< Ekisodho 40 >
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
And YHWH speaks to Moses, saying,
2 “Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga.
“On the first day of the month, in the first month, you raise up the Dwelling Place of the Tent of Meeting,
3 Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro.
and have set the Ark of the Testimony [in] there, and have covered over the Ark with the veil,
4 Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho.
and have brought in the table, and set its arrangement in order, and have brought in the lampstand, and caused its lamps to go up.
5 Uise aritari yezvinonhuhwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri.
And you have put the golden altar for incense before the Ark of the Testimony, and have put the covering of the opening to the Dwelling Place,
6 “Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana;
and have put the altar of the burnt-offering before the opening of the Dwelling Place of the Tent of Meeting,
7 uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri.
and have put the laver between the Tent of Meeting and the altar, and have put water [in] there.
8 Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.
And you have set the court all around, and have placed the covering of the gate of the court,
9 “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nemidziyo yayo yose, uye ichava tsvene.
and have taken the anointing oil, and anointed the Dwelling Place, and all that [is] in it, and hallowed it, and all its vessels, and it has been holy;
10 Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene.
and you have anointed the altar of the burnt-offering, and all its vessels, and sanctified the altar, and the altar has been most holy;
11 Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.
and you have anointed the laver and its base, and sanctified it.
12 “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
And you have brought Aaron and his sons near to the opening of the Tent of Meeting, and have bathed them with water;
13 Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista.
and you have clothed Aaron with the holy garments, and anointed him, and sanctified him, and he has acted as priest to Me.
14 Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi.
And you bring his sons near, and have clothed them with coats,
15 Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kuzvizvarwa zvinotevera.”
and anointed them as you have anointed their father, and they have acted as priests to Me, and their anointing has been to them for a continuous priesthood throughout their generations.”
16 Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha.
And Moses does according to all that YHWH has commanded him; so he has done.
17 Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri.
And it comes to pass, in the first month, in the second year, on the first of the month, the Dwelling Place has been raised up;
18 Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda.
and Moses raises up the Dwelling Place, and sets its sockets, and places its boards, and places its bars, and raises its pillars,
19 Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
and spreads the tent over the Dwelling Place, and puts the covering of the tent on it above, as YHWH has commanded Moses.
20 Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo.
And he takes and puts the Testimony into the Ark, and sets the poles on the Ark, and puts the propitiatory covering on the Ark above;
21 Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha.
and brings the Ark into the Dwelling Place, and places the veil of the covering, and covers over the Ark of the Testimony, as YHWH has commanded Moses.
22 Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro
And he puts the table in the Tent of Meeting, on the side of the Dwelling Place northward, at the outside of the veil,
23 uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
and sets in order the arrangement of bread on it, before YHWH, as YHWH has commanded Moses.
24 Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri
And he puts the lampstand in the Tent of Meeting, opposite the table, on the side of the Dwelling Place southward,
25 uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
and causes the lamps to go up before YHWH, as YHWH has commanded Moses.
26 Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro,
And he sets the golden altar in the Tent of Meeting, before the veil,
27 uye akapisa zvinonhuhwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
and makes incense on it—spice-incense—as YHWH has commanded Moses.
28 Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.
And he sets the covering [at] the opening of the Dwelling Place,
29 Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
and he has set the altar of the burnt-offering [at] the opening of the Dwelling Place of the Tent of Meeting, and causes the burnt-offering to go up on it, and the present, as YHWH has commanded Moses.
30 Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri,
And he puts the laver between the Tent of Meeting and the altar, and puts water [in] there for washing,
31 uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo.
and Moses and Aaron and his sons have washed their hands and their feet at the same;
32 Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
in their going into the Tent of Meeting, and in their drawing near to the altar, they wash, as YHWH has commanded Moses.
33 Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa.
And he raises up the court all around the Dwelling Place, and around the altar, and places the covering of the gate of the court; and Moses completes the work.
34 Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
And the cloud covers the Tent of Meeting, and the glory of YHWH has filled the Dwelling Place;
35 Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
and Moses has not been able to go into the Tent of Meeting, for the cloud has dwelt on it, and the glory of YHWH has filled the Dwelling Place.
36 Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda;
And in the going up of the cloud from off the Dwelling Place the sons of Israel journey in all their journeys;
37 asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka.
and if the cloud does not go up then they do not journey, until the day of its going up.
38 Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.
For the cloud of YHWH [is] on the Dwelling Place by day, and fire is in it by night, before the eyes of all the house of Israel in all their journeys.