< Ekisodho 31 >

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
Ndipo Bwana akamwambia Mose,
2 “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
“Tazama, nimemchagua Bezaleli mwana wa Uri, mwana wa Huri, wa kabila la Yuda,
3 uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha,
nami nimemjaza Roho wa Mungu, pamoja na ustadi, uwezo na ujuzi katika aina zote za ufundi,
4 kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira,
ili kubuni michoro ya kupendeza katika ufundi wa dhahabu, fedha na shaba,
5 kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.
kuchonga vito na kuvitia mahali, kufanya ufundi kwa mbao, na kujishughulisha na aina zote za ufundi.
6 Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, kuti amubatsire. “Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:
Tena nimemteua Oholiabu mwana wa Ahisamaki, wa kabila la Dani, ili kumsaidia. Pia mafundi wote nimewapa ustadi wa kutengeneza kila kitu nilichokuamuru wewe:
7 “Tende Rokusangana, areka yeChipupuriro ine chifukidzo chokuyananisa pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende,
Hema la Kukutania, Sanduku la Ushuhuda pamoja na kiti cha rehema juu yake, pia na vifaa vyote vya kwenye hema,
8 tafura nemidziyo yayo, chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira,
meza na vifaa vyake, kinara cha taa cha dhahabu safi na vifaa vyake vyote, madhabahu ya kufukizia uvumba,
9 aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,
madhabahu ya sadaka ya kuteketezwa na vyombo vyake vyote, sinia na kinara chake,
10 uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,
pamoja na mavazi matakatifu yaliyofumwa ya kuhani Aroni, na mavazi kwa ajili ya wanawe wakati wanahudumu katika kazi ya ukuhani,
11 namafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene. “Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”
pia mafuta ya upako na uvumba wenye harufu nzuri kwa ajili ya Mahali Patakatifu. Watavitengeneza sawasawa kama vile nilivyokuagiza wewe.”
12 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
Kisha Bwana akamwambia Mose,
13 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kuzvizvarwa zvinotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene.
“Waambie Waisraeli, ‘Ninyi ni lazima mzishike Sabato zangu. Hii itakuwa ni ishara kati yangu na ninyi kwa ajili ya vizazi vijavyo, ili mpate kujua kwamba Mimi Ndimi Bwana, niwafanyaye ninyi watakatifu.
14 “‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
“‘Mtaishika Sabato, kwa sababu ni takatifu kwenu. Yeyote atakayeinajisi lazima auawe, yeyote atakayefanya kazi siku hiyo lazima akafie mbali na watu wake.
15 Kwamazuva matanhatu, basa rinofanira kuitwa, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, idzvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro nomusi weSabata anofanira kuurayiwa.
Kwa siku sita, mtafanya kazi, lakini siku ya saba ni Sabato ya kupumzika, takatifu kwa Bwana. Yeyote afanyaye kazi yoyote siku ya Sabato ni lazima auawe.
16 VaIsraeri vanofanira kucherechedza Sabata, vachiripemberera kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera sesungano isingaperi.
Waisraeli wataishika Sabato, kuiadhimisha kwa vizazi vijavyo kuwa Agano la milele.
17 Richava chiratidzo pakati pangu navaIsraeri nokusingaperi, nokuti mukati mamazuva matanhatu Jehovha akasika denga nenyika, uye nomusi wechinomwe akarega kushanda uye akazorora.’”
Itakuwa ishara kati yangu na Waisraeli milele, kwa kuwa kwa muda wa siku sita Bwana aliumba mbingu na dunia, na siku ya saba akaacha kufanya kazi, akapumzika.’”
18 Jehovha akati apedza kutaura naMozisi paGomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri eChipupuriro, mahwendefa amabwe akanyorwa nomunwe waMwari.
Bwana alipomaliza kusema na Mose juu ya Mlima Sinai, Mungu akampa vile vibao viwili vya Ushuhuda, vibao vya mawe vilivyoandikwa kwa kidole cha Mungu.

< Ekisodho 31 >