< Ekisodho 28 >

1 “Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete navanakomana vake vanoti Nadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire savaprista.
“Bana kâhinlik etmeleri için İsrailliler arasından ağabeyin Harun'u, oğulları Nadav, Avihu, Elazar ve İtamar'ı yanına al.
2 Uitire mukoma wako nguo tsvene, kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa.
Ağabeyin Harun'a görkem ve saygınlık kazandırmak için kutsal giysiler yap.
3 Utaurire varume voumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo, dzokutsaurwa kwake, kuti agondishumira somuprista.
Bilgelik verdiğim becerikli adamlara söyle, Harun'a giysi yapsınlar. Öyle ki, bana kâhinlik etmek için kutsal kılınmış olsun.
4 Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapachipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nguwani nendaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi.
Yapacakları giysiler şunlardır: Göğüslük, efod, kaftan, nakışlı mintan, sarık, kuşak. Bana kâhinlik etmeleri için ağabeyin Harun'a ve oğullarına bu kutsal giysileri yapacaklar.
5 Uvaite kuti vashandise wuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka.
Altın sırma, lacivert, mor, kırmızı iplik, ince keten kullanacaklar.”
6 “Vaite efodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romunhu ano umhizha.
“Efodu altın sırmayla, lacivert, mor, kırmızı iplikle, özenle dokunmuş ince ketenden ustaca yapacaklar.
7 Ngaive namapenga maviri apamapfudzi akabatanidzwa pamakona ayo maviri, kuitira kuti igogona kubatanidzwa.
Bağlanabilmesi için iki köşesine takılmış ikişer omuzluğu olacak.
8 Bhanhire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
Efodun üzerinde efod gibi ustaca dokunmuş bir şerit olacak. Efodun bir parçası gibi lacivert, mor, kırmızı iplikle, altın sırmayla, özenle dokunmuş ince ketenden olacak.
9 “Utore mabwe maviri eonikisi ugonyora runyoro rwakatemwa pamusoro pawo mazita avanakomana vaIsraeri
İki oniks taşı alacak, İsrailoğulları'nın adlarını, doğuş sırasına göre altısını birinin, altısını ötekinin üzerine oyacaksın.
10 zvichienderana nokuberekwa kwavo, mazita matanhatu padombo rimwe chete uye mamwe matanhatu asara anyorwe pane rimwe dombo.
11 Nyora mazita avanakomana vaIsraeri pamatombo maviri nenzira inoitwa nomuvezi wamatombo achitema runyoro pachisimbiso. Ipapo ugoamisa muzvirukwa zvegoridhe
İsrailoğulları'nın adlarını bu iki taşın üzerine usta oymacıların mühür oyduğu gibi oyacaksın. Taşları altın yuvalar içine koyduktan sonra İsrailliler'in anılması için efodun omuzluklarına tak. Harun, anılmaları için onların adlarını RAB'bin önünde iki omuzunda taşıyacak.
12 uye ugoasungirira pamapenga apapfudzi eefodhi ave matombo echirangaridzo kuvana vaIsraeri. Aroni anofanira kutakura mazita aya pamapfudzi ake chive chirangaridzo pamberi paJehovha.
13 Uite zvirukwa zvegoridhe
Altın yuvalar ve saf altından iki zincir yap. Zincirleri örme kordon gibi yapıp yuvalara yerleştir.”
14 uye nengetani mbiri dzakarukwa setambo negoridhe rakaisvonaka, ugobatanidza ngetani nezvirukwa.
15 “Uite chidzitiro chapachipfuva chokutanga, basa romunhu woumhizha. Uchiite chifanane neefodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye mucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
“Usta işi bir karar göğüslüğü yap. Onu da efod gibi, altın sırmayla, lacivert, mor, kırmızı iplikle, özenle dokunmuş ince ketenden yap.
16 Ngachienzane mativi ose ari mana, kureba kwacho sechanza choruoko uye upamhi hwakaita sechanza choruoko, uye chipetwe kaviri.
Dört köşe, eni ve boyu birer karış olacak; ikiye katlanacak.
