< Ekisodho 1 >
1 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake:
Ово су имена синова Израиљевих који дођоше у Мисир, дођоше с Јаковом, сваки са својом породицом:
2 Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha;
Рувим, Симеун, Левије и Јуда,
3 Isakari, Zebhuruni naBhenjamini;
Исахар, Завулон и Венијамин,
4 Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri.
Дан и Нефталим, Гад и Асир.
5 Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti.
А свега беше их од бедара Јаковљевих седамдесет душа с Јосифом, који беше у Мисиру.
6 Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa,
А Јосиф умре и сва браћа његова и сав онај нараштај.
7 asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo.
И синови Израиљеви народише се и умножише се, и напредоваше и осилише веома, да их се земља напуни.
8 Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti.
Тада наста нов цар у Мисиру, који не знаше за Јосифа;
9 Akati kuvanhu vake, “Tarirai, vaIsraeri vanyanya kuwanda kwazvo.
И рече народу свом: Гле, народ синова Израиљевих већи је и силнији од нас.
10 Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu vakazobva munyika.”
Него хајде мудро да поступамо с њима, да се не множе, и кад настане рат да не пристану с непријатељима нашим и не ударе на нас и не оду из земље.
11 Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro.
И поставише над њима настојнике да их муче тешким пословима; и грађаше народ Израиљев Фараону градове Питом и Рамесу.
12 Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri
Али што га више мучаху то се више множаше и напредоваше, да се грожаху од синова Израиљевих.
13 uye vakavashandisa zvino utsinye.
И жестоко нагоњаху Мисирци синове Израиљеве на послове,
14 Vakashungurudza upenyu hwavo nebasa rakaoma rezvidhina nedhaka uye nemhando dzose dzebasa romuminda; vaIjipita vakavashandisa noutsinye mubasa rakaoma.
И загорчаваху им живот тешким пословима, блатом и опекама и сваким радом у пољу, и сваким другим послом, на који их жестоко нагоњаху.
15 Mambo weIjipiti akati kuna vananyamukuta vechiHebheru vainzi Shifura naPua,
И још заповеди цар мисирски бабицама јеврејским, од којих једној беше име Сефора, а другој Фува,
16 “Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru pakusununguka uye mukavacherechedza vachisununguka, kana ari mukomana, mumuuraye; kana ari musikana murege ari mupenyu.”
И рече: Кад бабичите Јеврејке, и у порођају видите да је мушко, убијте га, а кад буде женско, нек остане живо.
17 Asi, vananyamukuta vakanga vachitya Mwari, uye havana kuita zvavakanga varayirwa namambo weIjipiti kuti vaite; vakarega vanakomana vari vapenyu.
Али се бабице бојаху Бога, и не чињаху како им рече цар мисирски, него остављаху децу у животу.
18 Ipapo mambo weIjipiti akadana vananyamukuta akavabvunza achiti, “Seiko maita izvi? Seiko marega vana vechikomana vari vapenyu?”
А цар мисирски дозва бабице, и рече им: Зашто то чините, те остављате у животу мушку децу?
19 Vananyamukuta vakapindura Faro vachiti, “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana navakadzi veIjipiti; vane simba uye vanosununguka vananyamukuta vasati vasvika.”
А бабице рекоше Фараону: Јеврејке нису као жене Мисирке; јаче су; док им дође бабица, оне већ роде.
20 Saka Mwari akaitira vananyamukuta zvakanaka uye vanhu vakawedzerwa vakava vazhinji kwazvo.
И Бог учини добро бабицама; и народ се умножи и осили веома;
21 Uye nokuda kwokuti vananyamukuta vaitya Mwari, iye akavapa mhuri dzavo pachavo.
И што се бабице бојаху Бога, начини им куће.
22 Ipapo Faro akarayira vanhu vose kuti, “Vanakomana vose vanoberekwa munofanira kuvakanda murwizi Nairi, asi murege vanasikana vose vari vapenyu.”
Тада заповеди Фараон свему народу свом говорећи: Сваког сина који се роди баците у воду, а кћери све остављајте у животу.