< Ekisodho 33 >
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwidze kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’
And YHWH speaks to Moses, “Go, ascend from this [place], you and the people, whom you have brought up out of the land of Egypt, to the land which I have sworn to Abraham, to Isaac, and to Jacob, saying, I give it to your seed.
2 Ndichatuma mutumwa pamberi pako agodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.
And I have sent a Messenger before you, and have cast out the Canaanite, the Amorite, and the Hittite, and the Perizzite, the Hivite, and the Jebusite.
3 Kwidzai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu uye ndingazokuparadzai munzira.”
[Go up] to a land flowing with milk and honey, for I do not go up in your midst, for you [are] a stiff-necked people—lest I consume you in the way.”
4 Vanhu vakati vachinzwa mashoko anotambudza aya, vakatanga kuchema uye hapana munhu akashonga zvinoyevedza.
And the people hear this sad thing, and mourn; and none puts his ornaments on him.
5 Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri uti, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu. Kana dai ndingaende nemi kunyange kwenguva duku, ndingakuparadzai. Zvino bvisai zvishongo zvenyu uye ini ndichafunga zvokuita nemi.’”
And YHWH says to Moses, “Say to the sons of Israel: You [are] a stiff-necked people; [in] one moment I could come up into your midst and could have consumed you; and now, put down your ornaments from off you, and I know what I do to you”;
6 Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhi.
and the sons of Israel take off their ornaments at Mount Horeb.
7 Zvino Mozisi aisitora tende achiridzika kunze kwomusasa kachinhambwe, achiti ndiro “tende rokusangana.” Munhu upi zvake ainge ane chaanoda kubvunza kuna Jehovha aienda kuTende Rokusangana kunze kwomusasa.
And Moses takes the tent, and has stretched it out at the outside of the camp, far off from the camp, and has called it, “Tent of Meeting”; and it has come to pass, everyone seeking YHWH goes out to the Tent of Meeting, which [is] at the outside of the camp.
8 Uye pose paibuda Mozisi achienda kutende, vanhu vose vaisimuka vachibva vamira pamikova yamatende avo, vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.
And it has come to pass, at the going out of Moses to the tent, all the people rise, and have stood, each at the opening of his tent, and have looked expectingly after Moses, until his going into the tent.
9 Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi.
And it has come to pass, at the going in of Moses to the tent, the pillar of the cloud comes down, and has stood at the opening of the tent, and He has spoken with Moses;
10 Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
and all the people have seen the pillar of the cloud standing at the opening of the tent, and all the people have risen and bowed themselves, each at the opening of his tent.
11 Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende.
And YHWH has spoken to Moses face to face, as a man speaks to his friend; and he has turned back to the camp, and his minister Joshua, son of Nun, a youth, does not depart out of the tent.
12 Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchiti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’
And Moses says to YHWH, “See, You are saying to me, Bring up this people, and You have not caused me to know whom You send with me; and You have said, I have known you by name, and you have also found grace in My eyes.
13 Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.”
And now, if, please, I have found grace in Your eyes, please cause me to know Your way, and I know You, so that I find grace in Your eyes, and consider that this nation [is] Your people”;
14 Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.”
and He says, “My presence goes, and I have given rest to you.”
15 Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano.
And he says to Him, “If Your presence is not going—do not take us up from this [place];
16 Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?”
and in what is it known now, that I have found grace in Your eyes—I and Your people—is it not in Your going with us? And we have been distinguished—I and Your people—from all the people who [are] on the face of the ground.”
17 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
And YHWH says to Moses, “Even this thing which you have spoken I do; for you have found grace in My eyes, and I know you by name.”
18 Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.”
And he says, “Please show me Your glory”;
19 Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.”
and He says, “I cause all My goodness to pass before your face, and have called concerning the Name of YHWH before you, and favored him whom I favor, and loved him whom I love.”
20 Akati, “Asi haugoni kuona chiso changu, nokuti hapana munhu angandiona uye akararama.”
He also says, “You are unable to see My face, for man does not see Me and live”;
21 Ipapo Jehovha akati, “Pane nzvimbo iri pedyo neni paungamira padombo.
YHWH also says, “Behold, a place [is] by Me, and you have stood on the rock,
22 Panopfuura kubwinya kwangu, ndichakuisa mumukaha wedombo uye ndichakufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura.
and it has come to pass, in the passing by of My glory, that I have set you in a cleft of the rock, and spread out My hands over you until My passing by,
23 Ipapo ndichabvisa ruoko rwangu uye uchaona shure kwangu; asi chiso changu hachifaniri kuonekwa.”
and I have turned aside My hands, and you have seen My back parts, and My face is not seen.”