< Ekisodho 35 >

1 Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite:
Moses summoned all the Israelites and told them, “This is what the Lord has ordered you to do:
2 Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa.
Six days you can work, but the seventh day is to be a holy Sabbath of rest to the Lord. Anyone who does any work on the Sabbath day must be killed.
3 Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”
Don't even light a fire in any of your homes on the Sabbath day.”
4 Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:
Moses also told all the Israelites, “This is what the Lord has commanded:
5 Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso: “chegoridhe, sirivha uye nendarira;
Collect an offering to the Lord from what you have. Everyone who wants to should bring an offering to the Lord: gold, silver, and bronze;
6 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka; mvere dzembudzi;
blue, purple, and crimson thread; finely-woven linen and goat hair;
7 matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga;
tanned ram skins and fine leather; acacia wood;
8 mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuhwira kwazvo;
olive oil for the lamps; spices for the anointing oil and for the aromatic incense;
9 mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
and onyx stones and gemstones for making the ephod and breastpiece.
10 “Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
All your skilled craftsmen are to come and make everything the Lord has commanded:
11 “tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
the Tabernacle with its tent and covering, its clips and frames, its crossbars, posts, and stands;
12 areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira;
the Ark with its poles and atonement cover, and the veil to hang over it;
13 tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza;
the table with its poles, all its equipment, and the Bread of the Presence;
14 chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
the lampstand of light with its equipment and lamps and olive oil to provide lighting;
15 aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
the altar of incense with its poles; the anointing oil and aromatic incense; the screen for the Tabernacle entrance and all its accessories;
16 aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
the altar of burnt offering with its bronze grate, its poles and all its utensils; the basin plus its stand;
17 zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
the curtains of the courtyard with its posts and bases, and the curtain for the courtyard entrance;
18 hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
the tent pegs for the Tabernacle and for the courtyard, as well as their ropes;
19 nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”
and the woven clothes for serving in the holy place: the sacred clothing for Aaron the priest and for his sons to serve as priests.”
20 Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,
The Israelites left Moses,
21 uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.
and all those who felt moved to do so and who had a willing spirit came and brought an offering to the Lord for the work making the Tent of Meeting, for everything required for its services, and for the sacred clothing.
22 Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
So everyone who was willing, both men and women, came and presented their gold as a thanks offering to the Lord, including brooches, earrings, rings, and necklaces—all kinds of gold jewelry.
23 Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.
Everyone who had blue, purple, and crimson thread, finely-woven linen, goat hair, tanned ram skins, and fine leather, contributed them.
24 Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.
Those who could present an offering of silver or bronze brought it as a gift to the Lord. Everyone who had acacia wood for any part of the work donated it.
25 Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka.
Every woman skilled in spinning with her hands brought what she had spun: blue, purple, or crimson thread, or finely-woven linen.
26 Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi.
All the women who were willing to use their skills spun the goat hair.
27 Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
The leaders brought onyx stones and gemstones to make the ephod and breastpiece,
28 Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo.
as well as spices and olive oil for lighting, for the anointing oil, and for the aromatic incense.
29 VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite.
All the Israelite men and women who were willing brought a freewill offering to the Lord for all the work in making what the Lord through Moses had ordered them to do.
30 Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
Then Moses told the Israelites, “The Lord chosen by name Bezalel, son of Uri, son of Hur, from the tribe of Judah.
31 uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha,
He has filled him with the Spirit of God giving him ability, creativity, and expertise in all kinds of craftsmanship.
32 kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira,
He can produce designs in gold, silver, and bronze,
33 kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha.
he can cut gemstones to place in settings, and he can carve wood. He is a master of every craft.
34 Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe.
The Lord has also given him and Oholiab son of Ahisamach, from the tribe of Dan, the ability to teach others.
35 Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”
He has equipped them with skill to do all kinds of work as engravers, designers, embroiderers in blue, purple, and crimson thread, and finely-woven linen, and as weavers—in fact as skilled designers in all kinds of different crafts.

< Ekisodho 35 >