< Ekisodho 35 >

1 Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite:
Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite:
2 Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa.
Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa.
3 Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”
Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”
4 Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:
Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:
5 Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso: “chegoridhe, sirivha uye nendarira;
Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso: “chegoridhe, sirivha uye nendarira;
6 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka; mvere dzembudzi;
wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka; mvere dzembudzi;
7 matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga;
matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga;
8 mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuhwira kwazvo;
mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuhwira kwazvo;
9 mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
10 “Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
“Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
11 “tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
“tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
12 areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira;
areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira;
13 tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza;
tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza;
14 chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
15 aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
16 aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
17 zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
18 hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
19 nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”
nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”
20 Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,
Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,
21 uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.
uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.
22 Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
23 Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.
Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.
24 Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.
Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.
25 Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka.
Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka.
26 Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi.
Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi.
27 Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
28 Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo.
Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo.
29 VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite.
VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite.
30 Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
31 uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha,
uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha,
32 kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira,
kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira,
33 kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha.
kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha.
34 Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe.
Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe.
35 Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”
Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”

< Ekisodho 35 >