< Ekisodho 39 >

1 Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi.
Ils firent aussi de pourpre, d'écarlate, et de cramoisi les vêtements du service, pour faire le service du Sanctuaire; et ils firent les saints vêtements pour Aaron, comme l'Eternel l'avait commandé à Moïse.
2 Vakaita efodhi yegoridhe, wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
On fit donc l'Ephod, d'or, de pourpre, d'écarlate, de cramoisi, et de fin lin retors.
3 Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi.
Or on étendit des lames d'or, et on les coupa par filets pour les brocher parmi la pourpre, l'écarlate, le cramoisi et le fin lin, d'ouvrage exquis.
4 Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe.
On fit à l'Ephod des épaulières qui s'attachaient, en sorte qu'il était joint par ses deux bouts.
5 Bhanhire rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
Et le ceinturon exquis duquel il était ceint, était tiré de lui, et de même ouvrage, d'or, de pourpre, d'écarlate, de cramoisi, et de fin lin retors, comme l'Eternel l'avait commandé à Moïse.
6 Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri.
On enchâssa aussi les pierres d'Onyx dans leurs chatons d'or, ayant les noms des enfants d'Israël gravés de gravure de cachet.
7 Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Et on les mit sur les épaulières de l'Ephod, afin qu'elles fussent des pierres de mémorial pour les enfants d'Israël, comme l'Eternel avait commandé à Moïse.
8 Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
On fit aussi le Pectoral d'ouvrage exquis, comme l'ouvrage de l'Ephod, d'or, de pourpre, d'écarlate, de cramoisi, et de fin lin retors.
9 Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanza paurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri.
On fit le Pectoral carré, et double; sa longueur était d'une paume, et sa largeur d'une paume de part et d'autre.
10 Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri;
Et on le remplit de quatre rangs de pierres. A la première rangée on mit une Sardoine, une Topaze et une Emeraude.
11 mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye neemaradhi;
A la seconde rangée une Escarboucle, un Saphir, et un Jaspe.
12 mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisiti;
A la troisième rangée, un Ligure, une Agate, et une Améthyste.
13 mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe.
Et à la quatrième rangée, un Chrysolithe, un Onyx, et un Béril, environnés de chatons d'or, dans leur remplage.
14 Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso, chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri.
Ainsi il y avait autant de pierres qu'il y avait de noms des enfants d'Israël, douze selon leurs noms, chacune d'elles gravée de gravure de cachet, selon le nom, [qu'elle devait porter, et] elles étaient pour les douze Tribus.
15 Chidzitiro chechipfuva vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo.
Et on fit sur le Pectoral des chaînettes à bouts, en façon de cordon, de pur or.
16 Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva.
On fit aussi deux crampons d'or, et deux anneaux d'or, et on mit les deux anneaux aux deux bouts du Pectoral.
17 Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva,
Et on mit les deux chaînettes d'or faites à cordon, dans les deux anneaux, à l'extrémité du Pectoral;
18 uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi.
Et on mit les deux autres bouts des deux chaînettes faites à cordon, aux deux crampons, sur les épaulières de l'Ephod, sur le devant de l'Ephod.
19 Vakagadzira mhete dzegoridhe mbiri vakadzibatanidza namamwe makona maviri echidzitiro chechipfuva pamupendero nechomukati pedyo neefodhi.
On fit aussi deux [autres] anneaux d'or, et on les mit aux deux [autres] bouts du Pectoral sur son bord, qui était du côté de l'Ephod en dedans.
20 Ipapo vakagadzira dzimwezve mhete mbiri dzegoridhe uye vakadzibatanidza nechepasi pezvipenga zvamapfudzi pamberi peefodhi, pedyo nemusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno refodhi.
On fit aussi deux [autres] anneaux d'or, et on les mit aux deux épaulières de l'Ephod par le bas, répondant sur le devant de l'Ephod, à l'endroit où il se joignait au-dessus du ceinturon exquis de l'Ephod.
21 Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanhire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Et on joignit le Pectoral élevé par ses anneaux aux anneaux de l'Ephod, avec un cordon de pourpre, afin qu'il tînt au-dessus du ceinturon exquis de l'Ephod, et que le Pectoral ne bougeât point de dessus l'Ephod, comme l'Eternel l'avait commandé à Moïse.
