< Ezekieri 10 >
1 Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi.
As I looked toward the dome that was over the heads of the cherubim; something appeared above them like a sapphire with the appearance of the likeness of a throne.
2 Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, “Enda pakati pamavhiri ari munyasi mamakerubhi. Uzadze maoko ako namazimbe anopisa anobva pamakerubhi ugoaparadzira pamusoro peguta.” Iye akapinda ini ndakatarira.
Then Yahweh spoke to the man dressed in linen and said, “Go between the wheels underneath the cherubim, and fill both your hands with fiery coals from between the cherubim and scatter them over the city.” Then the man went in as I watched.
3 Zvino makerubhi akanga akamira parutivi rwezasi kwetemberi murume paakapinda, uye gore rakazadza ruvazhe rwomukati.
The cherubim stood on the right side of the house when the man went in, and a cloud filled the inner courtyard.
4 Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakakwira pamusoro pamakerubhi kukaswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Gore rakazadza temberi, uye ruvazhe rukazadzwa nokupenya kwokubwinya kwaJehovha.
The glory of Yahweh rose up from the cherubim and stood over the threshold of the house. It filled the house with the cloud, and the courtyard was full of the brightness of Yahweh's glory.
5 Mubvumo wamapapiro amakerubhi wainzwika kusvikira kuruvazhe rwokunze, senzwi raMwari Wamasimba Ose kana achitaura.
The sound of the cherubim's wings was heard as far as the outer courtyard, like the voice of God Almighty when he speaks.
6 Jehovha akati arayira murume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, achiti, “Tora moto pakati pamavhiri, kubva pamakerubhi,” murume akapinda mukati akamira parutivi rwevhiri.
It came about, when God commanded the man dressed in linen and said, “Take fire from between the wheels that are between the cherubim,” the man went in and stood beside a wheel.
7 Ipapo rimwe ramakerubhi rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto wakanga uri pakati pawo. Akatora mumwe moto ndokuuisa mumaoko omurume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, iye ndokuutora ndokuenda nawo panze.
A cherub reached out his hand between the cherubim to the fire that was among the cherubim, and lifted it up and placed it into the hands of the one dressed in linen. The man took it and went back out.
8 (Pasi pamapapiro amakerubhi paionekwa chinhu chainge maoko omunhu.)
I saw on the cherubim something like a man's hand under their wings.
9 Ndakatarisa, ndikaona parutivi rwamakerubhi mavhiri mana, rimwe vhiri parutivi rwekerubhi rimwe nerimwe, mavhiri acho aivaima kunge ibwe rekrisorite.
So I looked, and behold! Four wheels were beside the cherubim—one wheel beside each cherub—and the appearance of the wheels was like a beryl stone.
10 Pakuonekwa kwawo, mana acho akanga akafanana; rimwe nerimwe rakanga rakaita sevhiri riri mukati merimwe vhiri.
Their appearance was the same likeness for all four of them, like a wheel intersecting another wheel.
11 Paaifamba aigona kuenda neimwe yenzira ina kwakanga kwakatarisa makerubhi; mavhiri haana kutsauka pakufamba kwaiita makerubhi. Makerubhi akaenda munzira ipi zvayo kwakanga kwakatarira musoro, asingatsauki pakufamba kwawo.
When they moved, they went in any of their four directions, without turning as they went; but whatever direction the head faced, they followed after it without turning as they went.
12 Miviri yawo yose, pamwe chete nemisana yawo, maoko awo namapapiro awo, zvakanga zvakazara nameso, zvakanga zvakadarowo namavhiri awo ari mana.
Their whole body—including their backs, their hands, and their wings—was covered with eyes, and eyes covered the four wheels all around also.
13 Ndakanzwa mavhiri achitumidzwa zita rokuti “mavhiri okumonereka.”
As I listened, the wheels were called, “Whirling.”
14 Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina: Chimwe chiso chakanga chiri chekerubhi, chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chiso chechitatu chakanga chiri cheshumba, chiso chechina chakanga chiri chegondo.
They had four faces each; the first face was the face of a cherub, the second face was the face of a man, the third the face of a lion, and the fourth the face of an eagle.
15 Ipapo makerubhi akabhururuka achikwira kumusoro. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakaona ndiri paRwizi rweKebhari.
Then the cherubim—these were the living creatures that I had seen by the Kebar Canal—rose up.
16 Makerubhi aiti ofamba, mavhiri aiva parutivi rwawo ofambawo; makerubhi aiti akatambanudza mapapiro awo kuti abhururuke kubva pasi, mavhiri akanga asingabvi parutivi rwawo.
Whenever the cherubim moved, the wheels would go beside them, and whenever the cherubim lifted up their wings to rise up from the earth, the wheels did not turn. They still stayed beside them.
17 Kana makerubhi akamira, iwo aimirawo; uye makerubhi akabhururuka, iwo aisimuka pamwe chete nawo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri maari.
When the cherubim stood still, the wheels stood still, and when they rose up, the wheels rose up with them, for the spirit of the living creature was in the wheels.
18 Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabva pamusoro pechikumbaridzo chetemberi kukamira pamusoro pamakerubhi.
Then the glory of Yahweh went out from over the threshold of the house and stood over the cherubim.
19 Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.
The cherubim lifted up their wings and rose from the earth in my sight when they went out, and the wheels did the same beside them. They stood at the eastern entrance to Yahweh's house, and the glory of the God of Israel came upon them from above.
20 Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakanga ndaona pasi paMwari waIsraeri paRwizi rweKebhari, uye ndikaziva kuti akanga ari makerubhi.
These were the living creatures that I had seen below the God of Israel by the Kebar Canal, so I knew that they were cherubim!
21 Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina namapapiro mana, uye pasi pamapapiro awo pakanga pane zvairatidzika samaoko omunhu.
They had four faces each and four wings each, and the likeness of human hands under their wings,
22 Zviso zvawo zvakanga zvichiratidzika sezviya zvandakanga ndamboona paRwizi rweKebhari. Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.
and the likeness of their faces was like the faces that I had seen in the vision at the Kebar Canal, and each of them went straight ahead.