< Ekisodho 8 >
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
And this is what the Lord said to Moses: Go to Pharaoh and say to him, The Lord says, Let my people go so that they may give me worship.
2 Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya.
And if you will not let them go, see, I will send frogs into every part of your land:
3 Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye nomuzvoto zvako nepokukanyira chingwa.
The Nile will be full of frogs, and they will come up into your house and into your bedrooms and on your bed, and into the houses of your servants and your people, and into your ovens and into your bread-basins.
4 Matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro pamachinda ako ose.’”
The frogs will come up over you and your people and all your servants.
5 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’”
And the Lord said to Moses, Say to Aaron, Let the rod in your hand be stretched out over the streams and the waterways and the pools, causing frogs to come up on the land of Egypt.
6 Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akauya akafukidza nyika.
And when Aaron put out his hand over the waters of Egypt, the frogs came up and all the land of Egypt was covered with them.
7 Asi nʼanga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti.
And the wonder-workers did the same with their secret arts, making frogs come up over the land of Egypt.
8 Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya aya kwandiri uye nokuvanhu vangu, uye ini ndichatendera vanhu venyu kuti vaende kundobayira zvipiriso kuna Jehovha.”
Then Pharaoh sent for Moses and Aaron and said, Make prayer to the Lord that he will take away these frogs from me and my people; and I will let the people go and make their offering to the Lord.
9 Mozisi akati kuna Faro, “Ndinopa ruremekedzo kwamuri kuti mureve nguva yokuti ndikunyengetererei imi navaranda venyu uye navanhu venyu kuti imi nedzimba dzenyu mubvisirwe matatya, kuti asare muna Nairi chete.”
And Moses said, I will let you have the honour of saying when I am to make prayer for you and your servants and your people, that the frogs may be sent away from you and your houses, and be only in the Nile.
10 Faro akati, “Mangwana.” Mozisi akapindura akati, “Zvichaitika sezvamareva, kuitira kuti mugoziva kuti hakuna mumwe akaita saJehovha Mwari wedu.
And he said, By tomorrow. And he said, Let it be as you say: so that you may see that there is no other like the Lord our God.
11 Matatya achabva kwamuri nomudzimba dzenyu, kumachinda enyu nokuvanhu venyu; achasara muna Nairi chete.”
And the frogs will be gone from you and from your houses and from your servants and from your people and will be only in the Nile.
12 Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro.
Then Moses and Aaron went out from Pharaoh; and Moses made prayer to the Lord about the frogs which he had sent on Pharaoh.
13 Uye Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi. Matatya akafa mudzimba, nomuruvazhe uye nomuminda.
And the Lord did as Moses said; and there was an end of all the frogs in the houses and in the open spaces and in the fields.
14 Akaunganidzwa akaita mirwi uye nyika yakanhuhwa nokuda kwawo.
And they put them together in masses, and a bad smell went up from the land.
15 Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
But when Pharaoh saw that there was peace for a time, he made his heart hard and did not give ear to them, as the Lord had said.
16 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.”
And the Lord said to Moses, Say to Aaron, Let your rod be stretched out over the dust of the earth so that it may become insects through all the land of Egypt.
17 Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo akarova guruva umhutu hukauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu.
And they did so; and Aaron, stretching out the rod in his hand, gave a touch to the dust of the earth, and insects came on man and on beast; all the dust of the earth was changed into insects through all the land of Egypt.
18 Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu.
And the wonder-workers with their secret arts, attempting to make insects, were unable to do so: and there were insects on man and on beast.
19 Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Then the wonder-workers said to Pharaoh, This is the finger of God: but Pharaoh's heart was hard, and he did not give ear to them, as the Lord had said.
20 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
And the Lord said to Moses, Get up early in the morning and take your place before Pharaoh when he comes out to the water; and say to him, This is what the Lord says: Let my people go to give me worship.
21 Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire.
For if you do not let my people go, see, I will send clouds of flies on you and on your servants and on your people and into their houses; and the houses of the Egyptians and the land where they are will be full of flies.
22 “‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno.
And at that time I will make a division between your land and the land of Goshen where my people are, and no flies will be there; so that you may see that I am the Lord over all the earth.
23 Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’”
And I will put a division between my people and your people; tomorrow this sign will be seen.
24 Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi.
And the Lord did so; and great clouds of flies came into the house of Pharaoh and into his servants' houses, and all the land of Egypt was made waste because of the flies.
25 Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Endai mundobayira kuna Mwari wenyu munyika muno.”
And Pharaoh sent for Moses and Aaron and said, Go and make your offering to your God here in the land.
26 Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here?
And Moses said, It is not right to do so; for we make our offerings of that to which the Egyptians give worship; and if we do so before their eyes, certainly we will be stoned.
27 Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.”
But we will go three days' journey into the waste land and make an offering to the Lord our God as he may give us orders.
28 Faro akati, “Ndichakutenderai kuenda kunobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wenyu murenje, asi hamufaniri kuenda kure kure. Zvino chindinyengetererai.”
Then Pharaoh said, I will let you go to make an offering to the Lord your God in the waste land; but do not go very far away, and make prayer for me.
29 Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.”
And Moses said, When I go out from you I will make prayer to the Lord that the cloud of flies may go away from Pharaoh and from his people and from his servants tomorrow: only let Pharaoh no longer by deceit keep back the people from making their offering to the Lord.
30 Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha,
Then Moses went out from Pharaoh and made prayer to the Lord.
31 uye Jehovha akaita zvaakakumbirwa naMozisi. Nhunzi dzakabva pana Faro nokumachinda ake uye nokuvanhu vake; hakuna nhunzi yakasara.
And the Lord did as Moses said, and took away the cloud of flies from Pharaoh and from his servants and from his people; not one was to be seen.
32 Asi panguva inozve, Faro akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendera vanhu kuti vaende.
But again Pharaoh made his heart hard and did not let the people go.