22 Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki,
On fit aussi le Rochet de l'Ephod d'ouvrage tissu, [et] entièrement de pourpre.
23 rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.
Et l'ouverture [à passer la tête], était au milieu du Rochet, comme l'ouverture d'un corselet; et il y avait un ourlet à l'ouverture du Rochet tout à l’entour, afin qu'il ne se déchirât point.
24 Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi.
Et aux bords du Rochet on fit des grenades de pourpre, d'écarlate, et de cramoisi, à fil retors.
25 Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba.
On fit aussi des clochettes de pur or, et on mit les clochettes entre les grenades aux bords du Rochet tout à l’entour, parmi les grenades.
26 Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
[Savoir], une clochette, puis une grenade; une clochette, puis une grenade, aux bords du Rochet tout à l’entour, pour faire le service, comme l'Eternel l'avait commandé à Moïse.
27 Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki,
n fit aussi à Aaron et à ses fils des chemises de fin lin d'ouvrage tissu.
28 uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanhire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
Et la tiare de fin lin, et les ornements des calottes de fin lin, et les caleçons de lin, de fin lin retors.
29 Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Et le baudrier de fin lin retors, de pourpre, d'écarlate, de cramoisi, d'ouvrage de broderie, comme l'Eternel l'avait commandé à Moïse.
30 Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: mutsvene kuna jehovha.
Et la lame du saint couronnement de pur or, sur laquelle on écrivit en écriture de gravure de cachet: LA SAINTETÉ A L'ÉTERNEL.
31 Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Et on mit sur elle un cordon de pourpre, pour l'appliquer à la tiare par dessus, comme l'Eternel l'avait commandé à Moïse.
32 Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi.
Ainsi fut achevé tout l'ouvrage du pavillon du Tabernacle d'assignation; et les enfants d'Israël firent selon toutes les choses que l'Eternel avait commandées à Moïse; ils les firent ainsi.
33 Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi: tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;
Et ils apportèrent à Moïse le pavillon, le Tabernacle, et tous ses ustensiles, ses crochets, ses ais, ses barres, ses piliers, et ses soubassements;
34 chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;
La couverture de peaux de moutons teintes en rouge, et la couverture de peaux de taissons, et le voile pour tendre [devant le lieu Très-saint];
35 areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa;
L'Arche du Témoignage, et ses barres, et le Propitiatoire;
36 tafura nemidziyo yayo dzose nechingwa choKuratidza;
La Table, avec tous ses ustensiles, et le pain de proposition;
37 zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje;
Et le chandelier pur, avec toutes ses lampes arrangées, et tous ses ustensiles, et l'huile du luminaire;
38 aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuhwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende;
Et l'autel d'or, l'huile de l'onction, le parfum de drogues, et la tapisserie de l’entrée du Tabernacle;
39 aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; dhishi nechigadziko charo;
Et l'autel d'airain, avec sa grille d'airain, ses barres, et tous ses ustensiles; la cuve, et son soubassement;
40 zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe; tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe; midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana;
Et les courtines du parvis, ses piliers, ses soubassements, la tapisserie pour la porte du parvis, son cordage, ses pieux, et tous les ustensiles du service du pavillon, pour le Tabernacle d'assignation;
41 uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.
Les vêtements du service pour faire le service du Sanctuaire, les saints vêtements pour Aaron Sacrificateur, et les vêtements de ses fils pour exercer la Sacrificature.
42 VaIsraeri vakanga vaita basa rose sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Les enfants d'Israël [donc] firent tout l'ouvrage; comme l'Eternel [l']avait commandé à Moïse.
43 Mozisi akaongorora basa uye akaona kuti vakanga variita sokurayira kwakanga kwaita Jehovha. Saka Mozisi akavaropafadza.
Et Moïse vit tout l'ouvrage, et voici, on l'avait fait ainsi que l'Eternel l'avait commandé, on l'avait, [dis-je], fait ainsi; et Moïse les bénit.

< Ekisodho 39 >