< Ekisodho 27 >

1 “Uvake aritari yamatanda omuunga, makubhiti matatu pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanu uye upamhi hwayo makubhiti mashanu.
“你要用皂荚木做坛。这坛要四方的,长五肘,宽五肘,高三肘。
2 Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira.
要在坛的四拐角上做四个角,与坛接连一块,用铜把坛包裹。
3 Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo dzokubvisisa madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama nemakango apamoto.
要做盆,收去坛上的灰,又做铲子、盘子、肉锸子、火鼎;坛上一切的器具都用铜做。
4 Uyiitire chiparo, sefa yendarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yesefa.
要为坛做一个铜网,在网的四角上做四个铜环,
5 Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari.
把网安在坛四面的围腰板以下,使网从下达到坛的半腰。
6 Uitire aritari matanda omuunga uye ugoafukidza nendarira.
又要用皂荚木为坛做杠,用铜包裹。
7 Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa.
这杠要穿在坛两旁的环子内,用以抬坛。
8 Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo.
要用板做坛,坛是空的,都照着在山上指示你的样式做。”
9 “Uitire tabhenakeri ruvazhe. Rutivi rwezasi runofanira kureba makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka,
“你要做帐幕的院子。院子的南面要用捻的细麻做帷子,长一百肘。
10 namatanda makumi maviri uye zvigadziko zvendarira makumi maviri uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.
帷子的柱子要二十根,带卯的铜座二十个。柱子上的钩子和杆子都要用银子做。
11 Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.
北面也当有帷子,长一百肘,帷子的柱子二十根,带卯的铜座二十个。柱子上的钩子和杆子都要用银子做。
12 “Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu uye zvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi.
院子的西面当有帷子,宽五十肘,帷子的柱子十根,带卯的座十个。
13 Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu.
院子的东面要宽五十肘。
14 Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvinofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu,
门这边的帷子要十五肘,帷子的柱子三根,带卯的座三个。
15 uye zvimwe zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu ngazvivewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo.
门那边的帷子也要十五肘,帷子的柱子三根,带卯的座三个。
16 “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi maviri, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.
院子的门当有帘子,长二十肘,要拿蓝色、紫色、朱红色线,和捻的细麻,用绣花的手工织成,柱子四根,带卯的座四个。
17 Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira.
院子四围一切的柱子都要用银杆连络,柱子上的钩子要用银做,带卯的座要用铜做。
18 Ruvazhe ruchareba makubhiti zana uye makubhiti makumi mashanu paupamhi, nezvidzitiro zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka yakareba makubhiti mashanu, uye nezvigadziko zvendarira.
院子要长一百肘,宽五十肘,高五肘,帷子要用捻的细麻做,带卯的座要用铜做。
19 Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.
帐幕各样用处的器具,并帐幕一切的橛子,和院子里一切的橛子,都要用铜做。”
20 “Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta.
“你要吩咐以色列人,把那为点灯捣成的清橄榄油拿来给你,使灯常常点着。
21 MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokuzvizvarwa zvinotevera.
在会幕中法柜前的幔外,亚伦和他的儿子,从晚上到早晨,要在耶和华面前经理这灯。这要作以色列人世世代代永远的定例。”

< Ekisodho 27 >