< Ekisodho 34 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita seokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa.
And YHWH says to Moses, “Hew for yourself two tablets of stone like the first, and I have written on the tablets the words which were on the first tablets which you have broken;
2 Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo.
and be prepared at morning, and you have come up in the morning to Mount Sinai, and have stood before Me there, on the top of the mountain,
3 Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.”
and no man comes up with you, and also no man is seen in all the mountain, also the flock and the herd do not feed toward the front of that mountain.”
4 Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita seokutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwanani-ngwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake.
And he hews two tablets of stone like the first, and Moses rises early in the morning, and goes up to Mount Sinai as YHWH commanded him, and takes [the] two tablets of stone in his hand.
5 Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha.
And YHWH comes down in a cloud, and stations Himself with him there, and calls in the Name of YHWH,
6 Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka,
and YHWH passes over before his face, and calls: “YHWH, YHWH God, merciful and gracious, slow to anger, and abundant in kindness and truth,
7 anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira nechivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.”
keeping kindness for thousands, taking away iniquity, and transgression, and sin, and not entirely acquitting, charging iniquity of fathers on sons and on sons’ sons, on a third and on a fourth [generation].”
8 Mozisi akakotamira pasi akanamata.
And Moses hurries, and bows to the earth, and pays respect,
9 Akati, “Haiwa Jehovha, kana ndawana nyasha pamberi penyu, ipapo Jehovha ngaaende nesu. Kunyange vanhu ava vane mitsipa mikukutu, regererai henyu kuipa kwedu nechivi chedu, uye mutitore senhaka yenyu.”
and says, “Now if I have found grace in Your eyes, O my Lord, please let my Lord go in our midst (for it [is] a stiff-necked people), and you have forgiven our iniquity and our sin, and have inherited us.”
10 Ipapo akati, “Ndava kuita sungano newe. Ndichaita zvishamiso pamberi pavanhu vako zvisina kumboitwa kare mundudzi dzipi zvadzo munyika yose. Vanhu vaunogara pakati pavo vachaona kuti basa randichakuitira ini, Jehovha rinotyisa sei.
And He says, “Behold, I am making a covenant. I do wonders before all your people, which have not been done in all the earth, or in any nation, and all the people in whose midst you [are in] have seen the work of YHWH, for it [is] fearful—that which I am doing with you.
11 Uteerere zvandinokurayira nhasi. Ndichadzinga pamberi pako vaAmori, vaKenani, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.
Observe for yourself that which I am commanding you today. Behold, I am casting out from before you the Amorite, and the Canaanite, and the Hittite, and the Perizzite, and the Hivite, and the Jebusite;
12 Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vagere munyika yamunoenda kuti varege kuva musungo pakati penyu.
take heed to yourself lest you make a covenant with the inhabitant of the land into which you are going, lest it become a snare in your midst;
13 Putsirai aritari dzavo pasi, pwanyai matombo avo anoyera uye muteme matanda avo aAshera.
for you break down their altars, and you shatter their standing pillars, and you cut down its Asherim;
14 Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo.
for you do not bow yourselves to another god—for YHWH, whose Name [is] Zealous, is a zealous God.
15 “Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vanogara munyika; nokuti pavanenge voita ufeve hwavo kuna vamwari vavo uye vakabayira kwavari, vachakukokai uye muchadya zvibayiro zvavo.
Lest you make a covenant with the inhabitant of the land, and they have gone whoring after their gods, and have sacrificed to their gods, and [one] has called to you, and you have eaten of his sacrifice,
16 Uye pamunosarudza vamwe vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavanakomana venyu uye vanasikana avo vakaita ufeve navamwari vavo, vachatungamirira vanakomana venyu kuita zvimwe chetezvo.
and you have taken of their daughters for your sons, and their daughters have gone whoring after their gods, and have caused your sons to go whoring after their gods;
17 “Musaita zvifananidzo zvakaumbwa.
you do not make a molten god for yourself.
18 “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. Mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe, sezvandakurayirai. Muite izvi panguva yakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti.
You keep the Celebration of Unleavened Things; [for] seven days you eat unleavened things, as I have commanded you, at an appointed time, [in] the month of Abib: for in the month of Abib you came out from Egypt.
19 “Chibereko chose chinotanga kuzarura chizvaro ndechangu, kusanganisira matangwe ose makono ezvipfuwo zvako, dzingava mombe kana makwai.
