< Ezekieri 14 >

1 Vamwe vavakuru veIsraeri vakauya kwandiri vakagara pasi pamberi pangu.
ここにイスラエルの長老のうちのある人々が、わたしの所に来て、わたしの前に座した。
2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
時に主の言葉が、わたしに臨んだ、
3 “Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here?
「人の子よ、これらの人々は、その偶像を心の中に持ち、罪に落しいれるところのつまずきを、その顔の前に置いている。わたしはどうして彼らの願いをいれることができようか。
4 Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru.
それゆえ彼らに告げて言え、主なる神は、こう言われる、イスラエルの家の人々で、その偶像を心の中に持ち、その顔の前に罪に落しいれるところのつまずくものを置きながら、預言者のもとに来る者には、その多くの偶像のゆえに、主なるわたしは、みずからこれに答をする。
5 Ndichaita izvi kuti ndibatezve mwoyo yavanhu veIsraeri, ivo vakandisiya vose kuti vatevere zvifananidzo zvavo.’
これはその偶像のために、すべてわたしを離れたイスラエルの家の心を、わたしが捕えるためである。
6 “Naizvozvo uti kuimba yeIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Tendeukai! Dzokai mufuratire zvifananidzo zvenyu musiye mabasa enyu ose anonyangadza!
それゆえイスラエルの家に言え、主なる神はこう言われる、あなたがたは悔いて、あなたがたの偶像を捨てよ。あなたがたの顔を、そのすべての憎むべきものからそむけよ。
7 “‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu.
イスラエルの家の者およびイスラエルに宿る外国人のだれでも、わたしから離れ、その心に偶像を持ち、その顔の前に罪に落しいれるところのつまずきを置きながら、預言者に来て、心のままにわたしに求めるときは、主であるわたしは、みずからこれに答をする。
8 Ndicharinzira chiso changu pamusoro pomunhu uyo kuti ndimurwise uye ndichamuita muenzaniso netsumo. Ndichamubvisa pakati pavanhu vangu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
わたしはわたしの顔を、その人に向け、彼を、しるし、およびことわざとなし、これをわが民のうちから断ち滅ぼす。その時、あなたがたはわたしが主であることを知るようになる。
9 “‘Uye kana muprofita akanyengerwa kuti ataure chiprofita, ini Jehovha ndini ndamunyengera, uye ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pake ndigomuparadza pakati pavanhu veIsraeri.
もし預言者が欺かれて言葉を出すことがあれば、それは主であるわたしが、その預言者を欺いたのである。わたしは手を彼の上に伸べ、わが民イスラエルのうちから彼を滅ぼす。
10 Vachatakura mhosva yavo ivo, muprofita achava nemhosva zvakangoenzana naiye auya kuzomubvunza.
彼らはその罰を負う。その預言者の罰は、問い求める者の罰と同様である。
11 Ipapo vanhu veIsraeri havangazotsaukizve vachibva kwandiri kana kuzvisvibisazve nezvivi zvavo zvose. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
これはイスラエルの家が、重ねてわたしを離れて迷わず、重ねてそのもろもろのとがによって、おのれを汚さないため、また彼らがわが民となり、わたしが彼らの神となるためであると、主なる神は言われる」。
12 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
主の言葉が、またわたしに臨んだ、
13 “Mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokusatendeka kwayo uye ini ndikatambanudza ruoko rwangu pamusoro payo kuti ndiparadze kugoverwa kwayo zvokudya nokutumira nzara pamusoro payo nokuuraya vanhu vayo nezvipfuwo zvayo,
「人の子よ、もし国がわたしに、もとりそむいて罪を犯し、わたしがその上に手を伸べて、そのつえとたのむパンを砕き、これにききんを送り、人と獣とをそのうちから断つ時、
14 kunyange dai varume vatatu ava, Noa, Dhanieri naJobho, vaiva mairi vaingogona kuzviponesa ivo pachavo nokuda kwokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
たといそこにノア、ダニエル、ヨブの三人がいても、彼らはその義によって、ただ自分の命を救いうるのみであると、主なる神は言われる。
15 “Kana dai ndikatumira zvikara munyika imomo, izvo zvikaisiya isina kana mwana uye ikazoparadzwa zvokuti pashayikwe anopfuura nomo nokuda kwezvikara,
もしわたしが野の獣にこの地を通らせ、これを荒させ、これを荒れ地となし、その獣のためにそこを通る者がないようにしたなら、
16 zvirokwazvo, noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume vatatu ava vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo chete ndivo vaingopona, asi nyika yaizoparadzwa.
主なる神は言われる、わたしは生きている、たといこれら三人の者がその中にいても、そのむすこ娘を救うことはできない。ただ自分自身を救いうるのみで、その地は荒れ地となる。
17 “Kana dai ndaiuyisa munondo kuzorwisa nyika iyo ndikati, ‘Munondo ngaupfuure nomunyika yose,’ uye ndikauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo,
あるいは、わたしがもし、つるぎをその地に臨ませ、つるぎよ、この地を行きめぐれと言って、人と獣とをそこから断つならば、
18 zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume ava vatatu vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo voga ndivo vaizoponeswa.
主なる神は言われる、わたしは生きている、たといこれら三人の者がその中にいても、そのむすこ娘を救うことはできない。ただ自分自身を救いうるのみである。
19 “Kana dai ndikatuma denda munyika ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo nokuteura ropa, ndichauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo,
あるいは、わたしがもし、この地に疫病を送り、血をもってわが憤りをその上に注ぎ、人と獣とをそこから断つならば、
20 zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai Noa, naDhanieri naJobho vaivamo, havaigona kuponesa mwanakomana kana mwanasikana. Vaingozviponesa ivo chete nokuda kwokururama kwavo.
主なる神は言われる、わたしは生きている、たといノア、ダニエル、ヨブがそこにいても、彼らはそのむすこ娘を救うことができない。ただその義によって自分の命を救いうるのみである。
21 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Zvichaipisisa sei kana ndikatuma pamusoro peJerusarema zvinotyisa zvina zvandakatonga, zvinoti munondo, nzara, zvikara nedenda, kuzouraya vanhu varo nezvipfuwo zvaro!
主なる神はこう言われる、わたしが人と獣とを地から断つために、つるぎと、ききんと、悪しき獣と、疫病との四つのきびしい罰をエルサレムに送る時はどうであろうか。
22 Kunyange zvakadaro hazvo pachava navanosara, vanakomana navanasikana vachabudiswa mairi. Vachauya kwamuri, uye pamunoona tsika dzavo namabasa avo, muchanyaradzwa pamusoro penjodzi yandakauyisa pamusoro peJerusarema, njodzi dzose dzandakauyisa pairi.
しかし、もしそれがあなたがたに来るとき、むすこ娘たちを助け出す者が、その中に残っていて、あなたがたがその行いと、わざとを見るならば、わたしがエルサレムの上に与えたすべての災について慰められるであろう。
23 Muchanyaradzwa pamunoona tsika dzavo namabasa avo, nokuti muchaziva kuti hapana chandakaita mariri pasina chikonzero, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
すなわち、あなたがたが、その行いと、わざとを見る時、彼らはあなたがたを慰め、あなたがたはわたしがこれに行った事は、すべてゆえなくしたのではないことを知るようになると、主なる神は言われる」。

< Ezekieri 14 >