< Ekisodho 4 >
1 Mozisi akapindura akati, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera uye vakati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri’?”
Moses answered, “But what if they do not believe me or listen to me but say instead, 'Yahweh has not appeared to you'?”
2 Ipapo Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akapindura akati, “Itsvimbo.”
Yahweh said to him, “What is that in your hand?” Moses said, “A staff.”
3 Jehovha akati, “Ikande pasi.” Mozisi akaikanda pasi ikava nyoka, uye akaitiza.
Yahweh said, “Throw it on the ground.” Moses threw it on the ground, and it became a snake. Moses ran back from it.
4 Ipapo Jehovha akati kwaari, “Tambanudza ruoko ugoibata nokumuswe.” Saka Mozisi akatambanudza ruoko ndokubata nyoka uye ikadzokera pakare pakuva tsvimbo muruoko rwake.
Yahweh said to Moses, “Reach out and take it by the tail.” So he reached out and took hold of the snake. It became a staff in his hand again.
5 Jehovha akati, “Izvi ndezvokuti vagotenda kuti Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, azviratidza kwauri.”
“This is so they may believe that Yahweh, the God of their ancestors, the God of Abraham, the God of Isaac, and the God of Jacob, has appeared to you.”
6 Ipapo Jehovha akati, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Saka Mozisi akaisa ruoko rwake muchipfuva chake, uye paakarubudisa, rwakanga rwachena maperembudzi, sechando.
Yahweh also said to him, “Now put your hand inside your robe.” So Moses put his hand inside his robe. When he brought it out, behold, his hand was leprous, as white as snow.
7 Iye akati, “Zvino chirudzorerazve muchipfuva chako,” uye paakarubudisa, rwakanga rwavandudzwa, rwaita somuviri wake wose.
Yahweh said, “Put your hand inside your robe again.” So Moses put his hand inside his robe, and when he brought it out, he saw that it was made healthy again, like the rest of his flesh.
8 Ipapo Jehovha akati, “Kana vasingakutendi kana kuteerera kuchiratidzo chokutanga, vangangotendawo chechipiri.
Yahweh said, “If they do not believe you—if they do not pay attention to the first sign of my power or believe in it, then they will believe the second sign.
9 Asi kana vasingatendi zviratidzo zviviri izvi kana kukuteerera, utore mvura kubva muna Nairi ugoidira pasi. Mvura yaunotora kubva murwizi ichava ropa pamusoro pevhu.”
If they do not believe even these two signs of my power, or listen to you, then take some water from the river and pour it on the dry land. The water that you take will become blood on the dry land.”
10 Mozisi akati kuna Jehovha, “Haiwa Jehovha, handina kumbogona kutaura, kunyange nakare, kana kubva pamataura nomuranda wenyu. Ndinokakama pakutaura uye rurimi rwangu runononoka.”
Then Moses said to Yahweh, “Lord, I have never been eloquent, neither in the past nor since you spoke to your servant. I am slow of speech and slow of tongue.”
11 Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akapa munhu muromo? Ndianiko anomuita matsi kana mbeveve? Ndiani anomusvinudza kana kumuita bofu? Handisini here, Jehovha?
Yahweh said to him, “Who is it who made man's mouth? Who makes a man mute or deaf or seeing or blind? Is it not I, Yahweh?
12 Zvino chienda, ini ndichakubatsira kutaura uye ndichakudzidzisa zvokutaura.”
So now go, and I will be with your mouth and teach you what to say.”
13 Asi Mozisi akati, “Haiwa Jehovha, ndapota hangu, tumai henyu mumwe kuti aite izvozvo.”
But Moses said, “Lord, please send anyone else, anyone whom you wish to send.”
14 Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paMozisi uye akati, “Ko, mukoma wako, Aroni muRevhi? Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka. Ari munzira kuzokuchingamidza izvozvi, uye mwoyo wake uchafara paachakuona.
Then Yahweh became angry with Moses. He said, “What about Aaron, your brother, the Levite? I know that he can speak well. Moreover, he is coming to meet you, and when he sees you, he will be glad in his heart.
15 Uchataura naye ugoisa mashoko mumuromo make; ndichakubatsirai mose uye ndichakudzidzisai zvokuita.
You will speak to him and put the words to say into his mouth. I will be with your mouth and with his mouth, and I will show you both what to do.
