< Ekisodho 9 >

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
Kisha Yahweh akamwambia Musa, Nenda kwa Farao na umwambie, 'Yahweh, Mungu wa Waebrania, anasema hivi: “Acha watu wangu waende ili wakaniabudu mimi.”
2 Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa,
Lakini ukikataa kuwaruhusu waende, kama utaendelea kuwa bakiza nyuma,
3 ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi.
basi mkono wa Yahweh utakuwa kinyume dhidi ya mifugo yako shambani na kwa farasi, punda, ngamia, ng'ombe na kondoo, naitasababisha ugonjwa mbaya sana.
4 Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’”
Yahweh ata tendea tofauti mifugo ya Israeli na mifugo Misri: Haukuna mnyama wa Waisraeli ataye kufa.
5 Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.”
Yahweh ametenga muda; amesema, “Ni kesho ambapo nitafanya ilitukio katika nchi."”'
6 Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa.
Yahweh akafanya hivi siku iliyofuata: mifugo yote ya Misri ikafa. Lakini hamna mnyama wa Waisraeli aliye kufa, hamna mnyama ata mmoja.
7 Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu saka haana kutendera vanhu kuenda.
Farao akafanya utafiti, na tazama, hakuna mnyama ata mmoja aliye kufa. Lakini moyo wake ulikuwa mjeuri, hivyo hakuwaacha watu waende.
8 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro.
Kisha Yahweh akawambia Musa na Aruni, “Chukuwa majivu na uyajaze mkononi kutoka kwenye tanuru. Wewe, Musa, lazima uyarushe juu wakati Farao akitazama.
9 Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.”
Yatakuwa vumbi safi nchi nzima ya Misri. Yatasababisha majipu na mafua kulipuka kwa watu na wanyama katika nchi yote ya Msri.”
10 Saka vakatora madota pachoto vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo.
Hivyo Musa na Aruni wakachukuwa majivu kutoka kwenye tanuru na kusimama mbele ya Farao. KIsha Musa akarusha majivu juu. Majivu yakasababisha majipu na mafua kutokea kwa watu na wanyama.
11 Nʼanga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose.
Waganga hawakuweza kumzuia Musa kwasababu ya majipu, kwasababu majipu yalikuwa kwao na kwa Wamisri wote.
12 Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kuteerera kuna Mozisi naAroni, zvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi.
Yahweh akaufanya moyo wa Farao kuwa mgumu, Farao hakuwasikiliza Musa na Aruni. Hili ndilo Yahweh alilo mwambia Musa Farao atalo fanya.
13 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata,
Kisha Yahweh akamwambia Musa, Amka asubui mapema, simama mbele ya Farao, na umwambie, 'Yahweh, Mungu wa Waebrania, anasema hivi: Acha watu wangu waende ili wakaniabudu mimi.
14 kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye napamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose.
Kwa muda huu nitatuma mapigo kwako wewe, kwa watumishi wako na watu wako. Nitafanya hivi ili ujue hakuna kama mimi kwenye dunia yote.
15 Nokuti iye zvino ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yaigona kukuparadzai panyika.
Mpaka sasa ningeweza kuunyosha mkono wangu na kukushambulia wewe na watu wako kwa ugonjwa, na ungeondelewa kwenye nchi.
16 Asi ndakakumutsa nokuda kwechinangwa ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riparidzwe munyika yose.
Lakini ni kwa sababu hii nimekuruhusu uishi: ili kukuonyesha nguvu zangu, ili kwamba jina langu litangazwe dunia nzima.
17 Iwe wakazvigadzirira kurwa navanhu vangu uye haudi kuvatendera kuti vaende.
Bado unajiinua dhidi ya watu wangu kwa kuwaacha wasiende.
18 Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino.
Sikiliza! Kesho muda kama huu nita leta mvua ya mawe ya barafu kubwa, kama ambayo haijawai kuonekana Misri toka ilipo anza hadi sasa.
19 Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa zvichiri musango, uye zvichafa.’”
Kisha sasa, tuma wanaume na ukusanye mifugo yako na vitu vyote ulivyo navyo mashambani sehemu salama. Kila mtu na mnyama aliyeko shambani na hajaletwa nyumbani - mawe ya barufu yatawashukia, na watakufa."”'
