< Ekisodho 3 >

1 Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure mugwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari.
Now Moses was still shepherding the flock of Jethro his father-in-law, the priest of Midian. Moses led the flock to the far side of the wilderness and arrived at Horeb, the mountain of God.
2 Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi.
There the angel of Yahweh appeared to him in a flame of fire in a bush. Moses looked, and behold, the bush was burning, but the bush was not burned up.
3 Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.”
Moses said, “I will turn aside and see this amazing thing, why the bush is not burned up.”
4 Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!” Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.”
When Yahweh saw that he had turned aside to look, God called to him out of the bush and said, “Moses, Moses.” Moses said, “Here I am.”
5 Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.”
God said, “Do not come any closer! Take off your shoes from your feet, for the place where you are standing is ground that is set apart to me.”
6 Ipapo akati, “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho.” Uye Mozisi akafukidza chiso chake, nokuti akanga achitya kutarisa Mwari.
He added, “I am the God of your father, the God of Abraham, the God of Isaac, and the God of Jacob.” Then Moses covered his face, for he was afraid to look at God.
7 Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo.
Yahweh said, “I have certainly seen the suffering of my people who are in Egypt. I have heard their shouts because of their taskmasters, for I know about their suffering.
8 Saka ndaburuka kuti ndivanunure vabve muruoko rwavaIjipita uye kuti ndivabudise munyika iyo ndivaise kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera mukaka nouchi, nzvimbo yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.
I have come down to free them from the Egyptians' power and to bring them up from that land to a good, large land, to a land flowing with milk and honey; to the region of the Canaanites, Hittites, Amorites, Perizzites, Hivites, and Jebusites.
9 Uye zvino kuchema kwavaIsraeri kwasvika kwandiri, uye ndaona nzira yavanotambudzwa nayo navaIjipita.
Now the shouts of the people of Israel have come to me. Moreover, I have seen the oppression caused by the Egyptians.
10 Saka chienda, zvino, ndiri kukutuma kuna Faro kuti undobudisa vanhu vangu vaIsraeri kubva muIjipiti.”
Now then, I will send you to Pharaoh so that you may bring my people, the Israelites, out of Egypt.”
11 Asi Mozisi akati kuna Mwari, “Ndini aniko ini kuti ndiende kuna Faro kuti ndinobudisa vaIsraeri kubva muIjipiti?”
But Moses said to God, “Who am I, that I should go to Pharaoh and bring the Israelites from Egypt?”
12 Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.”
God replied, “I will certainly be with you. This will be a sign to you that I have sent you. When you have brought the people out of Egypt, you will worship me on this mountain.”
13 Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?”
Moses said to God, “When I go to the Israelites and tell them, 'The God of your ancestors has sent me to you,' and when they say to me, 'What is his name?' what should I say to them?”
14 Mwari akati kuna Mozisi, “Ndiri Wandiri. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘Ndiri’ andituma kwamuri.”
God said to Moses, “I AM THAT I AM.” God said, “You must say to the Israelites, 'I AM has sent me to you.'”
15 Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose.
God also said to Moses, “You must say to the Israelites, 'Yahweh, the God of your ancestors, the God of Abraham, the God of Isaac, and the God of Jacob, has sent me to you. This is my name forever, and this is how I will be kept in mind for all generations.'
16 “Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti.
Go and gather the elders of Israel together. Say to them, 'Yahweh, the God of your ancestors, the God of Abraham, of Isaac, and of Jacob, has appeared to me and said, “I have indeed observed you and have seen what has been done to you in Egypt.
17 Uye ndakavimbisa kukubudisai mukutambudzika kwenyu muIjipiti ndikuisei kunyika yavaKenani, navaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi, nyika inoyerera mukaka nouchi.”’
I have promised to bring you up from the oppression in Egypt to the land of the Canaanites, Hittites, Amorites, Perizzites, Hivites, and Jebusites, a land flowing with milk and honey.”'
18 “Vakuru vavaIsraeri vachakuteerera. Ipapo iwe navakuru vavaIsraeri munofanira kuenda kuna mambo weIjipiti munoti kwaari, ‘Jehovha Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Regai tifambe rwendo rwamazuva matatu tiende kurenje kuti tindobayira kuna Jehovha Mwari wedu.’
They will listen to you. You and the elders of Israel must go to the king of Egypt, and you must tell him, 'Yahweh, the God of the Hebrews, has met with us. So now let us go three days' journey into the wilderness, in order that we may sacrifice to Yahweh, our God.'
19 Asi ndinoziva kuti mambo weIjipiti haasi kuzokutenderai kunze kwokunge ruoko rune simba rwamumanikidza.
But I know that the king of Egypt will not let you go, unless his hand is forced.
20 Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutenderai kuenda.
I will reach out with my hand and attack the Egyptians with all the miracles that I will do among them. After that, he will let you go.
21 “Uye ndichaita kuti vaIjipita vaitire vanhu ava nyasha, zvokuti pamunoenda hamuendi musina chinhu.
I will grant this people favor from the Egyptians, so when you leave, you will not go empty-handed.
22 Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make, zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.”
Every woman will ask for silver and gold jewels and for clothing from her Egyptian neighbors and any women staying in her neighbors' houses. You will put them on your sons and daughters. In this way you will plunder the Egyptians.”

< Ekisodho 3 >