< Ekisodho 30 >
1 “Uite aritari yokupisira zvinonhuhwira namatanda omuunga.
And you shall make an altar to burn incense on: of shittim wood shall you make it.
2 Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti maviri, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo.
A cubit shall be the length thereof, and a cubit the breadth thereof; foursquare shall it be: and two cubits shall be the height thereof: the horns thereof shall be of the same.
3 Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka,
And you shall overlay it with pure gold, the top thereof, and the sides thereof round about, and the horns thereof; and you shall make to it a crown of gold round about.
4 uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura.
And two golden rings shall you make to it under the crown of it, by the two corners thereof, on the two sides of it shall you make it; and they shall be for places for the staves to bear it with.
5 Uite mapango aya nomuti womuunga uye uafukidze negoridhe.
And you shall make the staves of shittim wood, and overlay them with gold.
6 Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.
And you shall put it before the veil that is by the ark of the testimony, before the mercy seat that is over the testimony, where I will meet with you.
7 “Aroni anofanira kupisa zvinonhuhwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje.
And Aaron shall burn thereon sweet incense every morning: when he dresses the lamps, he shall burn incense on it.
8 Anofanira kupisazve zvinonhuhwira paanenge achitungidza mwenje zuva richangovira saka zvinonhuhwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.
And when Aaron lights the lamps at even, he shall burn incense on it, a perpetual incense before the LORD throughout your generations.
9 Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuhwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo.
You shall offer no strange incense thereon, nor burnt sacrifice, nor meat offering; neither shall you pour drink offering thereon.
10 Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”
And Aaron shall make an atonement on the horns of it once in a year with the blood of the sin offering of atonements: once in the year shall he make atonement on it throughout your generations: it is most holy to the LORD.
11 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
And the LORD spoke to Moses, saying,
12 “Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga.
When you take the sum of the children of Israel after their number, then shall they give every man a ransom for his soul to the LORD, when you number them; that there be no plague among them, when you number them.
13 Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha.
This they shall give, every one that passes among them that are numbered, half a shekel after the shekel of the sanctuary: (a shekel is twenty gerahs: ) an half shekel shall be the offering of the LORD.
14 Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana anopfuura iwayo, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha.
Every one that passes among them that are numbered, from twenty years old and above, shall give an offering to the LORD.
15 Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu.
The rich shall not give more, and the poor shall not give less than half a shekel, when they give an offering to the LORD, to make an atonement for your souls.
16 Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”
And you shall take the atonement money of the children of Israel, and shall appoint it for the service of the tabernacle of the congregation; that it may be a memorial to the children of Israel before the LORD, to make an atonement for your souls.
17 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
And the LORD spoke to Moses, saying,
18 “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendarira. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.
You shall also make a laver of brass, and his foot also of brass, to wash with: and you shall put it between the tabernacle of the congregation and the altar, and you shall put water therein.
19 Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura.
For Aaron and his sons shall wash their hands and their feet thereat:
20 Pose pavachapinda muTende Rokusangana vachashamba kuitira kuti varege kufa. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto,
When they go into the tabernacle of the congregation, they shall wash with water, that they die not; or when they come near to the altar to minister, to burn offering made by fire to the LORD:
21 vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.”
So they shall wash their hands and their feet, that they die not: and it shall be a statute for ever to them, even to him and to his seed throughout their generations.
22 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
Moreover the LORD spoke to Moses, saying,
23 “Tora zvinonhuhwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekeri emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuhwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe,
Take you also to you principal spices, of pure myrrh five hundred shekels, and of sweet cinnamon half so much, even two hundred and fifty shekels, and of sweet calamus two hundred and fifty shekels,
24 mashekeri omuunga mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehini yamafuta omuorivhi.
And of cassia five hundred shekels, after the shekel of the sanctuary, and of oil olive an hin:
25 Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuhwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Achava mafuta matsvene okuzodza.
And you shall make it an oil of holy ointment, an ointment compound after the are of the apothecary: it shall be an holy anointing oil.
26 Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro,
And you shall anoint the tabernacle of the congregation therewith, and the ark of the testimony,
27 tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira,
And the table and all his vessels, and the candlestick and his vessels, and the altar of incense,
28 aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo.
And the altar of burnt offering with all his vessels, and the laver and his foot.
29 Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene.
And you shall sanctify them, that they may be most holy: whatever touches them shall be holy.
30 “Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista.
And you shall anoint Aaron and his sons, and consecrate them, that they may minister to me in the priest’s office.
31 Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza kuzvizvarwa zvinotevera.
And you shall speak to the children of Israel, saying, This shall be an holy anointing oil to me throughout your generations.
32 Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene.
On man’s flesh shall it not be poured, neither shall you make any other like it, after the composition of it: it is holy, and it shall be holy to you.
33 Ani naani anoita mafuta anonhuhwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’”
Whoever compounds any like it, or whoever puts any of it on a stranger, shall even be cut off from his people.
34 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuhwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuhwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana,
And the LORD said to Moses, Take to you sweet spices, stacte, and onycha, and galbanum; these sweet spices with pure frankincense: of each shall there be a like weight:
35 uye ugoita zvinonhuhwira zvakavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Zvinofanira kurungwa nomunyu, uye zvitsvene.
And you shall make it a perfume, a confection after the are of the apothecary, tempered together, pure and holy:
36 Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri.
And you shall beat some of it very small, and put of it before the testimony in the tabernacle of the congregation, where I will meet with you: it shall be to you most holy.
37 Usazviitira zvinonhuhwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha.
And as for the perfume which you shall make, you shall not make to yourselves according to the composition thereof: it shall be to you holy for the LORD.
38 Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuhwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”
Whoever shall make like to that, to smell thereto, shall even be cut off from his people.