< Ekisodho 7 >

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako.
INkosi yasisithi kuMozisi: Bona, ngikwenze waba njengoNkulunkulu kuFaro; loAroni umnewenu uzakuba ngumprofethi wakho.
2 Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.
Wena uzakhuluma konke engikulaya khona; loAroni umnewenu uzakhuluma kuFaro ukuthi ayekele abantwana bakoIsrayeli baphume elizweni lakhe.
3 Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti,
Kodwa mina ngizakwenza inhliziyo kaFaro ibe lukhuni, ngandise izibonakaliso zami lezimangaliso zami elizweni leGibhithe.
4 haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri.
Kodwa uFaro kayikulilalela; njalo ngizabeka isandla sami phezu kweGibhithe, ngikhuphe amabutho ami, isizwe sami, abantwana bakoIsrayeli, elizweni leGibhithe, ngezigwebo ezinkulu.
5 Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.”
Njalo amaGibhithe azakwazi ukuthi ngiyiNkosi, lapho ngiselula isandla sami phezu kweGibhithe, ngikhuphe abantwana bakoIsrayeli phakathi kwawo.
6 Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha.
OMozisi loAroni basebesenza njengoba iNkosi yabalaya; benza njalo.
7 Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro.
UMozisi wayeseleminyaka engamatshumi ayisificaminwembili, loAroni wayeleminyaka engamatshumi ayisificaminwembili lantathu lapho bekhuluma kuFaro.
8 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
INkosi yasikhuluma kuMozisi lakuAroni, isithi:
9 “Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.”
Nxa uFaro ekhuluma lani esithi: Zenzeleni isimangaliso; uzakuthi kuAroni: Thatha intonga yakho, uyiphosele phansi phambi kukaFaro, izakuba yinyoka.
10 Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka.
UMozisi loAroni basebengena kuFaro, benza njalo njengoba iNkosi ilayile; uAroni wasephosela phansi intonga yakhe phambi kukaFaro laphambi kwenceku zakhe, yasisiba yinyoka.
11 Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo.
UFaro wasebiza laye izazi labathakathi; labalumbi beGibhithe labo benza njalo ngamalumbo abo.
12 Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
Ngoba ngulowo lalowo waphosela phansi intonga yakhe, zaba zinyoka; kodwa intonga kaAroni yaginya intonga zabo.
13 Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Kodwa inhliziyo kaFaro yaba lukhuni, okokuthi kabalalelanga, njengokutsho kweNkosi.
14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende.
INkosi yasisithi kuMozisi: Inhliziyo kaFaro inzima, uyala ukuyekela isizwe sihambe.
15 Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka.
Yana kuFaro ekuseni; khangela, uzaphuma esiya emanzini, ume uqondane laye ekhunjini lomfula, lentonga eyaphenduka yaba yinyoka ithathe esandleni sakho.
16 Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.’
Uzakuthi kuye: INkosi uNkulunkulu wamaHebheru ingithume kuwe isithi: Yekela isizwe sami sihambe, singikhonze enkangala; kodwa khangela, kawulalelanga kuze kube khathesi.
17 Zvanzi naJehovha: ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye ichashanduka ikava ropa.
Itsho njalo iNkosi: Ngalokhu uzakwazi ukuthi ngiyiNkosi; khangela, ngizatshaya ngentonga esesandleni sami phezu kwamanzi asemfuleni, njalo azaphenduka abe ligazi.
18 Hove dziri muna Nairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.’”
Lenhlanzi ezisemfuleni zizakufa, lomfula ube levumba; lamaGibhithe azadinwa yikunatha amanzi emfuleni.
19 Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yemiti neyamabwe.”
INkosi yasisithi kuMozisi: Tshono kuAroni uthi: Thatha intonga yakho, welule isandla sakho phezu kwamanzi eGibhithe, phezu kwemifula yabo, phezu kwezifula zabo, laphezu kweziziba zabo, laphezu kwamachibi wonke amanzi abo, ukuze abe ligazi. Kuzakuba legazi elizweni lonke leGibhithe, lezitsheni zezihlahla lezamatshe.
20 Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa.
UMozisi loAroni basebesenza njalo, njengokulaya kweNkosi; wasephakamisa intonga, watshaya amanzi ayesemfuleni phambi kwamehlo kaFaro laphambi kwamehlo ezinceku zakhe; lawo wonke amanzi ayesemfuleni aphendulwa aba ligazi.
21 Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.
Lenhlanzi ezisemfuleni zafa; lomfula waba levumba, kwaze kwathi amaGibhithe ehluleka ukuwanatha amanzi emfuleni; njalo kwakulegazi elizweni lonke leGibhithe.
22 Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Labalumbi beGibhithe benza njalo ngamalumbo abo, kwaze kwathi inhliziyo kaFaro yaba lukhuni, njalo kabalalelanga, njengokutsho kweNkosi.
23 Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make.
UFaro wasetshibilika waya endlini yakhe njalo kayibekanga inhliziyo yakhe lakulokhu.
24 Uye vaIjipita vose vakachera mujinga maNairi kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yomurwizi.
LamaGibhithe wonke agebha amanzi okunatha inhlangothi zonke zomfula, ngoba babengelakunatha emanzini omfula.
25 Mazuva manomwe akapfuura mushure mokunge Jehovha arova Nairi.
Lensuku eziyisikhombisa zagcwaliseka emva kokuthi iNkosi isitshaye umfula.

< Ekisodho 7 >