17 Ipapo uronge mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga muchava nerubhi, netopazi uye bheriri;
Üzerine dört sıra taş yuvası kak. Birinci sırada yakut, topaz, zümrüt;
18 mumutsara wechipiri muchava neturikoisi, safire neemaradhi;
ikinci sırada firuze, laciverttaşı, aytaşı;
19 mumutsara wechitatu muchava nejasindi, agati neametisiti;
üçüncü sırada gökyakut, agat, ametist;
20 mumutsara wechina muchava nekirisoriti, onekisi uye nejasipa. Uaise muzvirukwa zvegoridhe.
dördüncü sırada sarı yakut, oniks ve yeşim olacak. Taşlar altın yuvalara kakılacak.
21 Panofanira kuva namatombo gumi namaviri, rimwe chete richimirira zita rimwe nerimwe ravanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakatemwa runyoro padombo sezvinoita chisimbiso chezita romumwe wavamarudzi gumi namaviri.
On iki taş olacak. Üzerlerine mühür oyar gibi İsrailoğulları'nın adları bir bir oyulacak. Bu taşlar İsrail'in on iki oymağını simgeleyecek.
22 “Uite ngetani dzechidzitiro chapachipfuva dzakarukwa negoridhe rakaisvonaka, uzvimone setambo.
“Göğüslük için saf altından örme zincirler yap.
23 Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzisungirira pamakona maviri echidzitiro chapachipfuva.
İki altın halka yap, göğüslüğün üst iki köşesine birer halka koy.
24 Usungirire ngetani mbiri dzegoridhe pamhete dziri pamakona echidzitiro chapachipfuva,
İki örme altın zinciri göğüslüğün köşelerindeki halkalara tak.
25 nemimwe micheto yengetani inoenda kuzvirukwa zviviri uchizvibatanidza, kuzvipenga zvapamapfudzi zveefodhi nechokumberi.
Zincirlerin öteki iki ucunu iki yuvanın üzerinden geçirerek efodun ön tarafına, omuzlukların üzerine bağla.
26 Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzibatanidza kuna mamwe makona echidzitiro chapachipfuva pamupendero wechomukati kunotevererana neefodhi.
İki altın halka daha yap; her birini göğüslüğün alt iki köşesine, efoda bitişik iç kenarına tak.
27 Uitezve dzimwe mhete dzegoridhe ugodzibatanidza pasi pemapenga apamapfudzi nechokumberi kweefodhi, pedyo nomusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno reefodhi.
İki altın halka daha yap; efodun önündeki omuzluklara alttan, dikişe yakın, ustaca dokunmuş şeridin yukarısına tak.
28 Mhete dzepachidzitiro chechipfuva dzinofanira kusungirirwa pamhete dzeefodhi netambo yebhuruu, dzichibatanidzwa nebhanhire romuchiuno, kuitira kuti chidzitiro chapachipfuva chirege kubva paefodhi.
Göğüslüğün halkalarıyla efodun halkaları lacivert kordonla birbirine bağlanacak. Öyle ki, göğüslük efodun ustaca dokunmuş şeridinin yukarısında kalsın ve efoddan ayrılmasın.
29 “Nguva dzose Aroni paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene, achange akatakura mazita avanakomana vaIsraeri pamwoyo wake pachidzitiro chechipfuva chokutonga sechirangaridzo chenguva dzose pamberi paJehovha.
“Harun Kutsal Yer'e girerken, İsrailoğulları'nın adlarının yazılı olduğu karar göğüslüğünü yüreğinin üzerinde taşıyacak. Öyle ki, ben, RAB halkımı sürekli anımsayayım.
30 Uyezve uise Urimi neTumimi muchidzitiro chechipfuva, kuitira kuti vagare vari pamwoyo waAroni pose paanenge achipinda pamberi paJehovha. Nokudaro Aroni acharamba akatakura zvinhu zvokutonga nazvo vaIsraeri pamwoyo wake pamberi paJehovha.
Urim'le Tummim'i karar göğüslüğünün içine koy; öyle ki, Harun ne zaman huzuruma çıksa yüreğinin üzerinde olsunlar. Böylece Harun İsrailoğulları'nın karar vermek için kullandıkları Urim'le Tummim'i RAB'bin huzurunda sürekli yüreğinin üzerinde taşıyacak.”