20 Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati.
Kisha hao wa watumishi wa Farao walio amini ujumbe wa Yahweh waka harakisha kuleta watumwa na mifugo yao ndani ya nyumba zao.
21 Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango.
Lakini hao ambao hawa kuchukuwa ujumbe wa Yahweh maanani waliacha watumwa wao na mifugo shambani.
22 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.”
Kisha Yahweh akamwambia Musa, “Nyoosha mkono wako kuelekea mbingu ili kuwe na mawe ya barafu katika nchi yote ya Misri, kwa watu, kwa wanyama, na kwenye mimea yote shambani na nchi nzima ya Misri.”
23 Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, uye mheni yakapenya yakananga pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti;
Musa akanyoosha mkono na gongo lake kuelekea mbiguni, na Yahweh akatuma mngurumo, mawe ya barafu, na radi kwenye nchi. Pia alinyesha mvua kwenye nchi ya Misri.
24 chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi.
Hivyo kulikuwa na radi iliyo changanyika na mawe ya barafu, ilikuwa hatari sana, kuliko yeyote iliyowai kutokea kwenye nchi ya Misri tangu liwe taifa.
25 Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose.
Katika nchi yote ya Misri, barafu ya mawe ilipiga kila kitu kwenye shamba, watu na wanyama. Ilipiga kila mmea shambani na kuvunja kila mti.
26 Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri.
Isipo kuwa tu nchi ya Gosheni, walipo ishi Waisraeli, hapakuwa na mawe ya barafu.
27 Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama.
Kisha Farao akatuma wanaume wakawaite Musa na Aruni. Akawaambia, “Nimetenda dhambi wakati huu. Yahweh ni mwenye haki, na mimi na watu wangu ni waovu.
28 Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira nechimvuramabwe zvanyanya. Ndichakutenderai kuti muende; hamuchafaniri kuramba mugerezve muno.”
Muombe Yahweh, kwasababu radi na barafu ya mawe imezidi. Nitawaacha muende, na hamtabaki tena hapa.”
29 Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovazve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha.
Musa akamwambia, “Nitakapo ondoka tu kwenye mji, nitaitanua mikono yangu kwa Yahweh. Mngurumo utaacha, na hakutakuwa na barafu ya mawe tena. Kwa ili utajua kuwa nchi ni ya Yahweh.
30 Asi ndinoziva kuti iwe namachinda ako hamutyi Jehovha Mwari nazvino.”
Lakini kwa wewe na watu wako, najua bado hamu mheshimu Yahweh Mungu.”
31 (Miti yeshinda nebhari zvakanga zvaparadzwa, sezvo bhari rakanga rava nehura uye miti yava namaruva.
Sasa kitani na shayiri ziliharibiwa, kwa kuwa shayiri ilikuwa katika kukomaa, na kitani ilikuwa imestawi.
32 Kunyange zvakadaro gorosi nesipereti, hazvina kuparadzwa, nokuti zvakanga zvisati zvaibva.)
Lakini ngano na kusemethu hazikupigwa mana zinachelewa kukua.
33 Ipapo Mozisi akabva pana Faro akabuda muguta. Akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha; kutinhira nechimvuramabwe zvakamira, uye mvura haina kuzonayazve panyika.
Musa alipo muacha Farao na mji, alitanua mikono yake kwa Yahweh; mngurumo na barafu ya mawe ikasimama, na mvua haikunyesha tena.
34 Faro akati aona kuti mvura nechimvuramabwe uye nokutinhira zvapera, akatadzazve: Iye namachinda ake vakaomesa mwoyo yavo.
Farao alipoona mvua, barafu ya mawe, na mngurumo umekatika, akatenda dhambi na kufanya moyo wake kuwa mgumu, pamoja na watumishi wake.
35 Saka mwoyo waFaro wakaoma uye akasada kutendera vaIsraeri kuenda, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha kubudikidza naMozisi.
Moyo wa Farao ulikuwa mgumu, hakuacha watu wa Israeli waende. Hivi ndivyo Yahweh alimwambia Musa Farao atafanya.

< Ekisodho 9 >