< Ezekieri 13 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
And the word of Jehovah came to me, saying:
2 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofitirai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha!
Son of man, prophesy against the prophets of Israel that prophesy, and say to them that prophesy out of their own hearts, Hear ye the word of Jehovah!
3 Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona!
Thus saith the Lord Jehovah: Woe to the foolish prophets, that follow their own spirit, and have seen nothing!
4 Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo.
Thy prophets, O Israel, are like the foxes in the deserts.
5 Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha.
Ye have not gone up into the breaches, nor built a wall around the house of Israel, to stand in battle in the day of Jehovah.
6 Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike.
They see falsehood, and lying divination. They say, “Jehovah hath spoken,” when Jehovah hath not sent them; and they cause men to hope for the fulfilment of the word.
7 Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura?
Have ye not seen a false vision, and have ye not spoken a lying divination, and said, “Jehovah hath spoken,” when I have not spoken?
8 “‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Therefore thus saith the Lord Jehovah: Because ye have spoken falsehood and have seen a lie, therefore, behold, I am against you, saith the Lord Jehovah.
9 Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema uye vanotaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
My hand shall be against the prophets that see falsehood and divine lies. They shall not be in the assembly of my people, neither shall they be written in the register of the house of Israel, neither shall they enter into the land of Israel: and ye shall know that I am the Lord Jehovah.
10 “‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena.
Because, yea, because they seduce my people, and say, “Peace!” when there is no peace; and one buildeth up a wall, and, behold, they daub it with untempered mortar;
11 Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta.
say to them which daub it with untempered mortar, that it shall fall; there shall be an overflowing shower, and ye, O great hailstones, shall fall, and a stormy wind shall rend it.
12 Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?”
So when the wall is fallen, shall not men say to you, “Where is the daubing wherewith ye have daubed it?”
13 “‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa.
Therefore thus saith the Lord Jehovah: I will even rend it with a stormy wind in my fury, and there shall be an overflowing shower in mine anger, and great hailstones in my fury to consume it.
14 Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
Thus I will break down the wall which ye have daubed with untempered mortar, and will bring it down to the ground, so that the foundation thereof shall be discovered; it shall fall, and ye shall be consumed in the midst thereof, that ye may know that I am Jehovah.
15 Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena,
Thus will I accomplish my fury upon the wall, and upon them that daubed it with untempered mortar; and I will say to you, The wall is no more, nor they that daubed it;
16 vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”’
even the prophets of Israel, who prophesy concerning Jerusalem, and see visions of peace for her when there is no peace, saith the Lord Jehovah.
17 “Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo,
Likewise, son of man, set thou thy face against the daughters of thy people, who prophesy out of their own heart; and prophesy thou against them.
18 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here?
And say, Thus saith the Lord Jehovah: Woe to the women that sew cushions for all elbows, and make pillows for heads of every stature, to ensnare men to destruction! Will ye hunt the lives of my people, and shall ye save your own?
19 Makandisvibisa pakati pavanhu vangu nokuda kwezviyero zvishoma zvebhari namafufu echingwa. Pamakareva nhema kuvanhu vangu, vanoteerera nhema, makauraya vaya vakanga vasingafaniri kufa, mukasiya vakanga vasingafaniri kurarama.
And will ye pollute me among my people for handfuls of barley, and for pieces of bread, slaying them that should not die, and saving them alive that should not live, by lying to my people, who hearken to your lies?
20 “‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri.
Therefore thus saith the Lord Jehovah: Behold, I will set myself against the cushions with which ye ensnare men to destruction, so that they shall escape you; and I will tear them from your arms, and make them free whom ye would ensnare, so that they shall escape you.
21 Ndichabvarura mavhoiri enyu ndigoponesa vanhu vangu pamaoko enyu, uye havachazovi nyama mumaoko enyu, uye havachazobatwizve nesimba renyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
Your pillows also will I tear, and deliver my people out of your hand, and they shall no more be in your hand to be ensnared, and ye shall know that I am Jehovah.
22 Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo,
Because with lies ye have made sad the heart of the righteous, whom I have not made sad, and have strengthened the hands of the wicked, that he should not return from his wicked way, by promising him life;
23 naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’”
therefore shall ye no more see falsehood, nor divine divinations; but I will deliver my people out of your hand, and ye shall know that I am Jehovah.

< Ezekieri 13 >