31 “Uite jasi rose zvaro reefodhi nomucheka webhuruu,
“Efodun altına giyilen kaftanı salt lacivert iplikten yap.
32 neburi romusoro pakati paro. Panofanira kuzova nomupendero wakarukwa wakaita sekora unopoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.
Ortasında baş geçecek kadar bir boşluk bırak. Yırtılmaması için boşluğun kenarlarını yaka gibi dokuyarak çevir.
33 Uite matamba ewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku akapoteredza mupendero wejasi, namatare egoridhe pakati pawo.
Kaftanın kenarını çepeçevre lacivert, mor, kırmızı iplikten nar motifleriyle beze, aralarına altın çıngıraklar tak.
34 Matare egoridhe namatamba zvinofanira kukayana zvichipoteredza mupendero wejasi.
Eteğin ucu bir altın çıngırak, bir nar, bir altın çıngırak, bir nar olmak üzere çepeçevre kaplanacak.
35 Aroni anofanira kuripfeka paanenge achishumira. Kurira kwamatare kuchanzwikwa paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene pamberi paJehovha uye nepaanenge achibuda, kuitira kuti arege kufa.
Harun hizmet ederken bu kaftanı giyecek. En Kutsal Yer'e, huzuruma girip çıkarken duyulan çıngırak sesi onun ölmediğini gösterecek.
36 “Uite ndiro yegoridhe ugotema runyoro pairi sezvinoitwa pachisimbiso kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.
“Saf altından bir levha yap ve üzerine mühür oyar gibi ‘RAB'be adanmıştır’ sözünü oy;
37 Usungire tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani; inofanira kuva mberi kwenguwani.
lacivert bir kordonla sarığın ön tarafına bağla.
38 Ichava pahuma yaAroni, uye iye achatakura mhosva dzingava pazvipo zvitsvene zvinotsaurwa navaIsraeri, zvingava zvipo zvipi hazvo. Zvichava pahuma yaAroni nguva dzose kuitira kuti zvigamuchirwe naJehovha.
Harun onu alnında taşıyacak. İsrailliler kutsal bağışlarını getirirken suç işlemişlerse, suçlarını Harun taşıyacak; onlar önümde kabul görsün diye levha sürekli Harun'un alnında bulunacak.
39 “Uruke jasi romucheka wakaisvonaka ugoita nguwani yomucheka wakaisvonaka. Ndaza inofanira kuva basa romuruki.
“İnce ketenden işlemeli bir mintan doku, ince ketenden bir sarık, bir de nakışlı kuşak yap.
40 Uite majasi, ndaza namabhanhire omumusoro avanakomana vaAroni, kuti vapiwe ruremekedzo nokukudzwa.
“Harun'un oğullarına mintanlar, kuşaklar, görkem ve saygınlık kazandıracak başlıklar yap.
41 Shure kwokunge wapfekedza mukoma wako Aroni navanakomana vake, uvazodze uye ugovagadza. Uvatsaure kuti vagondishumira savaprista.
Bu giysileri ağabeyin Harun'a ve oğullarına giydir; sonra bana kâhinlik etmeleri için onları meshedip ata ve kutsal kıl.
42 “Uite nguo dzapasi dzomucheka dzive chifukidzo chomuviri, dzinobva muchiuno kusvikira kumabvi.
“Edep yerlerini örtmek için onlara keten donlar yap. Boyu belden uyluğa kadar olacak.
43 Aroni navanakomana vake vanofanira kudzipfeka pose pavanenge vachipinda muTende roKusangana kana kuswedera paaritari kuti vashumire vari muNzvimbo Tsvene, kuitira kuti varege kuva nemhosva vakafa. “Uchava mutemo wokusingaperi kuna Aroni nezvizvarwa zvake.
Harun'la oğulları Buluşma Çadırı'na girdiklerinde ya da Kutsal Yer'de hizmet etmek üzere sunağa yaklaştıklarında, suç işleyip ölmemek için bu donları giyecekler. Harun ve soyundan gelenler için sürekli bir kural olacak bu.”

< Ekisodho 28 >