< Ekisodho 7 >
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako.
主はモーセに言われた、「見よ、わたしはあなたをパロに対して神のごときものとする。あなたの兄弟アロンはあなたの預言者となるであろう。
2 Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.
あなたはわたしが命じることを、ことごとく彼に告げなければならない。そしてあなたの兄弟アロンはパロに告げて、イスラエルの人々をその国から去らせるようにさせなければならない。
3 Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti,
しかし、わたしはパロの心をかたくなにするので、わたしのしるしと不思議をエジプトの国に多く行っても、
4 haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri.
パロはあなたがたの言うことを聞かないであろう。それでわたしは手をエジプトの上に加え、大いなるさばきをくだして、わたしの軍団、わたしの民イスラエルの人々を、エジプトの国から導き出すであろう。
5 Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.”
わたしが手をエジプトの上にさし伸べて、イスラエルの人々を彼らのうちから導き出す時、エジプトびとはわたしが主であることを知るようになるであろう」。
6 Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha.
モーセとアロンはそのように行った。すなわち主が彼らに命じられたように行った。
7 Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro.
彼らがパロと語った時、モーセは八十歳、アロンは八十三歳であった。
8 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
主はモーセとアロンに言われた、
9 “Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.”
「パロがあなたがたに、『不思議をおこなって証拠を示せ』と言う時、あなたはアロンに言いなさい、『あなたのつえを取って、パロの前に投げなさい』と。するとそれはへびになるであろう」。
10 Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka.
それで、モーセとアロンはパロのところに行き、主の命じられたとおりにおこなった。すなわちアロンはそのつえを、パロとその家来たちの前に投げると、それはへびになった。
11 Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo.
そこでパロもまた知者と魔法使を召し寄せた。これらのエジプトの魔術師らもまた、その秘術をもって同じように行った。
12 Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
すなわち彼らは、おのおのそのつえを投げたが、それらはへびになった。しかし、アロンのつえは彼らのつえを、のみつくした。
13 Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
けれども、パロの心はかたくなになって、主の言われたように、彼らの言うことを聞かなかった。
14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende.
主はモーセに言われた、「パロの心はかたくなで、彼は民を去らせることを拒んでいる。
15 Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka.
あなたは、あすの朝、パロのところに行きなさい。見よ、彼は水のところに出ている。あなたは、へびに変ったあのつえを手に執り、ナイル川の岸に立って彼に会い、
16 Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.’
そして彼に言いなさい、『ヘブルびとの神、主がわたしをあなたにつかわして言われます、「わたしの民を去らせ、荒野で、わたしに仕えるようにさせよ」と。しかし今もなお、あなたが聞きいれようとされないので、
17 Zvanzi naJehovha: ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye ichashanduka ikava ropa.
主はこう仰せられます、「これによってわたしが主であることを、あなたは知るでしょう。見よ、わたしが手にあるつえでナイル川の水を打つと、それは血に変るであろう。
18 Hove dziri muna Nairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.’”
そして川の魚は死に、川は臭くなり、エジプトびとは川の水を飲むことをいとうであろう」』と」。
19 Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yemiti neyamabwe.”
主はまたモーセに言われた、「あなたはアロンに言いなさい、『あなたのつえを執って、手をエジプトの水の上、川の上、流れの上、池の上、またそのすべての水たまりの上にさし伸べて、それを血にならせなさい。エジプト全国にわたって、木の器、石の器にも、血があるようになるでしょう』と」。
20 Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa.
モーセとアロンは主の命じられたようにおこなった。すなわち、彼はパロとその家来たちの目の前で、つえをあげてナイル川の水を打つと、川の水は、ことごとく血に変った。
21 Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.
それで川の魚は死に、川は臭くなり、エジプトびとは川の水を飲むことができなくなった。そしてエジプト全国にわたって血があった。
22 Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
エジプトの魔術師らも秘術をもって同じようにおこなった。しかし、主の言われたように、パロの心はかたくなになり、彼らの言うことを聞かなかった。
23 Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make.
パロは身をめぐらして家に入り、またこのことをも心に留めなかった。
24 Uye vaIjipita vose vakachera mujinga maNairi kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yomurwizi.
すべてのエジプトびとはナイル川の水が飲めなかったので、飲む水を得ようと、川のまわりを掘った。
25 Mazuva manomwe akapfuura mushure mokunge Jehovha arova Nairi.
主がナイル川を打たれてのち七日を経た。