All opening a womb [are] Mine, and every firstling of your livestock born a male, [whether] ox or sheep;
20 Udzikinure dangwe rembongoro negwayana, asi kana usingaridzikinuri, urivhune mutsipa waro. Udzikinure matangwe ose kuvanakomana venyu. “Hapana munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu.
and you ransom the firstling of a donkey with a lamb; and if you do not ransom, then you have beheaded it; you ransom every firstborn of your sons, and they do not appear before Me empty.
21 “Mubate basa mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe munofanira kuzorora; kunyange munguva dzokurima nedzokukohwa munofanira kuzorora.
[For] six days you work, and on the seventh day you rest; in plowing-time and in harvest you rest.
22 “Mupemberere Mutambo weMavhiki nezvibereko zvokutanga zvegorosi yakohwewa, uye Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore.
And you observe [the] Celebration of Weeks for yourself, of [the] first-fruits of wheat-harvest; and the Celebration of Ingathering at the revolution of the year.
23 Katatu pagore, varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha, Mwari waIsraeri.
Three times in a year all your males appear before the Lord YHWH, God of Israel;
24 Ndichadzinga ndudzi pamberi penyu uye ndichakurisa nyika yenyu, uye hakuna munhu achachiva nyika yenyu pamunokwidzako katatu gore rimwe nerimwe, kuti mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu.
for I dispossess nations from before you, and have enlarged your border, and no man desires your land in your going up to appear before your God YHWH three times in a year.
25 “Musapa kwandiri ropa rezvibayiro pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso, uye musarega chimwe chezvibayiro zvoMutambo wePasika chichisara kusvikira mangwanani.
You do not slaughter the blood of My sacrifice with a fermented thing; and the sacrifice of the Celebration of the Passover does not remain until morning.
26 “Muuyise zvakaisvonaka zvezvibereko zvevhu renyu zvokutanga kuimba yaJehovha Mwari wenyu. “Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.”
You bring the first of the first-fruits of the land into the house of your God YHWH. You do not boil a kid in its mother’s milk.”
27 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora mashoko aya, nokuti maererano namashoko aya ndaita sungano newe uye neIsraeri.”
And YHWH says to Moses, “Write these words for yourself, for I have made a covenant with you and with Israel according to the tenor of these words.”
28 Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi.
And he is there with YHWH forty days and forty nights; he has not eaten bread, and he has not drunk water; and he writes on the tablets the matters of the covenant—the Ten Commandments.
29 Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha.
And it comes to pass, when Moses is coming down from Mount Sinai (and the two tablets of the Testimony [are] in the hand of Moses in his coming down from the mountain), that Moses has not known that the skin of his face has shone in His speaking with him,
30 Aroni navaIsraeri vose pavakaona Mozisi, chiso chake chakanga chichibwinya, uye vakatya kuswedera pedyo naye.
and Aaron sees—all the sons of Israel also—Moses, and behold, the skin of his face has shone, and they are afraid of coming near to him.
31 Asi Mozisi akavadana; uye Aroni navatungamiri vose vavanhu vakadzokera kwaari, uye akataura navo.
And Moses calls to them, and Aaron and all the princes in the congregation return to him, and Moses speaks to them;
32 Shure kwaizvozvo vaIsraeri vose vakaswedera pedyo naye akavapa mirayiro yose yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai.
and afterward all the sons of Israel have come near, and he charges them with all that YHWH has spoken with him in Mount Sinai.
33 Mozisi akati apedza kutaura navo, akaisa chifukidzo pachiso chake.
And Moses finishes speaking with them, and puts a veil on his face;
34 Asi pose paaipinda paKuvapo kwaJehovha kuti ataure naye, aibvisa chifukidzo kusvikira abuda kunze. Uye aiti paaibuda achiudza vaIsraeri zvaainge arayirwa,
and in the going in of Moses before YHWH to speak with Him, he turns aside the veil until his coming out; and he has come out and has spoken to the sons of Israel that which he is commanded;
35 vaiona kuti chiso chake chakanga chichibwinya. Ipapo Mozisi aizoisazve chifukidzo pachiso chake kusvikira apinda kundotaura naJehovha.
and the sons of Israel have seen the face of Moses, that the skin of the face of Moses has shone, and Moses has put back the veil on his face until his going in to speak with Him.

< Ekisodho 34 >