< Ekisodho 37 >

1 Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu, kubhiti rimwe nehafu paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.
Besalel Antlaşma Sandığı'nı akasya ağacından yaptı. Boyu iki buçuk, eni ve yüksekliği birer buçuk arşındı.
2 Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza.
İçini de dışını da saf altınla kapladı. Çevresine altın pervaz yaptı.
3 Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi.
İkisi bir yanda, ikisi öbür yanda olmak üzere sandığın dört köşesindeki ayaklara takmak için birer altın halka döktü.
4 Ipapo akaita mapango omuti womuunga uye akaafukidza negoridhe.
Akasya ağacından sırıklar yapıp altınla kapladı.
5 Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.
Sandığın taşınması için sırıkları yanlardaki halkalara geçirdi.
6 Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafu paupamhi.
Bağışlanma Kapağı'nı saf altından yaptı. Boyu iki buçuk, eni bir buçuk arşındı.
7 Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.
Kapağın iki kenarına dövme altından birer Keruv yaptı.
8 Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro.
Keruvlar'dan birini bir kenara, öbürünü öteki kenara koyarak kapağı tek parça halinde yaptı.
9 Mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.
Keruvlar yukarı doğru açık kanatlarıyla kapağı örtüyor, yüzleri birbirine dönük kapağa bakıyorlardı.
10 Vakagadzira tafura namatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri, uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.
Besalel akasya ağacından bir masa yaptı. Boyu iki, eni bir, yüksekliği bir buçuk arşındı.
11 Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza.
Masayı saf altınla kapladı. Çevresine altın pervaz yaptı.
12 Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruoko ndokuisa hata yegoridhe pamukombero.
Pervazın çevresine dört parmak eninde bir kenarlık yaparak altın pervazla çevirdi.
13 Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo.
Masa için dört altın halka dökerek dört ayak üzerindeki dört köşeye yerleştirdi.
14 Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura.
Masanın taşınması için sırıkların içinden geçeceği halkalar kenarlığa yakındı.
15 Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuunga uye akanga akafukidzwa negoridhe.
Sırıkları akasya ağacından yaptı, altınla kapladı.
16 Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.
Masa için saf altından tabaklar, sahanlar, dökmelik sunu testileri, tasları yaptı.
17 Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaripambadzira, chigadziko nerwiriko; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho.
Saf altından bir kandillik yaptı. Ayağı, gövdesi dövme altındı. Çanak, tomurcuk ve çiçek motifleri kendindendi.
18 Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi.
Üç kolu bir yanda, üç kolu öteki yanda olmak üzere altı kolluydu.
19 Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakanga zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvakanga zvakaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje.
Her kolda badem çiçeğini andıran üç çanak, tomurcuk ve çiçek motifi vardı. Altı kol da aynıydı.
20 Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakanga yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru.
Kandilliğin gövdesinde badem çiçeğini andıran dört çanak, tomurcuk ve çiçek motifi bulunuyordu.
21 Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete.
Kandillikten yükselen ilk iki kolun, ikinci iki kolun, üçüncü iki kolun altında kendinden birer tomurcuk vardı. Toplam altı koldu.
22 Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.
Tomurcukları, kolları tek parça olan kandillik saf dövme altındı.
23 Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka.
Kandillik için saf altından yedi kandil, fitil maşaları, tablalar yaptı.
24 Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chete regoridhe rakaisvonaka.
Bütün takımları dahil kandilliğe bir talant saf altın harcandı.
25 Vakaita aritari yezvinonhuhwira namatanda omuunga. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti maviri pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo.
Akasya ağacından bir buhur sunağı yaptı. Kare biçiminde, boyu ve eni birer arşın, yüksekliği iki arşındı. Boynuzları kendindendi.
26 Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza.
Üstünü, yanlarını, boynuzlarını saf altınla kapladı. Çevresine altın pervaz yaptı.
27 Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura.
İki yandaki pervazın altına iki altın halka yaptı. Bunlar sunağın taşınması için sırıkların geçmesine yarıyordu.
28 Vakagadzira mapango omuti womuunga uye vakaafukidza negoridhe.
Sırıkları akasya ağacından yaparak altınla kapladı.
29 Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira.
Itriyatçı ustalığıyla kutsal mesh yağı ve güzel kokulu saf buhur yaptı.

< Ekisodho 37 >