< Ekisodho 25 >
1 Jehovha akati kuna Mozisi,
主はモーセに言われた、
2 “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.
「イスラエルの人々に告げて、わたしのためにささげ物を携えてこさせなさい。すべて、心から喜んでする者から、わたしにささげる物を受け取りなさい。
3 “Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: “goridhe, sirivha, ndarira;
あなたがたが彼らから受け取るべきささげ物はこれである。すなわち金、銀、青銅、
4 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi;
青糸、紫糸、緋糸、亜麻の撚糸、やぎの毛糸、
5 matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga;
あかね染の雄羊の皮、じゅごんの皮、アカシヤ材、
6 mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvemafuta okuzodza anonhuhwira uye nezvimwe zvinonhuhwira;
ともし油、注ぎ油と香ばしい薫香のための香料、
7 mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
縞めのう、エポデと胸当にはめる宝石。
8 “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo.
また、彼らにわたしのために聖所を造らせなさい。わたしが彼らのうちに住むためである。
9 Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza.
すべてあなたに示す幕屋の型および、そのもろもろの器の型に従って、これを造らなければならない。
10 “Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuunga, rakareba makubhiti maviri nehafu, upamhi kubhiti nehafu, uye kubhiti nehafu pakukwira.
彼らはアカシヤ材で箱を造らなければならない。長さは二キュビト半、幅は一キュビト半、高さは一キュビト半。
11 Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza.
あなたは純金でこれをおおわなければならない。すなわち内外ともにこれをおおい、その上の周囲に金の飾り縁を造らなければならない。
12 Muiumbire mhete ina dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi.
また金の環四つを鋳て、その四すみに取り付けなければならない。すなわち二つの環をこちら側に、二つの環をあちら側に付けなければならない。
13 Ipapo mugoita matanda omuunga uye negoridhe.
またアカシヤ材のさおを造り、金でこれをおおわなければならない。
14 Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo.
そしてそのさおを箱の側面の環に通し、それで箱をかつがなければならない。
15 Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa.
さおは箱の環に差して置き、それを抜き放してはならない。
16 Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai.
そしてその箱に、わたしがあなたに与えるあかしの板を納めなければならない。
17 “Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti nehafu paupamhi.
また純金の贖罪所を造らなければならない。長さは二キュビト半、幅は一キュビト半。
18 Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.
また二つの金のケルビムを造らなければならない。これを打物造りとし、贖罪所の両端に置かなければならない。
19 Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri.
一つのケルブをこの端に、一つのケルブをかの端に造り、ケルビムを贖罪所の一部としてその両端に造らなければならない。
20 Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro.
ケルビムは翼を高く伸べ、その翼をもって贖罪所をおおい、顔は互にむかい合い、ケルビムの顔は贖罪所にむかわなければならない。
21 Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai.
あなたは贖罪所を箱の上に置き、箱の中にはわたしが授けるあかしの板を納めなければならない。
22 Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.
その所でわたしはあなたに会い、贖罪所の上から、あかしの箱の上にある二つのケルビムの間から、イスラエルの人々のために、わたしが命じようとするもろもろの事を、あなたに語るであろう。
23 “Uite tafura namatanda omuunga yakareba makubhiti maviri, kubhiti rimwe chete paupamhi uye kubhiti nehafu pakukwirira.
あなたはまたアカシヤ材の机を造らなければならない。長さは二キュビト、幅は一キュビト、高さは一キュビト半。
24 Muifukidzire negoridhe rakaisvonaka uye mugoipoteredza nezvakaumbwa zvegoridhe.
純金でこれをおおい、周囲に金の飾り縁を造り、
25 Uyewo uite vhiri rinoipoteredza rino upamhi hwakaita sechanza choruoko ugoisa goridhe rakaumbwa pamusoro pevhiri.
またその周囲に手幅の棧を造り、その棧の周囲に金の飾り縁を造らなければならない。
26 Uite mhete ina dzegoridhe dzetafura ugodzisungira kumakona mana, pane makumbo ayo.
また、そのために金の環四つを造り、その四つの足のすみ四か所にその環を取り付けなければならない。
27 Mhete idzi dzinofanira kuva pedyo nevhiri kuti dzibate matanda anoshandiswa kutakura tafura.
環は棧のわきに付けて、机をかつぐさおを入れる所としなければならない。
28 Uite matanda omuunga, uafukidze negoridhe uye mugotakura tafura nawo.
またアカシヤ材のさおを造り、金でこれをおおい、それをもって、机をかつがなければならない。
29 Uye uite ndiro dzayo namadhishi negoridhe rakaisvonaka, uyewo namatende ayo nembiya dzokudirisa zvipiriso.
また、その皿、乳香を盛る杯および灌祭を注ぐための瓶と鉢を造り、これらは純金で造らなければならない。
30 Uise chingwa choKuratidza patafura iyi kuti chive pamberi pangu nguva dzose.
そして机の上には供えのパンを置いて、常にわたしの前にあるようにしなければならない。
31 “Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho.
また純金の燭台を造らなければならない。燭台は打物造りとし、その台、幹、萼、節、花を一つに連ならせなければならない。
32 Matavi matanhatu anofanira kutambarara achibva mumativi echigadziko chomwenje, matatu kuno rumwe rutivi uye matatu kuno rumwezve.
また六つの枝をそのわきから出させ、燭台の三つの枝をこの側から、燭台の三つの枝をかの側から出させなければならない。
33 Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje.
あめんどうの花の形をした三つの萼が、それぞれ節と花をもって一つの枝にあり、また、あめんどうの花の形をした三つの萼が、それぞれ節と花をもってほかの枝にあるようにし、燭台から出る六つの枝を、みなそのようにしなければならない。
34 Uye pachigadziko chomwenje panofanira kuva nemikombe mina yakaumbwa samaruva omuarimondi ane mabukira namaruva.
また、燭台の幹には、あめんどうの花の形をした四つの萼を付け、その萼にはそれぞれ節と花をもたせなさい。
35 Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu.
すなわち二つの枝の下に一つの節を取り付け、次の二つの枝の下に一つの節を取り付け、更に次の二つの枝の下に一つの節を取り付け、燭台の幹から出る六つの枝に、みなそのようにしなければならない。
36 Mabukira namatavi achava ebandi rimwe chete nechigadziko chomwenje, negoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.
それらの節と枝を一つに連ね、ことごとく純金の打物造りにしなければならない。
37 “Ipapo ugoita mwenje yacho minomwe uye ugoigadzika pamusoro pacho kuitira kuti zvigovhenekera nzvimbo iri mberi kwacho.
また、それのともしび皿を七つ造り、そのともしび皿に火をともして、その前方を照させなければならない。
38 Mbato dzacho nendiro dzacho zvinofanira kuva zvegoridhe rakaisvonaka.
その芯切りばさみと、芯取り皿は純金で造らなければならない。
39 Tarenda regoridhe rakaisvonaka rinofanira kushandiswa pachigadziko chomwenje nemimwe midziyo yose iyi.
すなわち純金一タラントで燭台と、これらのもろもろの器とが造られなければならない。
40 Uone kuti wazviita zvichienderana nomufananidzo wawakaratidzwa pagomo.
そしてあなたが山で示された型に従い、注意してこれを造らなければならない。