegazi labantwana bakho owazinika bona.
37 Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose.
Ngakho, khangela, ngizaqoqa zonke izithandwa zakho obuthokoza lazo, lazo zonke obuzithanda kanye lazo zonke obuzizonda; ngiziqoqe zimelane lawe zivela enhlangothini zonke, ngembule ubunqunu bakho kuzo ukuze zibone bonke ubunqunu bakho.
38 Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu.
Njalo ngizakugweba ngezahlulelo zabesifazana abafebayo labachithi begazi, ngikuphe igazi lentukuthelo lobukhwele.
39 Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka vagokusiya usina kupfeka wakashama.
Ngizakunikela futhi esandleni sazo, ziwisele phansi idundulu lakho, zidilize indawo zakho eziphakemeyo, zikuhlubule izigqoko zakho, zithathe izinto zakho ezinhle, zikutshiye unqunu uze.
40 Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo.
Zikwenyuselele ixuku, zikukhande ngamatshe, zikugwaze ngezinkemba zazo.
41 Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako.
Zitshise izindlu zakho ngomlilo, zenze izahlulelo phezu kwakho phambi kwamehlo abesifazana abanengi. Njalo ngizakwenza uyekele ekubeni liwule, njalo kawusayikupha iholo lewule futhi.
42 Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve.
Ngokunjalo ngizakwenza ukukuthukuthelela kwami kuphumule, lobukhwele bami busuke kuwe; njalo ngizathula, ngingabe ngisathukuthela.
43 “‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here?
Ngenxa yokuthi ungakhumbulanga insuku zobutsha bakho, kodwa ungithukuthelisile ngazo zonke lezizinto, khangela, mina-ke ngizakwehlisela futhi indlela yakho phezu kwekhanda lakho, itsho iNkosi uJehova. Njalo kawuyikwenza lobububi phezu kwazo zonke izinengiso zakho.
44 “‘Munhu wose achataura tsumo achareva tsumo iyi pamusoro pako: “Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana.”
Khangela, wonke osebenzisa izaga uzasebenzisa isaga ngawe esithi: Njengonina injalo indodakazi yakhe.
45 Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, vakashora murume wavo navana vavo; uye uri mununʼuna chaiye wamadzikoma ako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori.
Wena uyindodakazi kanyoko, owayesenyanya indoda yakhe labantwana bakhe; lawe ungudade wabodadewenu, ababesenyanya amadoda abo labantwana babo; unyoko wayengumHethi loyihlo umAmori.
46 Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye mununʼuna wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu.
Lodadewenu omdala yiSamariya, yena lamadodakazi akhe abahlala ngakwesokhohlo sakho; lodadewenu omncane kuwe, ohlala ngakwesokunene sakho, yiSodoma lamadodakazi ayo.
47 Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo.
Kanti kawuhambanga ngezindlela zabo, wenze njengokwezinengiso zabo; kwakunjengento encinyane enengekayo; kodwa wonakala kulabo kuzo zonke izindlela zakho.
48 Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, mununʼuna wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako.
Kuphila kwami, itsho iNkosi uJehova, isibili iSodoma udadewenu kayenzanga, yona lamadodakazi ayo, njengokwenza kwakho, wena lamadodakazi akho.
49 “‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomununʼuna wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa.
Khangela, lesi sasiyisiphambeko seSodoma udadewenu: Ukuzigqaja, ukusutha isinkwa, lokuchelesa okulokuthula kwakukuyo lakumadodana ayo, kodwa kaqinisanga isandla sabayanga labaswelayo.
50 Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona.
Babeziphakamisa, benza isinengiso phambi kwami; ngakho ngabasusa njengokubona kwami.
51 Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanunʼuna vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe.
Futhi iSamariya kayonanga ngengxenye yezono zakho; kodwa wena wandisile izinengiso zakho kulabo, walungisisa odadewenu ngezinengiso zakho zonke ozenzileyo.
52 Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira mununʼuna wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti mununʼuna wako ave akarurama.
Lawe, thwala ihlazo lakho, wena owahlulele odadewenu, ngezono zakho ozenzileyo ngokunengeka okwedlula bona; balungile kulawe. Ngakho lawe woba lenhloni, uthwale ihlazo lakho, ngoba ubalungisisile odadewenu.
53 “‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo,
Lapho ngizabuyisa abathunjiweyo babo, abathunjwa beSodoma lamadodakazi ayo, labathunjwa beSamariya lamadodakazi ayo, khona ngizabuyisa ukuthunjwa kwabathunjwa bakho phakathi kwabo.
54 kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza.
Ukuze uthwale ihlazo lakho, ube lenhloni ngakho konke okwenzileyo ekubaduduzeni kwakho.
55 Uye vanunʼuna vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana vake, uye iwe navanasikana vako muchadzokera pane zvavaiva kare.
Lapho odadewenu iSodoma lamadodakazi ayo bezabuyela esimeni sabo sakuqala, leSamariya lamadodakazi ayo babuyele esimeni sabo sakuqala, lawe lamadodakazi akho lizabuyela esimeni senu sakuqala.
56 Haungazomborevi nezvomununʼuna wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako,
Ngoba iSodoma udadewenu kayibanga semlonyeni wakho njengombiko ngosuku lokuzigqaja kwakho,
57 kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora.
bungakembulwa ububi bakho, ngesikhathi sehlazo lamadodakazi eSiriya, labo bonke abayizingelezeleyo, amadodakazi amaFilisti, abakweyisayo inhlangothi zonke.
58 Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Wena uthwele amacebo akho amabi lezinengiso zakho, itsho iNkosi.
59 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu.
Ngoba itsho njalo iNkosi uJehova: Ngizakwenza lakuwe njengokwenza kwakho, odelela isifungo ngokwephula isivumelwano.
60 Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe.
Kube kanti mina ngizakhumbula isivumelwano sami lawe ensukwini zobutsha bakho, ngimise lawe isivumelwano esilaphakade.
61 Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanunʼuna vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe.
Khona uzakhumbula izindlela zakho, ube lenhloni, lapho usemukela odadewenu, omdala kuwe lomncinyane kuwe; ngoba ngizakunika bona babe ngamadodakazi, kodwa kungabi ngesivumelwano sakho.
62 Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.
Njalo mina ngizamisa isivumelwano sami lawe, uzakwazi-ke ukuthi ngiyiNkosi.
63 Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ugozorega kushamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
Ukuze ukhumbule, ube lenhloni, ungabe usavula umlomo wakho ngenxa yehlazo lakho, lapho sengikwenzele inhlawulo yokuthula ngakho konke okwenzileyo, itsho iNkosi uJehova.