< Ekisodho 26 >

1 “Uite tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko.
Also the habitation shalt thou make, with ten curtains, of twined linen, and blue, and purple, and crimson, with cherubim, the work of a skilful weaver, shalt thou make them.
2 Zvidzitiro zvose zvinofanira kuva zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasere uye makubhiti mana paupamhi.
The length of each curtain twenty-eight cubits, and, the breadth four cubits, of each curtain, one measure, for all the curtains.
3 Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo nezvimwe zvishanu.
The five curtains, shall be joined, one to another, and, the other five curtains, joined, one to another.
4 Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wechidzitiro zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nechidzitiro chokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa.
And thou shalt make loops of blue on the border of each curtain, at the edge of the set, —and, thus, shalt thou do in the border of the curtain, that is outmost in the second set:
5 Uite zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wechidzitiro chezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe.
fifty loops, shalt thou make, in the one curtain, and fifty loops, shalt thou make in the edge of the curtain which is in the second set, the loops being opposite, one to another.
6 Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza zvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe.
And thou shalt make fifty clasps of gold, —so shalt thou join the curtains one to another, with the clasps, and thus shall the habitation be one.
7 “Uite zvidzitiro zvamakushe embudzi zvetende riri pamusoro petabhenakeri, zvose zvive gumi nerimwe pamwe chete.
And thou shalt make curtains of goat’s hair, for a tent, over the habitation—eleven curtains, shalt thou make them.
8 Zvidzitiro zvose zviri gumi nerimwe zvinofanira kuenzana, makubhiti makumi matatu pakureba uye makubhiti mana paupamhi.
The length of each curtain, thirty cubits, and the breadth, four cubits, of each curtain, —one measure, to the eleven curtains.
9 Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete zviite chinhu chimwe chete uye zvimwe zvitanhatu zvivewo chinhu chimwe chete. Upete chidzitiro chechitanhatu kaviri pamberi petende.
And thou shalt join the five curtains by themselves, and the six curtains by themselves, and thou shalt fold back the sixth curtain, in the forefront of the tent.
10 Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wechidzitiro chokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wechidzitiro chokumucheto kwezvimwe zvakabatanidzwa.
And thou shalt make fifty loops on the border of the one curtain, that is outmost in the set, and fifty loops on the border of the curtain, of the second set.
11 Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete.
And thou shalt make fifty clasps of bronze, and bring the clasps into the loops, so shalt thou join the tent, and it shall be one.
12 Kana zviri zvokuwedzera urefu hwezvidzitiro zvetende, hafu yechidzitiro inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri.
And the overplus that remaineth in the curtains of the tent, —the half curtain that remaineth, shall hang over at the back of the habitation.
13 Zvidzitiro zvetende zvinofanira kurebesa nekubhiti rimwe chete pamativi ose ari maviri; zvinenge zvasara zvinofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti zvigoifukidza.
And, the cubit on the one side, and the cubit on the other side of that which remaineth, in the length of the curtains of the tent shall be hung over the sides of the habitation on this side and on that side to make a covering.
14 Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondobwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa.
And thou shalt make a covering, for the tent, of rams’ skins dyed red, —and a covering of badger’s skins, above.
15 “Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuunga.
And thou shalt make boards for the habitation, —of acacia wood to stand up:
16 Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumi uye kubhiti nehafu paupamhi,
ten cubits, the length of the board, and a cubit and a half cubit the breadth of each board:
17 nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi.
two tenons, to each board, united one to another, —thus, shalt thou make, for all the boards of the habitation,
18 Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri
So then thou shalt make the boards for the habitation, twenty boards, on the south side southwards.
19 uye uite zvigadziko zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe.
And forty sockets of silver, shalt thou make under the twenty boards, —two sockets under the one board for its two tenons, and two sockets, under the next board, for its two tenons.
20 Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri,
And on the second side of the habitation, towards the north, twenty boards;
21 uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
and their forty sockets of silver, —two sockets, under the one board, and, two sockets, under the next board.
22 Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri,
And for the hinderpart of the habitation, westward, shalt thou make six boards.
23 uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto.
And, two boards, shalt thou make, for the corners of the habitation, —in the hinderpart:
24 Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaave saizvozvo.
that they may be double beneath, and at the same time, they shall be entire on the top thereof, into each ring, —thus, shall it be for them both, for the two corners, shall they be.
25 Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
So shall they be eight boards, and, their sockets of silver, sixteen sockets, —two sockets, under the one board, and, two sockets, under the next board.
26 “Uyewo uite mbariro dzamatanda omuunga: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri,
And thou shalt make bars, of acacia wood, —five, for the boards of the one side of the habitation,
27 shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri.
and five bars, for the boards of the other side of the habitation, and five bars, for the boards of the side of the habitation, at the hinderpart westward;
28 Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga.
with the middle bar in the midst of the boards, —running along from end to end.
29 Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.
And the boards, shalt thou overlay with gold, and their rings, shalt thou make of gold, as receptacles for the bars, —and thou shalt overlay the bars with gold.
30 “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
So shalt thou rear up the habitation, according to the fashion thereof, which thou wast caused to see in the mount.
31 “Uite chidzitiro chebhuruu, nechepepuru nechitsvuku chomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo nenyanzvi yokusona.
And thou shalt make a veil, of blue and purple, and crimson and fine-twined linen, —of the work of a skilful weaver, shall it be made, with cherubim;
32 Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuunga akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha.
and thou shalt hang it upon four pillars of acacia overlaid with gold, with their hooks of gold, —upon four sockets of silver,
33 Urembedze chidzitiro pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa nzvimbo tsvene nevnzvimbo tsvene-tsvene.
And thou shalt hang up the veil under the clasps, —and shalt bring in thither, within the veil the ark of the testimony; and the veil shall make a division for you between the holy [place] and the most holy.
34 Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri munzvimbo tsvene-tsvene.
And thou shalt place the propitiatory, upon the ark of the testimony, —in the most holy [place].
35 Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi.
And thou shalt set the table outside the veil, and the lampstand over against the table, on the side of the habitation, southward, —and the table, shalt thou place on the north side.
36 “Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona.
And thou shalt make a screen for the opening of the tent, of blue, and purple and crimson, and fine-twined linen, —the work of an embroiderer.
37 Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuunga akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.
And thou shalt make for the screen five pillars of acacia, and shalt overlay them with gold, and their hooks [shall be] of gold, —and thou shalt cast for them five sockets of bronze.

< Ekisodho 26 >