16 Uye achataura kuvanhu panzvimbo yako, uye zvichaita sokunge iye ndiye muromo wako uye sokunge iwe ndiwe Mwari kwaari.
He will speak to the people for you. He will be your mouth, and you will be to him like me, God.
17 Asi takura tsvimbo iyi muruoko rwako yauchaita zviratidzo nayo.”
You will take in your hand this staff. With it you will do the signs.”
18 Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jeturo tezvara wake akati kwaari, “Regai ndidzokere kuvanhu vokwangu kuIjipiti kuti ndinoona kana vachiri vapenyu.” Jeturo akati, “Enda hako, ufambe zvakanaka.”
So Moses went back to Jethro his father-in-law and said to him, “Let me go so I may return to my relatives who are in Egypt and see if they are still alive.” Jethro said to Moses, “Go in peace.”
19 Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi ari muMidhiani, “Dzokera kuIjipiti, nokuti vanhu vose vaida kukuuraya vakafa.”
Yahweh said to Moses in Midian, “Go, return to Egypt, for all the men who were trying to take your life are dead.”
20 Saka Mozisi akatora mukadzi wake navanakomana vake akavakwidza pambongoro akasimuka akadzokera kuIjipiti. Uye akatakura tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
Moses took his wife and his sons and put them on a donkey. He returned to the land of Egypt, and he took the staff of God in his hand.
21 Jehovha akati kuna Mozisi, “Paunodzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvose pamberi paFaro, ndakupa simba rokuita izvozvo. Asi ndichaomesa mwoyo wake zvokuti haazotenderi vanhu kuenda.
Yahweh said to Moses, “When you go back to Egypt, see that you do before Pharaoh all the wonders that I have put in your power. But I will harden his heart, and he will not let the people go.
22 Ipapo uti kuna Faro, ‘Zvanzi naJehovha: Israeri ndiye mwanakomana wangu wedangwe,
You must say to Pharaoh, 'This is what Yahweh says: Israel is my son, my firstborn,
23 uye ndinoti kwauri, “Rega mwanakomana wangu aende, kuti anondinamata.” Asi kana ukaramba kumutendera kuti aende, ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.’”
and I say to you, “Let my son go, so he may worship me.” But since you have refused to let him go, I will certainly kill your son, your firstborn.'”
24 Ari paimba yavaeni pavakavata, Jehovha akasangana naMozisi uye akada kumuuraya.
Now on the way, when they stopped for the night, Yahweh met Moses and tried to kill him.
25 Asi Zipora akatora banga rebwe romusarasara akacheka chikanda chapamberi chomwanakomana wake uye akabata tsoka dzaMozisi nacho. Akati, “Zvirokwazvo uri murume weropa kwandiri.”
Then Zipporah took a flint knife and cut off the foreskin of her son, and touched it to his feet. Then she said, “Surely you are a bridegroom to me by blood.”
26 Saka Jehovha akamurega. Panguva iyoyo Zipora akati kwaari, “Murume weropa,” achireva nezvokudzingiswa.
So Yahweh let him alone. She said, “You are a bridegroom of blood” because of the circumcision.
27 Jehovha akati kuna Aroni, “Enda kurenje undosangana naMozisi.” Saka akasangana naMozisi pagomo raMwari uye akamutsvoda.
Yahweh said to Aaron, “Go into the wilderness to meet Moses.” Aaron went, met him at the mountain of God, and kissed him.
28 Ipapo Mozisi akaudza Aroni zvinhu zvose zvaakanga atumwa naJehovha kuti azozvitaura, uyewo pamusoro pezvishamiso zvose zvaakanga amurayira kuti aite.
Moses told Aaron all the words of Yahweh that he had sent him to say and about all the signs of Yahweh's power that he had commanded him to do.
29 Mozisi naAroni vakaunganidza vakuru vose vavana vaIsraeri,
Then Moses and Aaron went and gathered together all the elders of the Israelites.
30 uye Aroni akavaudza zvinhu zvose zvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha. Akaitawo zviratidzo pamberi pavanhu,
Aaron spoke all the words that Yahweh had spoken to Moses. He also displayed the signs of Yahweh's power in the sight of the people.
31 vakatenda. Uye pavakanzwa kuti Jehovha akanga ane hanya navo, uye kuti akanga aona kutambudzika kwavo, vakakotama pasi vakanamata.
The people believed. When they heard that Yahweh had observed the Israelites and that he had seen their oppression, then they bowed their heads and worshiped him.